SINGLE MOTHER EPISODE 1

3 1 0
                                    


AMISHA CLIVE

Patove nemakore mashanu(5years) kubva zvandasiiwa nemurume wangu Jabulan Choga uyo akanditiza mushure mekunge anzwa kuti ndine pamuviri uye nhumbu yacho yakange iri yake zvemachokwadi, asi nekuda kuteerera makuhwa akatya kusekwa nevanhu vemunharaunda mataigara akabva atizira ku South Africa ndikasara ndichitambudzika ndega zvekuti ndakatombofunga kuzviuraya ndofa zvangu pamwe chete nemwana wangu akange ari mudumbu.Zvakange zvisiri nyore hama dzangu nekuti nhumbu iyi yakaita kuti nditadze kuenderera mberi nedzidzo yangu sezvo ndakapihwa mimba iyi ndichangopedza kunyora A Level ndakamirira ma results angu, uye chikoro ndaigona zvangu zvekuti amai vangu vaidada neni sezvo ndakange ndirini musikana mukuru mumba maamai vangu ndichiteerwa nevamwe vasikana vaviri vanin'ina vangu Shamiso na Thandiwe.

Baba vangu pavakangozvinzwa kuti ndave nepamuviri havana kufara nazvo vakadya magaka mambishi, vakarwadziwa nemari yavo yavakange vashandisa kundibhadharira chikoro uye vakange vatarisira kundiona ndichidzidza pa University of Zimbabwe ndoitawo graduate. Rudo rwaamai rwakandibatsira pavakangozviziva chete kuti ndava nepamuviri vakagara neni pasi vakandionesa zvinoita upenyu uye ndakafarira mashoko avo avakataura pavakati upenyu *"haufanane mwanangu wotoshinga"*.Amai vangu vakandipa mari ye start ndikatsvaga zvekuita ndikatora passport yangu,ndakatanga kubuda ndichienda kuno hodha nhumbi kunze kwenyika ndichiuya kuzotengesera muno mu Zim asi hazvina kutanga hazvo zviri nyore nekuti mimba yemwana wangu Makanaka yakandirwadza asi ndaingozvishingisa zvangu sezvo ndakange ndave kutsvaga zvaizondiraramisa ini nemwana wangu.

Ndakazosvika pakusununguka mwana wangu musikana uyo akatumidzwa zita rekuti Makanaka naAmai vangu ndikabva ndabva pamba ndikatanga kuzvionera ndichiroja pangu ndega uye business rangu handina kumbomira asi ndakambotsvaga ma runner ndikatanga kungoita zvekuisa ma orders vachi deliver zvinhu zvangu pamba pandaigara ndikatanga kuita zvekutengesa online sezvo ndakange ndave nema customer akawanda munzvimbo yandaigara vaitoita zvekundishanyira vachiuya kuzotenga nhumbi dzavaida uye ndaivachenesa zvangu nekuti basa racho ndaiita nemazvo.

Ndakarera mwana wangu ndega kuzvikira atange kuenda ku ECD,ndakange ndisingade kuona chinonzi murume pedyo neni nekuti pfungwa dzangu dzakange dzave kungofunga zvemari chete ndakange ndisisina mafeelings nemumwe munhu.Ndakazoita mukana ndikawana zvimbo yekutengesera stuff yangu kamwewo ka small boutique zvinhu zvikatanga kundifambira zvakanaka vanhu vakawanda vaiuya kuzo supporter business rangu.Pakaita imwe customer yangu yaipinda mu shop mangu kasingapere achingobvunza zvake ma prices asingatenge,kutaura chokwadi mukomana iyeye aindishungurudza,aibvunza ma price ese ezvinhu zvandaitengesa apedza obuda zvake mushop mangu otoenda pasina chaanenge atenga zvake.

Varume vakawanda vaipinda mushop mangu vaiedza kundipfimba asi hapana wandaimboda vamwe ndivo vaitoita zvekuratidzira vachida kundikwezva nekushandisa mari asi vakange vachinyangira yaona.Sezvineiwo customer yaindishungurudza iya yakazotenga 3 pairs dzema sneakers 👟 andaita $25 ndokusiya anditengera drink re minute maid akabva andikumbira phone number dzangu sezvo akati aida kuzoisa imwe order paphone ndikamupa zvangu nekuti akange angoriwo munhu akadzikama asina dzungu zvake ....

Ndaka receiver new text massage yakange yabva kune little sister yangu yandaisira Thandiwe




New Text Massage
THANDIWE

Hi Sisi kwaita mashura kuno Jabulan adzoka arikukutsvagai ati arikuda kukuonai imi nemwana.....

SINGLE MOTHER Where stories live. Discover now