CHITSAUKO 1

18 1 0
                                    



"Iwe Rumbidzai! Zviri nani umuke iyezvino ndisati ndawaranyure machira aukafuga", akazhamba Tanaka achinzwika kuti akatsamwa uye achiri nehope.

"Asi chatobvondoka kani? Mangwanani-ngwanani kudai here nhai Tanaka?" Rumbidzai akabvunza nezwi rizere nehope semunhu abva kupepuka. "Handiti nguva dzave 4 o'clock here nhai veduwee?" Akaenderera mberi achifuga musoro nekupfinyirira mujira.

"Handisi kuda zvekudzokorora zvandamboreva, Rumbidzai. Ndege yako ichasimuka nenguva dza 8 o'clock", akadaro Tanaka nezwi rinehasha.

Rumbidzai aziva munin'ina wake zvakanyanya, dai asina kumuka aisanyarara kupopota. Chokwadi dai pasina kuti zvaive nevamwe vanhu mukati, Rumbidzai aisadzokera kuSouth Africa kunomiririra nyika yeZimbabwe pamakwikwi emukombe wananyanduri. Gore rakapfuura akakwikwidza zvekare asi akabuda ari nyanzvi yepiri. Izvi zvakamubaya moyo akapotsa akanda mapfumo pasi, asi kumhuri yake, kuve nyanzvi yepiri kwaisava kwakanaka bedzi asi waivawo mukana wekuti anatsurudze mhosvo dzake kuitira ramangwana.

Rumbidzai akamuka achiyerera neusimbe akananga mukamuri yekugezera. Akavhura pombi yemvura asina kutarisa. "Jeso!" Akazhamba mvura yakatonhora paikamumhara pamusana.

Akanzwa Tanaka achiputika kuseka ari mune imwe kamuri. Pose paaikanganisa kuita chinhu, zvainakidza Tanaka.

Rumbidzai akabuda mukamuri yekugezera achienda mumba make mekurara, Tanaka aive atogadzira kare mubhedha waRumbidzai. Aive akabata komichi yepututugadzike.

"Ita unwe putugadzike iyi", akataura Tanaka zvinenge kakundivhumbura.

Rumbidzai akatora komichi iya ndokudzvuta kekutanga achitendera zvinopisa kuti zvidzike kupinda mudura remuviri wake.

"O-o, usati waoma", akadaro Tanaka achimutambidza gaba remafuta ake e-camphor cream.

"Wazviita", akadaro Rumbidzai achifarira kunhuwirira kwemakotapeya ari mumafuta ekuzora aya.

"Zvimwe zvinhu hazvidi kudai, chiitawo zvekuti uchinje mafuta aya, asara asikana", Tanaka akadaro akati nde-e mumaziso aRumbidzai.

"Hatirase tsika, chinyakare ingoda shamwari", akapindura achizora mafuta paganda rake.

Zuva parikazoti vhu-u, ainge apedza kugadzirira zvekuenda. Mukomana wake, Ngoni Munyoro ainge avimbisa kumuperekedza kunhandare yendege nemotokari, aive akatsika panopisa.

"Unomboziva here kuti ndinokwanisa kukuperekedza iyeni nemotokari", akadaro Tanaka.

"Ndapota, kwete zvanhasi", akadaro Rumbidzai achitsinzinra kamhepo kemangwanani kaimurova kumeso.

Rumbidzai aiziva kamuvengero kaive kakaitwa Ngoni naTanaka. Zvisinei, Ngoni aive asiri mukomana asina zvipomerwa asi aiziva zvaanoita.

Ngoni aive mukomana ane makore makumi maviri nemasere (28), akatsvinda, ane uchenjeri. Aiwana mari kupinda vazhinji vezera rake. Zvichida kurongeka kwake ndiko kwakaita kuti Rumbidzai arambe akanamira paari. Pavainge vave negore vachifambidzana, Ngoni akambomudhumhanisa nemumwe musikana uye akaita zvose zvaive zvakashata asi Rumbidzai akaramba akabatira paari sekambwanana kari pana tenzi vako. Chokwadi, Rumbidzai aigona kusiyana naye asi aive asingadi kunzi imbwende uye akundikana kuchengeta murume.

