"Handidi kunodya newe", Ruvimbo akapindura zvinoyoro-nyoro.
Tinos akatarisa Ruvimbo achiratidza kubhowekana pachiso chake chose. Ruvimbo aive atopika mumoyo kuti izvo haasi kuzoita. Aive avakirira moyo wake pakati pemasvingo kuti azvichengete, kumaputsa kwairwadza vakawanda.
Chiriporipotyo, Ruvimbo akapendekera kabhegi kake ndokutora svumbunuro dzebhasikoro rake raive rakamiswa panze. Akasaina mubhuku rekupinda nekubuda kwepabasa, ndokuisa twuwaya munzeve akaisa mumhanzi waBetty Makaya akakwidza ruzha rwewairesi. Aive ajaira kamutarisirwo kaanoitwa nevanhu pese paanofamba. Aizviziva kuti vanhu vanoda kuziva zvakawanda nezveupenyu hwake asi haana kupa munhu mukana wekuziva chinhu.
"Ruvimbo!" Tinos akadaidza.
Ruvimbo akanzwa kudanwa. Nekuda kwekuti mumhanzi waiirira pamusoro, Ruvimbo haana kuziva kuti ndiani ari kumushevedza. Akatendeuka, ndokuona Tinos achimumhanyira.
"Eyi, ungafambawo zvishoma mbichana nhai murandakadzi?" Tinos akakumbira.
"Handina nguva yekutambisa", Ruvimbo akapindura achitarisa chiringaziva chake.
"Zvausiri kukwanisa kudya neni zvamanheru, ko bhurakufasu mangwana haukwanisi here?" Tinos akabvunza.
"Une nharo", Ruvimbo akadaro achikiyinura bhasikoro rake.
"Ihongu here iyi?" Tinos akabvunza. "Ndiwe ushingi hwangu".
"Handina kuramba izvozvo". Rumbidzai akadaro.
"Zvakanakai, saka mangwana ngatisangane paCasa Mia Restaurant nenguva dza-8:00AM padzinoti ngu-u", Tinos akadaro achivhara kunyemwerera.
Ruvimbo akaona kunyemwerera kwaiita Tinos. Akada kutora mukana uyu kumisa matakanana ose aifungidzira kuti achauya naTinos.
Tinos haana kuziva zvaari kumhanyisana nazvo. Aiziva Ruvimbo kuti akawora moyo asi aida kuve nehushamwari naye zvisiri zvekusangana kwavo achipangwa mazano.
Ukuwo, Ruvimbo aive akambosangana nazvo, aiziva kuti zvisinei nekuti anozviratidza sei kuvanhu, varume vaingomuda. Ainge akambodanana nemurume akaipa moyo kukunda mhuka, saka aisada kuzvidzokorodza.
Mangwana acho mangwanani, Tinos akafumobata jongwe muromo. Aifaira kudya kwamangwanani naRuvimbo uye aida kushambidzikaka owonekera zvakanaka. Kwapera inenge awa achitemeseka musoro kuti opfeka chii, akazotora mudhebhe mutema, hembe nhema, juzi reruvara rwedenga neshangu dzine ruvara rwaienderana ndokupfeka.
Tinos akasvika paCasa Mia Restaurant ndokugara patafura iri nechekunze. Haana kuda kuve pedyo nemamwe matafura achitya kuti pamwe Ruvimbo aisazvifarira.
Pasina maminitsi akawanda, hweta akauya patafura yaive naTinos asi akamuudza kuti achanidzira chikafu kana mumwe wake asvika.
Nguva dza 8:00AM dzichichaya, Ruvimbo achiti pfacha kusvika asina kupfeka magirazi ake, bvudzi risina kusungwa uye kabhegi kaanogara akapendekera aive asina zvekare. Aive akapfeka hembe dzaiti mba-a nemuviri, karokwe kemarhesi katema kaiperera mumabvi negogo dzine ruvara rwakafanana nerokwe, miromo yakatsvukiswa zvishoma. Kwekanguva, Tinos akambomushaya nekuti aisava Ruvimbo wemazuva ese.
Ruvimbo aive asati ambowonekerawo kudai kwenguva yakareba, aive asuwa nguva dzinofadza seidzi. Aive asuwa kushanyira dzimwe nzvimbo uye aneta kurarama kunge chembere, asi aiziva magumo azvo. Chibereko chake chakakavhita-vhita paakafunga nezvekubvisa pamuviri kwaaita; rudo kuzvipira asi iye ainge atozodzwa kuva mhondi yerudo, kuuraya hupenyu husina mhaka.
"Hesi", Babamunini Tinos vakadaro paakasvika patafura. Akademba kuti dai angononga maruva paauya, zvaiita kuti kusangana kwavo uku kukoshe.
"Hesi", Ruvimbo akapindura nezwi raidedera. Aizvinetsa mumoyo make kuti sei apfeka mupfekero waaita unokwezva varume iye achisangana nemurume asiri wake. Ruvimbo akatora chigaro, Tinos ndokuzogarawo mushure maRuvimbo.
YOU ARE READING
Masvingo
General FictionRumbidzai is a young ambitious and principled girl. He fell in love with Ngoni, a hardworking 28 year old guy and very rich than most of his age. Later, Rumbidzai falls in love with Makina who happens to be Ngoni's twin brother. Meanwhile, Ngoni now...