CHITSAUKO 4

5 0 0
                                    

Makina akafinyamisa kumeso akashiringinya achifunga zvataurwa naRumbidzai, "chinhu chandiri kunzwisisa apa ndechekuti munhu angada kutirasisa sei nemashoko akadzima kudai? Chirudzii kuti munhu anorumbidza amainini kupfuura amai nyakutumbura, zvekutadza kana kuvadoma zvachose? Asi vanhu vose varikurumbidza munhu uyo. Handina chakaipa nanamainini asi ndinofunga kuti chokwadi ngachitaurwre sezvachiri. Paita madzimai maviri saka vose ngavarumbidzwe ka."

Makina akasimudza ruoko, "pamusoroi mutungamiri".

Mai Munyoro vakafinyamisa chiso vachiona mwana wavo Makina asimudza ruoko nekuti vakaziva kuti Rumbidzai achavhiringwa nemibvunzo yake, asi Makina akaita seasiri kuzviona.

"Mukoma, taurai tinzwe", mutungamiri akadaro.

Maziso ose akatarisa Makina, Rumbidzai akaramba akamira kuti tumbi kunge huku yanaiwa.

"Mibvunzo inotenderwa here?" Makina akabvunza.

"Hongu, mibvunzo inotenderwa. Ndapota, tizivisei zita renyu nenyika yamuri kumiririra. Munhu wese ngaatore chigaro chake uye Muzvare Banda munogona kutora kuti mupindure mubvunzo vanhu vose vachikuonai", vakaenderera mberi.

"Mazviita. Zita rangu ndinonzi Makina, handisi kumiririra nyika chero ipi zvayo".

Vasikana vaivemo vakapwipwinyika kuseka.

"Rumbidzai warumbidza amainini vako zvikuru, zvandingati chinhu chakanakisa", akatanga kutaura Makina.

"Amai vechipiri, rega ndikugadzirisei ipapo", Rumbidzai akadaro.

"Hapana chakasiyana ipapo", Makina akakakavara Rumbidzai achidedera. "Ndingabvunzewo here kuti amai vako nyakutumbura varipi?"

Maziso ose akabva atarisa kuna Rumbidzai. Hapana aifungira kuti pangaita angamubvunza mibvunzo yakadaro asi akataridza kuvhunduka kwazvo akaramba akanyarara.

Makina akabvunza zvekare, "amai vako nyakutumbura varipi?"

Rumbidzai akatendeukira kumutungamiriri kutsvaka kwekupotera. "Handizivi kuti varipi. Havanei nenganonyorwa yangu", akapindura asina chokwadi nemashoko ake.

"Ini ndinofunga zvine chekuita nenyaya yako. Funga kuti iwe wakabvepi asi hauna kuotaura nezvavo", Makina akabvunza.

"Hapana chandakataura nezvaamai vangu nekuti hapana zvekutaura nezvavo", akadaro akatarisa Makina.

"Kwete kuti vakakubereka here?" Makina akabvunza.

"Hongu vakandibereka, asi umwe mukadzi akabata basa guru saamai vangu", Rumbidzai akapindura ave nehasha.

"Hazvikupi kodzero yekuchivakanganwa zvachose muupenyu hwako izvozvo", Makina akapindura.

"Chii chakupa kufunga kuti ndavakanganwa muupenyu hwangu?" Rumbidzai akabvunza mezisi afushirika netwumisodzi.

"Kubva kumavambo, amai vako havana kumbotaurwa munyaya yako, kunyangwe huvepo hwavo!"

"Mukoma hamuna kodzero yekunditongesa apa. Hapana chamunoziva nezvangu, saka regai kunditsvagira mhosva", Rumbidzai akapindura akavhura meso.

Makina akaseka ndokuti, "hapana paungataure nezveupenyu hwako husina kuzara woshaya mibvunzo inokunanga. Ini ndinofunga kuti waita rusarura pakusataura nezvaamai vako nyakutumbura".

"Amai vangu", Rumbidzai akambodzima misodzi ichiyerera.

