CHITSAUKO 26

1 0 0
                                    

Makina naRumbidzai vaive vakadekara kugara vakatarisana zvekuti havana kuona kamutarisirwo kavaiitwa nevanhu. Vairatidza kudondana kunge njiva inoberekwa iri nemudzimai wayo. Vaoni vaifunga kuti Rumbidzai naMakina mudzimai nemurume, asi vaviri ava vaiva kure kuti vazowanana.

Makina aive pakati pekuzeya nhau yekuti mudzimai waanga apedza makore naye uye waari kuda kubatanidzwa naye kuve nyama imwe chete anga amuhurira nemupatya wake. Mupatya wake nemudzimai uyu vaisaratidza hanya pamusoro pazvo. Uye zve, mudzimai uyu aive nepamuviri paaishayiwa kuti obvunza sei kuti ndepaani nekuti aitya kuziva kuti zvinozobuda ari baba mukuru wepamuviri apa.

Nerumwe rutivi, Rumbidzai ainzwa kusununguka kuti awana munhu wekutaura naye munguva yemadzudzo iyi. Aive neshungu dzekuona baba vake zvekare. Aiva nebundu pamoyo kuti sei mhuri yake isina kumuzivisa nezveurwere hwababa vake asi iyi yaisava nguva yekuchitsvagana nezvose izvo.

Ndangariro dzemunin'ina wake dzaive muninga wepfungwa dzake, aisada kufunga nezvazvo zvakanyanya nekuti aiziva kuti haisi mhosva yake kuda mukomana waaimbodanana naye. Asi zvekare, aida kuziva kuti; aizozvigona sei paakakwanisa kusudurutsa munin'ina wake kubva kunaNgoni? Ukuwo, amai vake nyakutumbura, Keresi vaimuda zvakaipisisa. Rumbidzai aive parumananzombe, aitya zvichabuda kumagumo.

Sezvo Rumbidzai aiva ndiye mukuru, waiva musenzekete wake wekuona kuti vamwe vana avariritira uye kuvabatsira muupenyu hwavo.

Keresi aive akamira kune rimwe divi rekafiteri achiyeva zvake mwana wake Rumbidzai, kuita ngoda uye kuyevewa kwaaitwa nemeso evarume vazhinji. Aive aita tsvakurudzo pamusoro paRumbidzai, saka zvaimunetsa kuti murume waari naye ndiani sezvo paFacebook pakanzi mukomana wake ndemumwe asiri waari kutandara naye.

'Zvichida akanditodza, vakuru vakati chaisiya huyo chaukuya nei', akafunga Keresi. 'Asi zvekare, Pauros aive murume akanaka, ichi ndicho chikonzero chaita kuti asiye mwasikana mudiki kudai'.

"Ndinovimba murume wangu anorarama, nekuti zvikaenda nepamwe zvingauraya Rumbidzai", amai Banda vakadaro.

"Musikana akasimba uyu", Keresi akapindura.

"Hapana chamunoziva nezvaRumbidzai, dai waiziva ungadai usina kumusiya".

Ndiko kusaka ndiri pano nhasi", Keresi akapindura.

"Ndiri amai asi handidi kutora nzvimbo yako, handina kutomboedza. Kumwanasikana wangu, hauna kumbobvira wavepo", amai Banda vakadaro vashatirwa kunaKeresi aida kutozvifirawo zvake.

Nepadivi peziso, Makina akaona zvaiitika, madzimai maviri vachikurukura asi haana kuda kuti Rumbidzai avaone. Akarangarira kumushungurudza kwaakaita kuSouth Africa achimupomera mhosva yekuoma moyo nekuti Rumbidzai aive asina kudoma amai vake nyakutumbura munganonyorwa yake, asi musi uyu Makina akaona zvakakodzera kumuchengetedza.

"Ngatichiendai, ndinoda kutarisa amai", Rumbidzai akadaro.

"Ngatimbotandairai zvishoma, tozodzoka woenda kunoona amai vako", Makina akadaro.

Vakafamba vakabatana maoko vachibva paParirenyatwa Hospital. Makina akaita kuti vanange kuAvondale, asi hapana nyaya dzaitaurwa dzine musoro. Makina aida kushandisa mukana uyu kumubvunza nezvaamai vake nyakutumbura, Keresi.

"Rumbidzai".

"He-e", Rumbidzai akadavira achigunhiwa netumatombo twaive munzira.

"Ndiudzewo nezvaamai vako avo, nyakutumbura".

