CHITSAUKO 20

1 0 0
                                    

Iri raifanira kuve zuva huru kumhuri yekwaMunyoro asi vakange vachisina nezano rose vangotarisana semanyana enjiva. Vana vanofanira kuve ruva, chidadiso kana uchinge wakwegura asi vana vekwaMunyoro vaisundira vabereki vavo kuti vakurumbidze kuenda kuenda nyikadzimu.

"Ndakakuudza paya kuti kumukoka idama risina kunaka", vaMunyoro vakatanga asi Mai Munyoro havana kupindura.

Rakave zuva rakareba kwazvo, Mai Munyoro vaisada zvekukavadzana nemurume wavo pamusoro paNgoni. Makore ose akapfuura, vaiedza nepose pavanogona  kuti vaMunyoro vaone mapatya aya sevana vakafanana asi vaive vakaoma musoro zvekuti vakasvika pakukanda mapfumo pasi. Manje iye zvino yava njake njake, Ngoni arara nemudzimai wemukoma wake zvekuti hapana zvavachakwanisa kuita kuti vachinje pfungwa dzavaMunyoro.

Vhikendi ino yakachifanira kuve inofadza kwazvo", vaMunyoro vakadaro.

"Tingafara sei kana vana vedu vasingawirirani sezvavanofanira kuita?" Mai Munyoro vakabvunza.

"Dai wakanditendera kumuranga, dai asiri iwe akamuregerera ndokumubvumidza kuti abve pamusha pano".

"Musataure kunge achiri mwana mudiki ka, ava murume mukuru uyu uye hapana chichamuchinjisa manje. Yadeuka yadeuka", Mai Munyoro vakapindura vari murima vachipukuta misodzi.

"Wave kubvuma ka manje kuti wakatadza kumurera zvakanaka?" VaMunyoro vakabvunza.

"Kana izvozvo zvichiita kuti murare zvakanaka", Mai Munyoro vakapindura zvine kakunyenama.

Mukamuri mavo makaita runyararo. VaMunyoro vaida kuve mudzidzisi akanaka kuva vavo kuti vave vana vanodadisa. Vaida kuti vana vavo vakure vozotiwo baba vedu vakatirera zvakanaka, asi vakange vave kurara vachizvibvunza kuti vakazvipa nguva nevana vavo here.

"Ndepapi pandikarasika pavana ava?" VaMunyoro vakabvunza mudzimai wavo uyo aive mushishi kufunga nzira dzekugadzirisa vana vavo zvisati zvakora muto.

"Tine zuva rakareba kwazvo mangwana, zvichida mukataura navo mbune, mibvunzo yenyu yose ingapindurwa", Mai Munyoro vakataura ndokubva vatendeuka kuti varare vakafuratira vaMunyoro.

* * *

Tanaka akamira kwechinguva chakati kuti pamusiwo achizvitongesa kuti opinda here mukamuri yaRumbidzai, kana kuti orega kunotaura masisi vake kana kuti omirira kusvika vauya kuzotaura naye.

"Ehwo-o", Rumbidzai akadavira mushure mekunge Tanaka agogodza gonhi.

"Hesi", Tanaka akadaro zvinetsika chose. Rumbidzai haana kucheuka, akaramba akati tsiki tsiki pareputopu achinyora.

"Ndigare here?" Tanaka akadaro zve ave kuremerwa nerunyararo rwakaitika mumba umu.

Rumbidzai akanongedzera chigaro chaive chakatarisa kumubhedha, ndokubva Tanaka agara asina chokwadi chekuti agadzirira kukurukura here.

"Urikuziva zvandiri kuedza kunyora pano?" Rumbidzai akabvunza uku maoko achibaya-baya mabhatani ereputopu.

"Ndiudze", Tanaka akapindura achifara kuti awana mukana wekutsenhura hurukuro.

"Ndanga ndakaronga kuti ndinyore rungano sechipo chememberero yaBaba naMai Munyoro". Rumbidzai akabva ambonyarara.

Tanaka aive asingadi kuri kuenda hurukuro yavo.

Rumbidzai akaenderera mberi, "asi ndiri kutadza kunyatsonyora mutsara kwawo wekutsanangura kuti imhuri inofara sei".

