CHITSAUKO 28

1 0 0
                                    

Rumbidzai akaramba kufunga nezvemukadzi akauya achiti ndiamai vake, aiziva amai vamwe chete uye akatsiidza kuti zvicharamba zvakadaro kusvikira madhongi amera nyanga.

Baba vake vainge vave nani, Rumbidzai ainge obvumidzwa kuenda kunovaona. Akavhura gonhi remukamuri yavaive muchipatara akavaona vachiverenga bepa rakaita rairatidza kuti raive rakapetwa zvakanaka chose.

"Hevoi", Rumbidzai baba akakwazisa vake nenyemwerero.

VaBanda vakamutarisa, ndokudzorera meso pavanga vachiverenga vasati vataura. "Ndichada imi chete nekuti nekuti ndimi chete munhu akanakisa wandati ndasangana naye muupenyu hwangu", vaBanda vakaverenga.

Rumbidzai akashaya zvekuita ndokubva anyemwerera. "Ndakakunyorerai tsamba iyoyo pazuva revabereki ndiri murugwaro rechishanu".

"Hongu mukunda wangu, ndakabva ndaichengeta", vakadaro vaBanda vachisekerera. "Ndagara ndiri mutsigiri wezvinyorwa zvako uye ndakachengeta zvinhu zvose zvakakosha zvaukandinyorera".

Akashaya pekubata Rumbidzai, akanyemwerera. Akazviona kuti ndiye achiri mudiwa-diwa wababa vake akaziva kuti vachiri zvavari kubva kare.

"Wanga uchichema ka iwe?" VaBanda vakabvunza vachiona maziso akazvimba.

"Ndanga ndichitya", akadaro Rumbidzai achigara pedyo navo.

Vakanyemwerera zvishoma semunhu asina simba. Vaiziva kuti paachazviziva zvichamubaya pamoyo asi Rumbidzai aitaridza kuti nhau iyi akakwanisa kuigamuchira zvakanaka.

"Ndaisakusiya ndisina kukuudza kuti ndiri baba vanodada newe sei", vaBanda vakataura vachimutsvoda kuseri kweruoko. "Zvekare, ndiregererewo nekukuvanzira urwere hwangu".

"Ndaive ndanetseka zvikuru", Rumbidzai akavaudza.

"Ndaive kudenga here?" VaBanda vakabvunza vachimusekesa.

Vakambonyararidzana vachiziva kuti pane nyaya hobvu yavanoda kukurukura nezvayo asi vose vachishaya pekuitanga napo.

"Muchiri kumuda here Keresi?" Rumbidzai akarovera moyo padombo ndokubvunza.

"Kwatopera makore maviri nemashanu".

"Baba, hamuna kupindura mubvunzo wangu", Rumbidzai akabvunza akavatarisa kumeso.

"Kwete, handivadi", vaBanda vakapindura.

"Ndasangana navo", Rumbidzai akaenderera mberi.

VaBanda vakombonyarara vachifunga kuti Rumbidzai achaenderera mberi nekutaura.

"Pose apa ngaigara ndichifunga kuti ndichamuti kudii musi wandinodhumhana naye, asi pandikasangana naye handina kukwanisa kumuudza chinhu", vaBanda vakaudza Rumbidzai.

Rumbidzai akatura befu ndokuti, "upenyu hunomboita kunge je-e dzimwe nguva, akangoti dhugu kubudikira zvisina gogoi kubva kusina anoziva oda kuita kunge zvinhu zvose zvakarongeka".

Kubva pamatauriro avaBanda, zvakaratidza kuti Keresi akatovabuda zvachose. Vakataura vakadzikama uye nehunyoro hunopodza kunyangwe mafungu emvura.

Pavaikurukura apa, Rumbidzai nababa vake, havana kuziva kuti Amai Banda vaive vakamira pamusiwo vachinzwa zvose zvavaitaura. Vakanzwa kuti ju-u pamoyo apo Rumbidzai abvunza kuti muchiri kumuda here Keresi, asi vakanzwa kufara pavakanzwa mhinduro yavaBanda. Vakafamba kuenda kumubhedha vakamira kumashure kwaRumbidzai  vakaisa minwe yavo pamapendekete ake vakatanga kumupfanya-pfanya.

"O-o, ndanga ndichizvida izvozvo", Rumbidzai akataura achitsinzinira.

"Ndapota usazvijaire, maoko iwayo ndeangu", vaBanda vakadaro Rumbidzai namai Banda ndokupwatika kuseka.

Masvingo Where stories live. Discover now