CHITSAUKO 10

3 0 0
                                    

"E-e ndave kumbobuda, pane zvaunoda here?" Tanaka akabvunza mukoma wake uyo aive akatsikitsira achinyora pa-laptop yake.

"Pamwe burger", Rumbidzai akapindura asina kumbosimudza huso hwake kubva pa-laptop.

"Ndinofunga kuti wave kufanira kufunga zvemurume wawagara uchiziva", Tanaka akaudza Rumbidzai apo achitora svumbunuro dzemotokari yake.

"Mira, uri kuendepi nemota yangu?" Rumbidzai akabvunza.

"Ndakuudza kuti ndichambobuda inga wani", Tanaka akapindura achiziva hake pfocho yaachaudzwa.

"Tanaka, unofanira kudzidza tsika yekukumbira usati watora chinhu chemunhu", Rumbidzai akataura zvakadzikama kupfuura zvaifungidzirwa naTanaka.

"Ndazvinzwa", Tanaka akapindura. "Saka nditore here mota yako?"

Rumbidzai akangonyemwerera akamuratidza neruoko kuti aende asina kutaura chinhu.

Tanaka akatyaira motokari ndokusvika paVillage Walk Ngoni atomumirira. Tanaka akambomira chinguva asati aenda paive pakagarwa naNgoni achitaura mundangariro dzake kuti, 'Ngoni naRumbidzai vaive vakadondana kunge hangaiwa, asi ndinorwadziwa nekamubatiro kaanoita mukoma wangu'.

"Chii?" Tanaka akabvunza achigara pachituro chaiva chakatarisana naNgoni.

"Ndiwo mamhoresero aunoita vanhu here iwayo?" Ngoni akamubvunza akamisa manganda.

"Iwe ka, ndinogona kukunyadzisa pazere vanhu pano", Tanaka akadaro akavhura ziso kuti tukunu.

"Zvakanakai", Ngoni akadaro nyemwerero ichitiza chiso chake zvishoma nezvishoma.

Ngoni akashevedzera ma-burger maviri, fries nezvinwiwa zvemuto yemichero.

"Saka sei wandikoka kuno?" Tanaka akadaro achiruma chikafu, Ngoni akaramba akamutarisa.

"Chokwadi uri pano pedyo nemukomana uchidya madyiro akadai?" Ngoni akadaro achinongedza muromo waTanaka.

"Asi vanhukadzi havafaniri kudya pamberi pevanhurume here? Zvakanaka pakuti ndiri mudiki kwauri nekure", Tanaka akadaro achitsenga asina shungu nezvataurwa.

"Tanaka une makore manganiko?" Ngoni akabvunza avhunduka.

"Makumi maviri, ndinofunga iwe wakura zvekuve baba vangu chaivo", Tanaka akapindura.

Ngoni akaseka achivhara muromo wake nenapukeni ndokuti, "ha-a wandinakidza".



Tanaka akapedza kudya nekunwa ndokupukuta muromo.

"Chii chauri kuda kutaura neni?" Tanaka akabvunza nechiso chisiri kuda kuita zvekutamba.

"Ndasuwa sisi vako", akadaro achiratidza kurevesa.

"Ndiri kuzviziva."

"Mira, chirudzii?" Ngoni akabvunza.

"Rumbidzai musikana wekuti haungangomusiye achienda, haana chipomerwa uye murume akaita sewe anotomukanganisa pane kumubatsira", Tanaka akataura asingabwairi.

"Tanaka, ndinovimbisa kuve munhu mutsva, chandinoda kuti ave neni", akataura kunge kuteterera.

Rumbidzai aiva mudiki zvake asi pfungwa dzake dzaiva dzakura, akazviona kuti murume anenge Ngoni pane zvaaida.

"Chii chauri kuda Ngoni?" Tanaka akabvunza.

"Wazvinzwa, ndakuudza zvose zvandiri kuda."

"Ehe handisi kuramba asi kuseri kwemanyepo awabika aya kune chauri kuda", Tanaka akadaro ndikudzvuta chinwiwa chake.

Ngoni akambonyarara kwenganguva, zvichida aizvitongesa kuti zvakanaka here kuudza Tanaka  kana kwete.

"Mhemberero yewanano yevabereki vangu iriko pakupera kwevhiki ino", Ngoni akazotaura pava paya.

"Saka unoda kuti sisi vangu, munhu kwaye aende newe here?"

"E-e anogona hake kungonyepedzera kuve musikana wangu", Ngoni akataura nezwi rinenge kazevezeve.

"Hazvisi kuzoitika izvozvo", Tanaka akatsika madziro.

Mushure mekukakavadzana, vakazowirirana kuti Rumbidzai anoenda kana iye Tanaka achiendawo navo. Vaizoenda uri musi weChishanu vozodzoka musi weSvondo kana mhemberero yose yapera.

* * *

Makina aive akatarisa Serina akataura mundangariro dzake kuti, 'Serina aive umwe munhu kubva musi wandikadzoka, aive akavhengedzera asi iye zvino achinja'.

"Saka uchazivisa vanhu vose here nezvekupanana nduma kwamukaita?" Yeukai akabvunza maiguru vake Serina.

"Handizivi",  Serina akapindura achifinyama kumeso.

"Bva, chinofadza inhau yekuti Ngoni anenge ari pano", Yeukai akataura achiwuruka nemufaro.

"Saka zvinoita kuti zvinhu zviite zvakanaka here izvozvo?" Serina akabvunza vose ndokubva vaseka.

"Taisasiyana", Yeukai akadaro.

"Chokwadi mudiwa wangu, ndichakutsvagira shamwari", Serina akadaro achirerekesa musoro.

"Ko uya musikana aiva kuSouth Africa?" Yeukai akabvunza.

"Aita sei?" Serina akavhunduka.

"Kumbira Ngoni kuti amutsvage, anobva kuHarare handiti?"

"Asikana, musikana iyeye neni takarimirana kumuganhu", Serina akadaro.

"Aive asina kutsvinda here?"

Serina akamboita nguva akanyarara achifunga zvemusikana abvunzwa kuti, 'chokwadi aive akatsvinda asi akaoma musoro zvekuti hapana patingapindirana'.

"Urikuziva kuti ndirikusvitsa makore makumi maviri mumwedzi mishona inotevera, handiti?" Yeukai akabvunza.

"Aizve tichiri nezvivana zvine makore maviri nhai?", Serina akapindura achidenha ndokubva vose vapwatika kuseka.

Masvingo Where stories live. Discover now