CHITSAUKO 2

4 0 0
                                    

Rumbidzai akasvika kuSouth Africa zuva richirova nhongonya. Haana kufara kuve kuSouth Africa nekuti aive asina kujaira nzvimbo yacho uye kuti Ngoni aive amunanikidza kuendako. Kungofunga Ngoni kwakamupa kuti apindwe nekachando, zvisinei aimudisisa zvikuru zvekuti zvaitomutyisa dzimwe nguva. Kuipa kwazvo, Ngoni aizviziva chinova chikonzera chakamupa kukwanisa kumanikidza Rumbidzai achiziva kuti haarambe zvaanenge areva.

Rumbidzai akavhunduka kunzwa nharembozha yake yorira. Akaona vari baba vake vaBanda vaifona. Dai kaiva kare, Rumbidzai aifara, asi baba vake vairamba vachimutora semwana mudiki kunyangwe akura.

"Baba", akadaro adavira runhare mushure mekunge baba vake vafona kechina.

"Wafamba zvakanaka here?" VaBanda vakabvunza.

"Maziva sei nguva dzangu dzekumhara baba?" Akabvunza. "Musanetseka nazvo zvenyu, musapindura", akakurumbidza kudaro nekuti aiziva mhando yababa vake.

"Waita zvakanaka kukurumbidza kuziva kuti baba vako munhu akaita sei", vaBanda vakatsvinya.

Rumbidzai hapana zvaakakwanisa kuita kunze kwekufinyamisa uso. Aibhowekana kuti baba vaimubata semwanana. Aidemba kuti dai zvaigona aienda kwavasiri ozviraramira oga. Hakusi kuti aisada baba vake kwete, aivada zvikuru.

"Mukunda wangu uchiripo here?" VaBanda vakabvunza.

"Baba, ndave nemakore makumi maviri nemashanu kuti ndicheme zvine ruzha", akapotsa azhamba Rumbidzai.

"Kwakanaka here mwanangu?" Baba vakabvunza vasina kumuti 'mukunda' sezvavanosiita.

Rumbidzai akada kudambura nhare vasati vapedza kutaura. "Ndanzwa naTanaka kuti Ngoni arikukutamba newe zvekare", vaBanda vakataura vachinzwika kushushikana.

"Baba, nyaya dzangu naNgoni hadzinei nevanhu", Rumbidzai akanyenama achitsika pasi zvinemutsindo.

"Bata runhare rwako wakadaro mwanasikana, amai vako vanoda kutaura newe", baba vake vakadaro.

"Zuva rangu haringambofambi zvakanaka", Rumbidzai kataura ega mumoyo make.

"Usanditaurire kuti hausi kufara kutaura neni", amai vaRumbidzai, Amai Banda vakadaro mushure mekarunyararo.

"Ndinofara amai", akanyepa Rumbidzai.

"Mukunda, tinokuziva. Ndapota, kanganwa nezvaNgoni uyu, haasi mukomana akanaka kwauri", amai vake vakataura vachinetseka mumoyo mavo.

"Nhai amai, musati maroorana nababa, vabereki venyu vakakuudzai kuti kudini?" Akabaya mubvunzo Rumbidzai.

"Vakanditi handingaroorani nababa vako nekuti vainge vave nemwana anove iwewe", Mai Banda vakapindura. "Asi ndinodada kuti takaroorana uye ndiri munhu akaita rombo rakanaka chose kuve nemi muri vatatu", vakawedzera mashoko avo.

"Ndizvozvo amai! Neniwo regai ndiite sarudzo yangu sezvamukaitawo imi", akadaro Rumbidzai.

Amai vake vasati vataura zvavaida, Rumbidzai akakurumbidza kuvaoneka achiti tekisi yake yaive yasvika.

"Muri kusvika kupi nhai Muzvare?" Mutyairi wetekisi akabvunza apedza kurongedza mabhegi aRumbidzai mumotokari.

"Ndiri kuenda paBlue Waters Hotel", Rumbidzai akapindura akatarisa panze nepafafitera.

Rumbidzai munhu aifarira zvekuona nzvimbo nezvinhu zvitsva. Dai aiva nemukana, aisva ashanyira pasi rose achiona zvisikwa zvose zvaMwari zvinodakadza meso.

