"Ichokwadi Rumbidzai, hona dambudziko riripo pakuda munhu zvekuperera nderekuti; unopedzisira waputirwa nemifungo yako zvekuti hauzooni zviri mberi. Ndakada Serina nezvose zvandiri nazvo nekuti ndinotenda kuti ndiyo ndiyo nzira chaiyo yekuraridza munhu rudo", Makina akadaro achifefeterwa nekamhepo keusiku kumeso.
Rumbidzai akaramba anyerere, zvichida pfungwa dzake dzaiva kure sezvo zuva iri ranga rikaremera munhu wese.
"Tanaka ari kudanana naNgoni", Rumbidzai ataura nezwi rinenge kazevezeve.
"Tanaka, munin'ina wako here?" Makumbe akakatyamara.
"Hongu", Rumbidzai akapindura.
Makina akabva aseka.
"Saka urikuona zvichinakidza here zvekuti ungabva waseka kudaro, hee?"
"Regererawo setswa yangu asi zvinosekesa chose", Makina akapindura achiri kuseka.
Rumbidzai akasimuka kuti aende asi Makina akakurumbidza kumuvharira nzira. "Ndine urombo Rumbidzai", Makina akaedza nepaanogona napo kuti amire kuseka.
"Chokwadi here?" Rumbidzai akabvunza achitenderedza maziso. Izvi zvakatopa Makina kuti awedzere kuseka. Dai asina kukwanisa kuzvidzora, chokwadi Makina aivharwa nembama.
"Makina, uri kuona zvichinakidza handiti?"
"O-o watsamwa", Makina akadaro.
"Asi ndiri kuita kunge ndiri kuseka here?" Rumbidzai akabvunza.
"Nekuti hausati wambondidana kuti nzeita rakazara kuti Makina", akamuudza.
Rumbidzai akabva adzoka paaive akagara .
"Rumbidzai, chii chakutsamwisa chaizvo apa?" Makina akabvunza.
"Handina kutsamwa, ndarwadziwa", Rumbidzai akapindura achipeta maoko.
"Kurwadziwa, sei?" Makina akabvunza zvave kumuremerawo.
"Wakanganwa here kuti aive mukomana wangu watiri kutaura nezvake, asi munin'ina wangu ndiye waari kuchemerera?" Rumbidzai akadaro.
"Ndiregererewo nehudofo hwangu, asi ini ndaifunga kuti wakasiyana naNgoni kare kare", Makina akadaro.
"Asi ka, izvozvo hamupi kodzero yekudanana naye ka", Rumbidzai akataura nemusoro.
"Saka zvakanaka here kuti iwe udanane nemupatya wemukomana wawaimbodanana naye?" Makina akabvunza akatarisa Rumbidzai mumaziso.
"Izvi zvasiyana, hakusi kudanana ka uku".
"Ho-o, saka chii chirikuitika pakati pedu?" Makina akakanda mubvunzo.
"Takatsvodana chete, kanguva kekuzviregerera katikaita paya", Rumbidzai akapindura achisimbisa.
"Ho-o saka ndizvo zvauri kufunga?"
"Usadaro Makina, wakapana nduma nemumwe mudzimai iwewe", Rumbidzai akanongedza Makina nechigunwe.
"Ndaive ndakachinjana nduma, zvakadarika".
"Hazvichinji chinhu izvozvo, handisi mhando yemusikana anoita izvozvo ini", Rumbidzai akadaro.
"Saka uri mhando ipi yemusikana?" Makina akabvunza.
"Ndiri mhando iya inoenda kunoenda moyo wake panguva iyoyo, handipeperutswi nemhepo kunge hoto ini. Ndinochovha mwaka yemoyo wangu ndega kwete kubatwa ndakavarairwa senyana reshiri", Rumbidzai akadaro musoro wake uri pakati pemaoko ake.
"Nyatsondijekeserawo apa, saka iwe unonzwa mumoyo mako kuti zvakaitika pakati pedu kwaingova kuzviregerera? Nguva yerudo yaisambofanira kuitika?" Makina akabvunza Rumbidzai asi akaramba akanyarara.
YOU ARE READING
Masvingo
General FictionRumbidzai is a young ambitious and principled girl. He fell in love with Ngoni, a hardworking 28 year old guy and very rich than most of his age. Later, Rumbidzai falls in love with Makina who happens to be Ngoni's twin brother. Meanwhile, Ngoni now...