CHITSAUKO 27

1 0 0
                                    

Makina akadzura miromo yake kubva pane yaRumbidzai zvinyoro-nyoro, achipuruzira chiso chake neruoko rwakapfava zvaitsvedzerera. Akatambidza Rumbidzai katsvodi padana, ndokuidhonza kufamba nayo kusvika pamiromo, ndokuti zve pamhino ndokuzopedzisira nepamhanza sechiratidzo chekuti anomuremekedza.

Vakakanganwa kuti vaive pai, Makina akamudhonzera pedyo ndokumumbundira Rumbidzai akanzwa kudekara mumoyo uye kureruka kwendangariro. Rumbidzai haana kumbobvira asangana nemunhu anokwanisa kumuvaraidza uye kupumha rima achiunza chiedza muupenyu hwake.

"Nditaurire kuti haudi izvi zvachose, ndiudze kuti hausi kunzwa zvimwe chete sezvandiri kunzwa", Makina akadaro kunaRumbidzai.

Rumbidzai akatya kutaura kuti zvimwe izwi rake rinoramba kubuda, asi akabva adzvanyira chuchu chake pachipfuva chaMakina zvakasimba. Ainzwa nziyo yekurova kwehana yaMakina, kunhuwirira kwake kuchinyautsa mhino dzake uye akanzwa zvaaisaziva kuti achanzwa mumoyo make.

"Ngatiitei tichidzokera", Rumbidzai akadaro achiregedza.

Makina angadai akaramba nekuti nguva iyoyo ainzwa kunge ndizvo zvoga zvaangada muupenyu hwake. "Handei".

Vakafamba kubva kuzvitoro zvepaAvandole kudzokera kuParirenyatwa Hospital. Havana kuona kuti vaive vafamba zvakadaro panguva diki yavabva kuchipatara. Mai Banda vaichema pavakasvikawo, zvakarwadza Rumbidzai paakavaona akafunga pane chaitika.

"Rumbidzai", Mai Banda vakadaro vachivhura maoko.

Rumbidzai akamhanyira kwavari pakarepo ndokubva avadhonzera pabhenji. "Taurai neni amai".

"Pandanga ndati tarasikirwa navo, ndipo pandavimba nerutendo rwangu; Ishe vekumusoro vandiratidza kuti vachiri nengundu yeukundi", Mai Banda vakataura misodzi ichiyerera.

Rumbidzai akanzwisisa zvataurwa naamai vake ndokubva apfugama akasimudza maoko mudenga. Haana kubvira ateura kubva paakanzwa shoko reurwere hwababa vake.

"Nhendo kwamuri Changamire", ndizvo chete zvaakataura Rumbidzai.

Makina aive akamira chinhambwe achiona zvose zvaitora nzvimbo. Haana kunge akambochema kwemakore mazhinji, asi akatarisa madzimai maviri aya, Mai Banda naRumbidzai, misodzi yakapfachuka. Vanamukoti vaipfuura vakazviyemura uye panguva iyoyo, Makina akaziva kuti upenyu hwake haucharambi hwakadaro.

"Ndakuona uri nemwanasikana wangu", izwi rakaudza Makina izvozvo.

Makina haana kuita hanya nekucheuka kuti aone kuti ndiani ataura kudaro, akabva aziva kuti aive ani. "Hamunyari", akadaro asina kana kucheuka.

"Handikuzivi asi ndaona kuti munowirirana zvikuru".

"Kupfuura zvamunifungidzira", Makina akapindura.

Keresi akanyarara, kukwiridzira kwake madziwa kukamutengesa. Makina akaridza rurimi aona kuti inogona kuva misodzi yegarwe.

"Chokwadi kwapera makore makumi maviri nemashanu here?" Makina akabvunza.

"Ndiri kufa", Keresi akadaro.

"Saka imi nekuti maneta kudya nyika rutivi uye mapedza kufara, asi hamuchadi kufa mega?" Makina akavaundura nemubvunzo. "Chokwadi here?"

"Hauzivi zvandapindana nazvo murandarume", Keresi akadaro.

"Ndakateerera, taurai ndinzwe", Makina akadaro.

* * *

Kumba, Tanaka aifara neshoko rekuti baba vake vabepura kuchipatara uye hapachina njodzi kwavari. Yeukai ndiye aisimbisa Tanaka panguva iyi uye Babamunini Tinos vaive pedyo.

"Tsvarakadenga, Babamuninini vakanakisa", Yeukai akadaro akayeva Babamunini Tinos avo vakura zvekuda kuenzana nababa vake.

"Ndatogara navo hupenyu hwangu hwose ndichivachivawo kudai", Tanaka akadaro achitora maheu kuti vanwe.

Yeukai akenda kuimba yekubikira, Babamunini Tinos vakatevera kuti vaone kuti gonhi rakiyiwa here. Haana kuona chakaipa pakudaro, achibva abatidza chivhitivhiti ndokuchuna kuenda paZimbabwe Magic apo aida kuona chirongwa, 'My Perfect Wedding'.

"Wati kudini apa?" Tanaka akabvunza.

"Ndiri kufara kuti baba vako vamuka", Babamunini Tinos vakadaro.

"Kana neniwo".

"Saka arisei musikana wenyu?" Tanaka akabvunza mushure mekunge kunyararadzana kwavo kusingachaita.

"Ho-o, musikana wangu akandisiya achienda nemurume wechidiki kwandiri".

"Zvinopa tsitsi, haazivi zvaari kuruza", Tanaka ataura akavatarisa mumhasuru dzavo.

"Chokwadi here?" Babamunini Tinos vakabvunza.

Tanaka akazviona kuti aita dzungu, anga asingafaniri kutaura zvaataura asi mashoko haadzoreki. "Ruregerero", akadaro achitendukira kufiriji.

"Aiwa ruregerero?" Babamunini Tinos vakapindura

"Rwei?" Tanaka akabvunza asina kuvatarisa.

"Izvi", Babamunini Tinos vakadaro vachienda kumashure kwake. Vakamira pamashure pake chaipo chaipo vakasiya padiki kuti vamugume. Kufema kwavo kuchimupa kakusisimuka zvaidzika netsinga dzose dzemutsipa nemusana.

"Musadaro", akazevezera Tanaka asiri kuvimba nezwi rake.

Tanaka aichiva Babamunini Tinos kubva achiri mudiki uye aida zvakawanda pamusoro pavo. Nekunzwa shungu dzekuda kuita zvakawanda navo haana kubvira afungidzira kuti vachazove pedyo napedyo zvakadai.

"Ndiudze kuti ndisiye", Babamunini Tinos vakadaro vachimupuruzira hudyu hwake vachidzika kuzvidya.

Tanaka haana kutaura chinhu, akavezembera kusvika musoro wavo wava pamusoro pewake. Vakananaidza maoko avo nepaganda rake raipisa uye kupfavira kuenda paguvhu, vakaritambisa vachiita zvidenderedzwa.

"Handingaiti izvi", Babamunini Tinos vakadaro vakadaro vachimusiya ndokubva paari.

Pane zvaaida kutaura Tanaka, asi Babamunini Tinos vainge vatobuda kare panze. Mushure memanitsi mashoma, akanzwa mavhiri emotokari nekuvharwa kwegedhi. Akaenda kukamuri yekutandarira mifungo yake yadhanganyika uko akanosangana naNgoni aive akabaya mucheno.

"Mwari, musadaro kwandiri", Tanaka akazevezera Ngoni achiuya kuzomumbundira.

Masvingo Where stories live. Discover now