"Muzvare, ndipo pano. Tasvika paBlue Waters Hotel", mutyairi wetekisi akadaro achibvuta ndangariro dzaRumbidzai kubva kuzvivaraidzwa zvaaiona.

Rumbidzai aive asina kuronga kuita zvakawanda-wanda, aida kuti rwendo urwu rwunakidze zvishoma chete nekuti aisada kubhowekana kana zvaakatarisira zvisina kubuda sezvaanoda.

Akafamba akanotaura nemugamuchiri wevaenzi wepahotera uyo akamupa mapepa ake. Zvisineiwo painge pari nekamuri yake yaaive akachengeterwa.

"Room 105", akadaro achimutambidza svumbunuro.

Rumbidzai akafamba akananga pamanera emagetsi ndokubaya mafigiri ekwaaienda. Kamuri yake yaive kumusoro kuimba yemudurikidzanwa yechimakumi maviri nemaviri.

* * *

"Mangwanani akanaka Ntokozo", amai Munyoro vanova amai vaNgoni Munyoro vakakwazisa mugashiri wevaenzi pahotera.

"Mangwanani Mai Munyoro. Zvakanaka kuva nemi pano zvakare", Ntokozo akapindura achisekerera.

"O-o, zvinofadza kuona chiso chako chakatsvinda mwanangu", vakaenderera mberi mai Munyoro.

Ngoni akaona chiso chemugashiri chichiti bha-a nemufaro. Amai Munyoro vaive munhu akafaramuka zvikuru uye munhu aikwanisa kuti nguva dzose dziite sedzakakosha. Munhu asingasarudzi vanhu chinove chinhu Ngoni aivimba nacho kuti mumwe musi vachagamuchira Serina chete.

"Makina!" Mai Munyoro vakavhumbura Makina achibva apengenuka. "Pane zvawanga uchitaura?" Vakamubvunza Makina akataridza kuvhiringika.

Vose vari vaviri, Mai Munyoro naNtokozo vakabva vaseka.

"Svumbunuro yako ndeiyi", Ntokozo akadaro achitambidza Makina.

"Mwari wangu, room 106!" Makina akafara.

"Nguva dzose ndiyo number yako iyoyo. Mumwe wako atopinda kare", Ntokozo mugashiri wepahotera apa akadaro.

* * *

Rumbidzai aive pakati pekuzvinetsa kuti ofonera  Ngoni here kana kwete. Ngoni aiziva nhamba dzenhare yaRumbidzai asi aive asati amboifona.

'Zvichida Tanaka aitaura chokwadi kuti ndinonyanyisa kuperera panaNgoni ndiko kusaka achiita zvaakandiita', Rumbidzai aingopishana nepfungwa.

Akatarira nharembozha yake asi hapana chaive chabva kunaNgoni. Hana yake yaiva isisina kugadzikana uye ainge ave kuitira munhu wese hasha. Panguva iyoyo akanzwa ruzha rwewairesi kubva mukamuri iri pedyo neyake.

'Shuwa here? Ihotera iyi asi umwe munhu anoda kutoita kunge ari pabhawa', akadaro Rumbidzai achibva abuda kunogogodza pagonhi maibuda ruzha urwu,

Gonhi rakazovhurwa pava paya, pachibva pabuda murume wechidiki akanaka zvikuru achitsenga chiwitsi kunge anopenga. Airatidza kuve kumakore makumi maviri nemanomwe ikoko uye airatidza kusava nehunhu.

"Asi wasungwa muromo?" Makina akabvunza zvine hundururani.

"Mungadzikidzisawo ruzha rwewairesi yenyu here?" Rumbidzai akakumbira achinyara asi asingadi kuzviratidza.

Makina uya akati tendeu, ndiye kiye gonhi rake pasina zvaataura.

'Ko zvaasina kudzikisa kwacho?' Rumbidzai akadaro achirova gonhi zvakare.

"Chiiko nhaiwe?" Makina akazhambatata paakavhura gonhi asi Rumbidzai haana kuvhunduka.

"Teererai baba, hamusi mega muimba ino. Kana muchida zveruzha, zviri nani muende kubhawa riri pazasi apo", Rumbidzai akataura atsamwa.

"Iwe kana uchida runyararo, chinja kamuri kana kuenda kune mamwe mahotera", Makina akadaro ndokuvhara gonhi zvinesimba.

Masvingo Where stories live. Discover now