"Pakaita mamwe maminitsi mashanu pasina zvaitika, ndinopika chokwadi, ndichatyaira motokari ini mbune kuenda newe kunhandare yendege", akataura kudaro Tanaka achipika.

"A-a asikana, ndinofungidzira kuti Ngoni agoneredza chete. Handiti anozvimutsa ega here", akapindura Rumbidzai.

"Unoreva kuwedzera basa pamusoro peraainaro kare handiti?" Akabvunza Tanaka.

"Ruregerero veduwe-e, achiri chikomba changu", Rumbidzai akapindura arwadziwa.

Tanaka akabata padumbu nemaoko maviri zvekupererwa.

* * *

"Amai kani!" Ngoni akarohwa nehana achitarisa nharembozha yake achiona kuti aive apotsa nhare shanhu kubva kuna Rumbidzai, nhatu kubva kunaTanaka. "Nhasi vachandimedza chete vana ava", akademba-demba achifemera padenga.

Ngoni akatarisa nguva zvakare akaona dzava 6:30am. Akazviona kuti akatyaira motokari anonokwanisa kusvika paCharles Prince Airport akabata nguva zvekuti  Rumbidzai haangasiyiwi nendege yake.

Ngoni akamhanyira kukamuri yekugezera akazvipukuta newuro nyoro akakwesha mukanwa nekukurumbidza. Panguva iyoyo akaona tsambambozha panharembozha yake yaive yatumirwa naTanaka.

Akatura befu asati aivhura tsambambozha. "Musikana uyu ane zvivindi chose. Iyi ndiyo nzenza manje asi chinhu chandinotya bedzi ndechekuti Tanaka anenge achiziva zvaari kuita nguva zhinji uye anozvivimba", akadaro Ngoni achitaura ega.

Akaverenga tsambambozha iya yaiti: "Wamukuruka. Zvisinei hazvindishamise hazvo. Dai achienda zvake, zvinhu zvatifambira zvakanaka."

Mashoko aya akareva zvakawanda kwazvo kunaNgoni asi painge pasina chekumhanyira.

'Asi vatove munzira kuenda kunhandare yendege iyezvino?' Ngoni akafunga. 'Ndaida Rumbidzai, hongu ndaimuda. Asi ndiri murume ka ini, ndine zvakawanda zvandinoda pavasikana'.

Ngoni akaenda pamubhedha wake akaona musikana ari mubishi rekuvhurana nema-drawer emubhedha wake. "Ko, urikuiteiko?" Ngoni akabvunza.

"Iwe ndiwe ani?" Musikana uyu ainzi Serina akabvunza achiyeredza misodzi.

Ndiwo matambo aive asingadiwi naNgoni akadaro, munhu anochinja-chunja pasina nenguva.

"Buda mumba mangu izvozvi", Ngoni akavhumbura Serina achikanda hembe dzake panze iye achiti misodzi mokoto.

"Ko, Makina wakamuzivira chirudzii?" Serina akabvunza achifemera padenga.

Ipapo Ngoni aive ashatirwa uye kushushikana paakaona Serina akabata mufanidzo wake nemukoma wake Makina.

"Tiri mapatya", Ngoni akapindura asina kugadzikana. "Ini naMakina takakura tose asi taive tisina kufanana nekuti ini ndaiva ndururani asi iye ari munhu kwaye. Tose taifunga asi iye akasarudza kusara kumusha achibatsira baba kurima uye mabasa ose epamusha. Ini ndakasarudza kubatsira amai vangu pabhizimusi ravo muguta. Kunyangwe hazvo takasiyana paburiro dzedu, Makina agara ari munhu akazvibata, kunyangwe hanzvadzi yangu anofungawo sekudaro."

Ngoni akambonyarara, ndokuzobvunza, "ko, mukoma wangu wakamuzivirepi?"

Serina akasimudza ruoko rwake kuratidza Ngoni mhete yenduma yengoda yaive pamunwe wake unoratidza kuti vakambisana kuchata zviri pamurau. "Mukomana wangu", akapindura ndokubva abuda ave kuenda.

Ngoni akaridza mate mukanwa. "Ndaitei? Handina kubvira ndakada kunetsana nemukoma wangu asi kunyanya-nyanya, handina kubvira ndakafunga kuita daka naye pamusoro  prvasikana."

Masvingo Where stories live. Discover now