"Rumbidzai, ziva kuti mhuri yoga yoga ine divi rezvanokanganisawo uye kupesana".

"Wagona ipapo, asi ndingadai ndawana chimwe chinhu chekunyora nezvacho. Chero chinhu zvacho chakangonakawo chekuti dai ndanyora", Rumbidzai akadaro achidzima nekuvhara reputopu zvine hasha zvakaita kuti Tanaka asisimuke.

"Ngatikanganwe zverungano urwo, ndinofunga kuti ndiri kuda kunzwa nezvekufambidzana kwako naNgoni".

Zvakaitika Tanaka asingafungiri uye akanga asina kuzvironga. Aive nechokwadi kuti Ngoni haaimboudza Rumbidzai.

"Rumbidzai inzwa ka", Tanaka akadaro.

"Ndakateerera mwana waamai".

Tanaka akazviona kuti iyi haisi nguva yakafanira kuti kukurukura naRumbidzai nekuti nguva dzose paanenge akadai, zvinonetsa kunzwana naye.

"Zvisinei, tinozotaura mangwana", Tanaka akadaro achisimuka.

"Hapana chakaipa, enda unomhanyira mumaoko emudiwa wako Ngoni. Maoko eaimbove mukomana wangu", Rumbidzai akadaro achisekerera.

"Uri kuzviona manje, hazvibatsiri kuti ndikutsanangurire nekuti watopedza nyaya yacho kare", Tanaka akadaro hana ichikwata.

"Rudo rwakavanzika, handiti? Kamupambi", Rumbidzai akadaro achivhura reputopu zvisina kudzikama.

Tanaka akacheuka kumutarisa, ndokubva abuda asina kupindura.

Izvi ndizvo zvaaiziva Tanaka kuti Rumbidzai nyaya yekudanana kwake naNgoni sedambe. 'Ini ndaida Ngoni, kana naiyewo aisagona paanenge ari pedyo neni kunyangwe aimbove mukomana wasisi vangu, Rumbidzai. Ndanga ndichida kuti Rumbidzai azive kuti vavariro yangu haisi yekumurwadzisa', Tanaka aizvinetsa mupfungwa.

* * *

Rumbidzai akabuda mukamuri mushure memaminitsi mashoma Tanaka abudawo. Aitadza kugadzikana kuti anyore chinhu.

Chaaida kuzorodza pfungwa dzake. Akaziva kwekuenda, akatora mapatapata ake nekajuzi kanodziya ndokufamba zvishoma nezvishoma achibuda mumba nekuti aisada kumutsa vakarara.

Panze paive nemhindo uye paitonhora asi Rumbidzai chaaida mweya unofefetera saka akafamba kuenda kubindu remichero paiva nechituro pedyo neduhwino.

'Sei iye?' Rumbidzai akazvibvunza chinyararire. 'Sei mukomana wandaidanana naye pakati pevarume vose vakati fararira nenyika?'

'Hauoni here kuti zvakanaka kuti dai wabvunza Tanaka mibvunzo yose iyi?' Rakamubvunza zizwi rakakora maari.

Rumbidzai akakurumbidza kupukuta misodzi paakaona kuti haasi ega.

"Ndanga ndisiri kuda kukuvhundutsa, ndatadza kurara uye ndiri kuda kufurwa nemhepo", akadaro Makina.

"Saka tiri vaviri chete pano", Rumbidzai akanyemwerera ndokubva anzwa kuvavira kwemunyu wemisodzi yake.

"Ndi..?" Makina akabvunza achinongedzera nzvimbo yaive yakasara pacheya pakagarwa naRumbidzai.

"Hongu", Rumbidzai akamutendera achiswedera kunze kuti amusiire nzvimbo yakati kurei yekugara.

"Unozivei? Handisi kurwadziwa kuti Serina akandihurira", Makina akadaro.

Rumbidzai akatarisa Makina, maziso ake aivaima nemwedzi muchena.

Makina akaenderera mberi, "zvinoshamisa, asi akaita zvakawanda achindirwadzisa asi handina kumbogamuchira kuti haachinje".

Masvingo Where stories live. Discover now