"Amai vangu vakandisiya ndiri rusvava, handizivi chiso chavo. Handina kubvira ndanzwa kuseka kwavo kana kuona nyemwerero yavo. Kazhinji ndaiwanzonamatira ramangwana rangu, kwete ndaitaurira ramangwana rangu kuti rinditendere kuenda navo kwese kwandichaenda. Ndakaona kusavepo kwavo kuchishungurudza baba vangu muupenyu hwavo. Kazhinji ndainamatira rudo, ndigotuka rudo nekuti rudo rwakandipa kuve nababa vangu asi zve rudo rwakatorera baba vangu mudzimai wavo, vanove amai vangu vakandibara. Zvisinei chinhu chatisina simba pamusoro pacho. Nguva nerudo zvakandipa vamwe amai vechipiri. Saka kupindura mubvunzo wako nemi mose muripano, handina kutaura nezvaamai vangu nyakutumbura nekuti hapana chekutaura nezvavo. Havapo!" Rumbidzai akatsanangura.

Achipedza kutaura izvozvo, Rumbidzai akabva ati dhugu kubuda muimba yaitirwa musangano.

* * *

Makina akavhunduka nekugogodzwa kwegonhi rekamuri yake yemuhotera achibva asimuka kurivhura.

"Mhamha vangu", akadaro Makina achinyepera kunyewerera.

"Handiwo murerero wandikakuita uyu", vakadaro Mai Munyoro vachifamba kuenda.

"Ndapota, pindai zvenyu amai", akadaro Makina.

"Chii chawaita?" Mai Munyoro vakabvunza nezwi rinehasha.

"Muri kuti kudii?" Akadaro Makina achidirira amai vake kofi mukomichi.

"Makina Munyoro, handina kukudzidziisa kubata vanhu nemutoo wakadai. Ndakakurera zvakanaka, kwete zvawaita nhasi izvi!" Vakadaro vachiramba kofi yake.

"Kwete amai, ndanga ndichingobvunzawo zvandisina kunzwisisa chete. Munoreva here kuti mose manga muchasiya kuti zvipfuure zvakadaro? Ndinozviziva kuti maona mhosvo dzenganonyorwa yake, haaina kubikwa zvakakwana", akadaro Makina.

"Unoziveiko nezvekunyora iwe? Wakatanga kufarira kuverenga riini?" Vakachin'a Mai Munyoro.

"Ndinovimba kuti ndizvo zvamukandiunzira kuno", Makina akapindura.

"Ndakauunzira kuno kuti ufurwe nemhepo kwete kushungurudza vanhukadzi sezvawaita", vakadaro Amai Munyoro.

"Amai murikutaura kunge ndinomuziva", Makina akadaro achikwenya musoro.

"Uchanomukumbira ruregerero", vakamuudza.

"Kwete, kuti zvaita sei?" Makina akabvunza achisekenyeka.

"Handisati ndamboverenga nyaya yechokwadi chakadaro upenyu hwangu hwose, kusiririsa kuri mukati yenyaya yake kwadzika zvikuru. Zvawaitira mwanasikana uyu hazvifungidziriki mwanangu. Unofanira kumukumbira ruregerero, ndapedza newe!" Mai Munyoro vakadaro ndokutendeuka vachibva vabuda.

* * *

Rumbidzai akagara pamubhedha wake akapfunya chisero achifunga zvabva kuitika, misodzi yakati mokoto. Ndangariro dzakamurasira kure paainzwa baba vake vachiungudza siku nesiku vachiramba vachidzokorodza mashoko mamwe chete ekuti, "Keresi, mwana uyu ndichamurera sei?"

Nerimwe zuva Rumbidzai akanzwa baba vake vachitaura nemufaro kuti, "Keresi, zvakanaka kuti chinhu ichi handingachiiti ndega".

'Ndiwo musi musi wavakaroora amai vangu vechipiri', akapfikura achitaura oga Rumbidzai.

Panguva iyoyo akanzwa kugogodza pagonhi rake, akapukuta misodzi nekukurumbidza asati arivhura.

"Urikudei?" Rumbidzai akabvunza aona munhu aive akamira pamusiwo wake.

"Ndauya kuzokumbira ruregerero", Makina akataura kunge ari kumanikidzwa.

"Rwei?" Rumbidzai kabvunza asina kana shungu.

"Kutaura chokwadi, ndauya kuzokuudza kuti ndichiri kufunga kuti zvaukaita hazvina kunaka zvekurega kunyora nezvaamai vako nyakutumbura, une moyo mukukutu musikana iwe", Makina akadaro.

Pfungwa dzaRumbidzai dzakadambuka ipapo upapo akazamurira Makina nembama padama rake ikarira kunge patyoka puranga ndokuvhara gonhi rake ndokukiya.

Masvingo Where stories live. Discover now