Rumbidzai haana kupindura. Makina akanetseka kuti amutsamwisa here kana kuti achazopindura. "Vakanditiza ndiri nezuva rimwe rekuberekwa", Rumbidzai akapindura maziso ake achiratidza kutarisa kure zvikuru.

Vose vakambonyararidzana. Makina aiedza kutsvaga mazwi akakodzera ekutaura uyuwo Rumbidzai aifunga; makore ose aaipembera musi wake wekuzvarwa achishuva kuti dai amai vake varipo, husiku yaaiswera oga baba vake vasipo uye kurwadziwa kwaaitwa kana shamwari dzake dzichitorwa nanaaamai vadzo kuchikoro.

"Nekuda kwechikonzero chandisingazivi, baba havana kubvira vandinyepera nenhau iyi. Zvichida ndizvo zvakaita kuti tiwirirane zvakanyanya", Rumbidzai akaenderera mberi.

"Baba vako vakazokuudza chokwadi riini?" Makina akabvunza.

"Ndave nemakore manomwe. Ndakatswa kuti sei vainge vasina kumbobvira vataura nezvaKeresi. Ndakatsamwa zvekuti vakapedzisira vave kuenda kuchiitiko chose chevabereki uko shamwari dzangu dzaiuya nanaamai vadzo. Hakusi kuti ndaisafara nazvo, asi ndaidawo munhu wechidzimai wandinotaurawo naye saamai", Rumbidzai akataura nenyemwerero yaisasvika kuchiso chake.

"Amai vako vakandisiya vachienda nemumwe murume, ndiwe wega munhukadzi muupenyu hwangu".

Makina akatarisa Rumbidzai nekukatyamara kukuru.

"Ndiwo mashoko avo chaiwo avakandiudza", Rumbidzai akadaro.

"Hutsinye ihwowo pazera rawaiva!" Makina akadaro.

"Hongu hutsinye, mashoko iwayo akandinetsa muupenyu hwangu kwamokere  mazhinji, asi zvakandibatsira kukura. Ndakashandisa kunyora senzira yekuzviratidza zvandiri. Ndinorangarira ndichinyorera baba vangu tsamba ndine makore gumi ndichivaudza nyaya dzangu dzose dzakavanzika. Kubvira musi iwoyo, ndisu (tiri vaviri) tinenge tichirwisana nemunhu wese", akadaro Rumbidzai.

Makina akabata ruoko rwaRumbidza, ndicho choga chinhu chaaikwanisa kuita panguva iyoyo. "Ndine urombo nezvose zvaukapindana nazvo."

"Zvose zvakangonaka, zvakandibatsira kukura. Zvakandiumba kuti ndive munhu wandiri nhasi asi zvandikapedzisira ndave kuitwa nemupatya wako mashura chaiwo", Rumbidzai akadaro vose ndokubva vaseka.

"Ndinofunga kuti imi vaviri makava nenguva yenyu", Makina akataura achiri kuseka.

"Ichokwadi, zvaive zvakanaka panguva yacho. Tose tine zvataikanganisa."

Makina akamira pamberi paRumbidzai akamusimudza huso nechirebvu. "Nditenderewo kuti ndikude."

Rumbidzai akarapura ruoko rwaMakaina achiti, "haisi nguva yacho ino, Makina. Hapana chaunoziva nezvangu".

"Tine hupenyu hunopfuurisa mberi kwedu, kana tichiziva zvatinoda, tinokwanisa kuzivana", Makina akapindura.

"Ndinotya, pandikatendera munhurume kuve pedyo neni akabva andirwadzisa", Rumbidzai akadaro.

"Hazvisi zvose zvinobuda muupenyu asi ungaziva sei zvinokushandira kana usina kuzvivhura?" Makina akabvunza achitambisa gumbo rimwe.

Rumbidzai akaedza kutarisa pasi asi Makina akabva amudhonzera pedyo naye, achipukuta miromo yake neyake ndokubva adzikisa gejo nekutsvaga rurimi rwake nerwake. Kamhepo kekuseni kakavakwazisa nemitupo kachivasundira pedyo napedyo, mumaoko avo vakamonerana.

Kwekanguva, Rumbidzai akambokanganwa nhamo dzake dzose. Aida kuve mumaoko ane mhasuru nekusingaperi.

Makinawo, aida kunzwa nhapinhapi nedekaro yakaita seiyi. Aida mudzimai anomuratidza kuti anomudawo semadiro aanomuita. Haana kuita zvekufungidzira, akaziva kuti ndiyeyu Rumbidzai.

Masvingo Where stories live. Discover now