CHITSAUKO 15

2 0 0
                                    

"Zita rangu rose ndinonzi Serina Mamera, ndinofarira upenyu hwepapurazi, handidi kushandira umwe munhu nekuti ndinoda kuwana nguva yangu nevana vangu. Ndinoda kuve mudzimai wekuti murume wangu anodzokera kumba manheru oga oga", akadaro achisimudza ruoko rwake.

"Ha-a, ko vanhu imi makatopanana nduma yemhete?" Yeukai akadaro achisimuka kuona mhete yaiva pachigunwe chaSerina. "Izvi zvinodadisa izvi!"

"Ngoni, ndinovimba wakamupfuura apa", akadaro Tanaka vamwe vose vati bvu-u kuseka.

"Veduwee, chindisiyai. Rumbidzai, yave nguva yako", Serina akadaro akataura akatarisa kudivi kunaRumbidzai.

"Zvakanakai, hapana zvakawanda pamusoro pangu; ndiri mwana wepamoyo wababa vangu pamberi pezvinhu zvose. Ndinoda munin'ina wangu nehanzvadzi yangu. Amai vangu, Mwari avaropafadze nekuti vakatumwa naMwari. Ndiri nyanduri, munogona kundidana kuti fuza", akadaro achibyemwerera.

Vanhu vose vakaseka.

"Rumbidzai wakahwinha mubayiro, handiti?" Baba Munyoro vakabvunza.

"Hongu, ndakahwinha baba", akapindura zvine simba.

"Unonzwa sei?"

"Kumuka usiku hwega hwega ndichitondera zviitiko zvose zvemusi uyu, zvinoreva chimwe chinhu kwandiri, ndizvo zvandinonzwa", Rumbidzai akadaro nemufaro mukuru.

"Ndinofunga kuti zvinoita kuti mwanakomana wedu adade kuve newe", Mai Munyoro vakadaro.

"Chokwadi, zvinondipa manyawi", Ngoni akapindira, Rumbidzai ndokumutarisa neziso raimusvereredza.

Vanhu vose vakaenda kunozorora nguva yemurirakamwe. Rumbidzai akasara agere nekuti pane zvaaida kunyora; aida kunyorera Baba naMai Munyoro karungano sechipo pamhemberero yavo yewanano.

Akatarisa nguva ndokuona yatova awa imwe chete kubva pakati pahwo usiku. Rumbidzai aifarira zvekunonoka kurara ononoka zve kumuka. 'Asi ndichazvifambisa sei pamba pasiri pedu?' Zvakamunetsa kuti zvaizoita here kuti anonoke kumuka iye ari muyeni.

Rumbidzai akaenda muimba yekubikira, akafashaidza mvura nekuti aidokwairira svutugadzike yemuringa.

"Uchiri wakasvinura?"

Rumbidzai akanzwa izwi raanoziva kubva kare. "Hongu", akapindura.

"Rumbidzai ndipewo nzeve, ndiregererewo nekuoma musoro kwandinoita kwauri. Ndinzwe, hazvisi zvandiri", Makina akadaro.

"Ho-o", Rumbidzai akadaro achisveerera komichi yaiva muchikabati chepamusoro pakareba kwazvo.

Makina akaseka.

"Une chokwadi?" Rumbidzai akabvunza.

"Ndine urombo", Makina akadaro achienda pamashure paRumbidzai uyo aive akatsigira nema-drawer echikabati.

"Sei uchindishungurudza?" Rumbidzai akabvunza ndokumedza mate zvinesimba.

"Ndinofungudzira kuti wakangofanana neni, hundururani", Makina akadaro zvinekakudenha mukati.

Pakaita karunyararo kairema, vakanyararidzana zvekuti chainzwika kufemuruka kwavo chete.

Vakanzwa mutsindo, Rumbidzai ndokukurumbidza kusuduruka kubva panaMakina ndokuona ari Tanaka akavatarisa.

"Ndiye mukomana wekuSouth Africa here?" Tanaka akabvunza nezwi rine hope.

"Hongu", Rumbidzai akadaro achikosorera zvekugadzirisa pahuro.

"Akanaka kupfuura zvaukamutsanganura", Tanaka akadaro achitora girazi remvura. "Heya, pane pandikaverenga kuti chinhu chisingabvumirwi ndicho chinonaka", akadaro achifamba kuenda.

Rumbidzai akavhunduka nemashoko aya kunge achachakwatisa mudhebhe waaive akapfeka. Tanaka musikana aitaura zvaafunga panguva iyoyo asinei nezvakawanda.

"Mukomana wekuSouth Africa?" Makina akabvunza akavhura ziso kunge gonzo rabatwa nechikirimbani.

