CHITSAUKO 13

4 0 0
                                    

Mai Munyoro naMakina vakati tuzu kutarisa Ngoni. Ngoni zvakamunetsa kuti chii chiri kuitika achiona chiso chaamai vake nechemupatya wake Makina.

Ngoini aisaziva kuti amai vake nemukoma wake vanozivana naRumbidzai asi zviso zvavo zvakamupa kunyumwa. Akanyaririra achinyemwerera. Ngoni akadhonzera Rumbidzai pedyo akamubata muchiuno ndokufamba achienda pane vabereki vake. Amai Munyoro naMakina vakaramba vakatarisana asi hapana akakwanisa kuburitsa izwi pakati pavo, izvi zvakanetsa Ngoni mumoyo make.

Aive akamira parutivi rwaMakina musikana wake, Serina uyo Ngoni ainge arara naye mavhiki mashoma apfuura.

Nechekunze kwaive kwakamira murume asingaoni chinogonekwa naNgoni. Ngoni aive akatozvinyora mumoyo make kuti baba vake havamuoni semwana wavo zvachose.

"Amai", Ngoni akadaro nenyemwerero isingasviki kumaziso ake.

"Mwanangu", mai Munyoro vakadaro vachimumbundira kunge achiri mwana mudiki.

Ngoni panguva iyi mundangariro dzake makamhanya pfunga yekuti, 'pachiri nemumwe mudzimai anondida pasi rino zvisinei neupenyu hwandinorarama nhai'.

"Pamusoroi, sanganai nemusikana wangu, Rumbidzai", Ngoni akadaro achiregedza kumbundira amai vake.

"Rumbidzai Banda, ndiani ambozvifungira?" Mai Munyoro vakadaro vachimbundira Rumbidzai.

"Makadini amai?" Rumbidzai akavakwazisa.

"Mukoma", Ngoni akadaro akatarisa Makina.

"Ndiri kuzviona wakazvibatira wako musikana weHarare", Makina akadaro zvine kakushora mukati akatarisa Rumbidzai.

Vanhu vose vakacheuka Makina asi hapana akataura chinhu, achibva anyara.

"Hesi mwanakomana", Baba Munyoro vakabva vadzima runyararo.

"Hevoi baba", Ngoni akavadavira vachidzvanyana maoko zvakasimba.

"Makadini baba", Rumbidzai akamhoresa vaMunoyoro.

"Ndinosimba zvangu, wakadiniwo chimhandara", vaMunyoro vakadavira.

Vashandi vepamba apa vakauya vakatora mabhegi nezvimwe zvinhu zvakauya nanaNgoni vakazvipinza mumba. Ngoni nevamwe vake vakatungamirirwa kuenda kuchivara chekutandarira uko kwaive kwakarongwa zvigaro mumitsara.

Yeukai naTanaka vaive mubishi kutaura nyaya, vaive voga vaitaura nekuti vose vaivepo, pfungwa dzavo dzaive dzaenda kure.

"Imi vaviri manyatsopindirana chokwadi", baba Munyoro vakadaro vakatarisa vasikana vaviri ava.

"Mufunge zvenyu, chinhu chinofadza kusangana nemunhu wandinoita naye hurukuro, pamusoro pazvo munhu wezera rangu", Tanaka akapindura vanhu vose ndokuseka. Tanaka aive munhu akasununguka uya asingamharwi nenhunzi pamuromo.

"Imi vasikana pindai zvenyu mumba", mai Munyoro vakadaro kunaYeukai naTanaka. "Rumbidzai, munin'ina wako here uyu?"

"Hongu amai", Rumbidzai akabvumira nezwi rakapfava.

"Ndiri kuona kuti unogara wakadzikama kudai Rumbidzai", vakamuudza.

Baba Munyoro vakabva vapindira, "ndiye here musikana wawaitaura nezvake?"

"Hongu, ndiyeyu", Mai Munyoro akapindura vachimwerera.

* * *

Serina aitutuma nehasha anyerere, aivenga Rumbidzai kusvika pekupedzisira nekuti aive akatsvinda uye akazvibata kumukunda. 'Sei mukoma wangu arikutarisa Rumbidzai zvakadai? Ndinoda kuti atarise ini chete kudaro', Serina aive mubishi kufunganya. 'Ngoni, murume wandikadziisira machira masvindo mashoma apfuura ayo haasiwo kana kunditarisa kaviri, ndava kunzwa ndiri benzi chairo. Zvisinei, pachapera vhiki ino, naMwari ndichachiputitsa'.

Masvingo Where stories live. Discover now