"Hongu", Rumbidzai akapindura akamutarisa mumaziso.

"Ndinoda kuziva kuti wakamuudzeyi", Makina aitaura achifamba zvishoma kuenda panaRumbidzai.

"Usanetseke zvako, munin'ina wangu haana hana".

"Ndinoda kuzviziva", Makina akasimbirira.

"Hatisi shamwari neshamwari, saka usavavarira nyaya iyoyo", Rumbidzai akadaro achipindura meso ake akatarisa Makina.

"Iwe usazviita zvekunditenderedzera maziso izvozvo", Makina akadaro achivhura meso.

"Wati chii?" Rumbidzai akabvunza.

Rumbidzai asati ataura rimwe shoko, Makina akamusimudza nemuchiuno ndokumugadzika patafura. Makina akamudya miromo nerumi, kumutsvoda kunge abatwa neshavi.

Rumbidzai akaedza kutsvudzuka aisi aiva akabatwa nembambo chaiyo kusvikira aregera kuti moyo nepfungwa zvitambe irikurira panguva iyoyo. Rumbidzai akatsvodawo nekudya Makina rurimi rwake akabata musoro wake nemunzeve kusvika vose vanzwa tudikita padumbu pavaive vakanamana kuti nyakata.

Rumbidzai mumoyo make aiti, 'zvakanaka asi zvakaipa zvavaita nekuti hatifaniri kuita izvi'.

Makina akamira kutsvoda achiratidza kuve nesimba rechikakara chesango achifemera pamusoro kunge jon'osi rabatwa musi wekutanga. Akatarisa Rumbidzai mumaziso kwechinguva, maoko ake akabata muchiuno chaRumbidzai chaiti tu-u kupisa.

"Maziso ako akanakisa zvikuru", Makina akayemura Rumbidzai.

"Iwe, taura tinzwe iyezvino, tatsvodana", Rumbidzai akadaro achiedza kudzora mafemerukiro aaita.

"Ndiri kuti, uri ndururani uye haunzwisise asi wakatsvinda", Makina akadaro achipuruzira bvudzi raRumbidzai.

"Wakapa umwe musikana nduma ka iwe", Rumbidzai akadaro pfungwa dzake dzichigadzikana.

Makina akaregedza Rumbidzai ndokufamba achienda kumusiwo, akacheuka ndokugadzika ziso rake pachiso chaRumbidzai ndokuti, "wakaoma, hamupindike zvekumhanya Muzvare Banda".

"Kana newewo", Rumbidzai akadaro achibata-bata paive pakamharwa nemiromo yaMakina.

* * *

Makina akazvitongesa, 'chii chandaita? Ndakachinjana nduma naSerina manje manje asi iyezvino ndave kuzvibvunza kuti ndakagona kusarudza here'.

Makina akagara mukamuri yekuverengera maminitsi anosvika makumi mana asi haana kunzwa mutsindo; zvakareva kwaari kuti Rumbidzai aive achiri muimba yekubikira.

Makina ave kuda kuvhara gonhi rake akanzwa mutsindo kumashure kwake. "Wave kunorara?"

Makina akazembera gonhi rake, Rumbidzai akazembera madziro; pakati pavo pakasara pagwanza kadiki-diki.

"Nezvataita...", Makina akatanga.

"Handikukanganise kuita zvaunoda", Rumbidzai akadaro nekuchimbidza.

Rumbidzai paaitaura, Makina aive akati nde-e maziso ake pahudyu hwaRumbidzai achimuchiva nekuona kuumbana nekuurungika kwaakaita.

Makina akafamba zvishoma kubva paaive akamira ndokunamatidza Rumbidzai nemadziro, ndokumusimudzira zvishoma neshure kwake ndokumubata maoko apo miromo ichinogumana, rurimi rwavo ndokunosungana mukanwana maRumbidzai. Makina ainakirwa nemate aRumbidzai, meso atsinzinira, ropa rikaita makwikwi ekumhanya netsinga dzose.

"Ndapota Makina, chindirega ndiende", Rumbidzai akateterera izwi rake richibuda nepakati pemashinyiro.

Makina akaisa zvimiti munzeve akaramba achitsvoda nekusuka miromo yaRumbidzai nerurimi. Makina akanzwa makumbo aRumbidzai achiregedzereka kuratidza kuti aive apera simba.

"Handizivi kuti chii, asi ndiri kunzwa kukuda nemoyo wangu wose semadiro aunondiita", Makina akadaro zvakashayisa Rumbidzai remuromo achibva amusiya mupaseji imomo.

Masvingo Where stories live. Discover now