Rumbidzai paakanorara usiku uhwu, akarara nemibvunzo yakawanda yaaizvibvunza; 'ndaiteiko nhasi, murume ave pedyo nekuroora asi ini ndanga ndichikandira kwaari. Hazvina kunaka, kunyangwe zvikanzi ava kusiya Serina kuti anditore, mupatya wemukomana wandaidanana naye'.
Rumbidzai akazomukironzwa munhuwi we-hot chocolate. Akagoneredza, paakazomuka nguva dzainge dzave 9:00am, zuva rotopisa.
"Nhai Mwari, usandiudze kuti ndararisa", Rumbidzai kadaro arohwa nehana.
"Usatya hako, vabereki varikuzviziva kuti takanonoka kurara", Ngoni akadaro. Aive akapfeka kabudura keruvara rwedota nesikipa chena. Ainhuwirira zvikuru uye aive nekamwe kakusasakara kaioneka paari kaifarirwa naRumbidzai.
"Uri kuyeveiko pandiri?" Ngoni akabvunza.
"Ruregerero", Rumbidzai akadaro achinyara-nyara.
"O", Ngoni akadaro achitambidza Rumbidzai komichi ye-hot chocolate. Akatambira ndokudzvuta, akazipirwa nayo chose.
"Handina kukwesha mazino", Rumbidzai akadaro achidzvuta zvekare rwepiri.
"Hazvina basa, unizokwesha kana wapedza kunwa hot chocolate".
"Ndinovimba vabereki vako havasati vamuka", Rumbidzai akadaro akatarisa Ngoni.
"A-a, vamuka karesa, havatangirwi nezuva. Ipapa vatodzoka kunofamba kwamangwanani kwavanoita vachisimbisa miviri. Kutaura kuno vanenge vave kutopa huku chikafu."
Rumbidzai akapera simba nazvo ndokuseka.
"Chii?" Ngoni akabvunza achishamisika.
"Ndaona chikonzero chakaita kuti utize papurazi", Rumbidzai akapindura achiri kungoseka.
"Haiwawo, ndiyo nzvimbo yandaida manje ino. Chero nhasi ndinoida nzvimbo iyi asi ndakaona kuti ropa rangu pane zvimwe zvinhu zvarinofashairirira", Ngoni akapindura.
"Asi chimbonyatsondiudza iwewe, sei wakabva papurazi?" Rumbidzai akabvunza amira kuseka.
"Ndichazokuudza izvozvo kana wageza", Ngoni akadaro achirova Rumbidzai pahuma zvishoma.
Rumbidzai akapinda mukamuri yekugezera ndokukurura hembe dzose. Akazviyeva pachioniso kwenguva yakareba achitenderera achizvitarisa mativi ose.
'Sei Ngoni ava kuita munhu kwaye uye kundibata zvakanaka? Ndakatsiidza kuti handichamucheuki zvekare kunyangwe zuva rabuda nekumavirira, asi ndiri kunzwa kakufara kuti achinja manje', Rumbidzai aitaura oga nechemumoyo.
Apedza kugeza, Rumbidzai akapfeka rokwe jena rakareba rine bhanire reruvara rwekenya nemino hombe parutivi yaikwidza nepahudyu pake rodzika nechidya.
Rumbidzai, akaenda kuimba yekubikira akaona vanhu vose vakadekara kugara.
"Mangwanani akanaka mhenya", Tanaka akamukwazisa.
"Mangwanani", Rumbidzai akadavira achinyemwerera. Akabva amukisa munhu wose aive akagara patafura ndokugara pedyo naNgoni akatarisana naMakina.
Makina aitarisa Rumbidzai zvekubiridzira kasingaperi zvekuti Rumbidzai akasvika pakunyara nazvo, akademba kuti dai zvaibvira chigaro chake changomumedza.
"Uri kuronga kuti uzomuita mudzimai wako riini?" Mai Munyoro vakabvunza Ngoni.
Rumbidzai akabva akachidzwa nechikafu akakosora zvainzwisa tsitsi.
"O", vakadaro mapatya vachimutambidza magirazi emvura panguva imwe chete.
Tanaka achiona izvi akasekerera asi asingadi kuvhura muromo wake achiona zvaiitika. Rumbidzai akatambira girazi remvura kubva kunaNgoni akaikakaira yose kamwe chete. Serina aive akadzvokora Rumbidzai neziso rizere ruvengo.
"Uri mushe here mudikani?" Mai Munyoro vakabvunza Rumbidzai.
"Handina dambudziko amai", Rumbidzai akapindura achipukuta musodzi.
"Zvakanakai amai. Nezvenyaya yekuti ndichimuita mudzimai wangu, ha-a takapfavira ngoma zvedu asi tichararama tose ramangwana redu", Ngoni akadaro achirova Rumbidzai paruoko nekagunwe pasi petafura.
"Chokwadi amai", Rumbidzai akatsigira.
"Mudzimai akanaka kwazvo, ndakaita nguva naye uyu ndinomuziva. Ndapota usamusiye achienda. Ndingadai ndati mukoma wako amutore asi tose tinoziva kuti hazviite", Mai Munyoro vakaenderera mberi.
"Ko imi vaviri, muchato uriko riini? Hatisi kudzoka pahudiki ka, munozviziva", Baba Munyoro vakadaro vakatarisa Serina naMakina.
"Kwete iyezvino", Yeukai akamhanyira kupindura asina kutarisa vanhu.
"Wati kudii apa?" Serina akabvunza achiita zvekuvhundukira.
"Hapana", Yeukai naTanaka vakapindura panguva imwe chete.
Kudya kwamangwanani kwakaenderera mberi mururanyaro pasina akati bufu kutaura. Pakazogadzirwa hurongwa hwekuti vachazowona firimu kana zuva rorereka.
Baba Munyoro vakabva vati, "sezvatinosiita kana taungana semhuri kudai, tinofanira kuona firimu remhuri rezvakaitika kare zvakaita semuchato, mhemberero dzesvitsa, mhemberero dzehunyanzvi munyaya dzekurima, nezvimwewo zvakadaro. Saka tinofanira kuona mavhidhiyo edu andikachengeta".
Ngoni akaudza Rumbidzai kuti vachatenderera achimuratidza purazi ravo. Serina akabva ati, "tichatenderera tose pamwe chete naMakina nekuti ndinoda kuti tijairane naRumbidzai".
"Wagona Serina, munofanira kuzivana", Baba naMai Munyoro vakatsigira asi Rumbidzai haana kuzvifarira, akanyumwa kuti pane zvavaronga.
"Saka murikuronga kuzoita vana riini?" Serina akabvunza vachifamba mubindu remichero.
"Hatina kuroorana, saka tinofunga zvekuita vana chirudzii?" Ngoni akabvunza.
Rumbidzai aiziva kuti Ngoni haasati ave kuronga zvevana nekuti anoti vana vanofanira kuzouya kana munhu wapedza kuronga zveupenyu hwako.
"Saka unonzwa sei kana uchinge wadhumaniswa?" Serina akabvunza Rumbidzai.
Rumbidzai aiedza nepose paanogona kuramba akapfava.
YOU ARE READING
Masvingo
General FictionRumbidzai is a young ambitious and principled girl. He fell in love with Ngoni, a hardworking 28 year old guy and very rich than most of his age. Later, Rumbidzai falls in love with Makina who happens to be Ngoni's twin brother. Meanwhile, Ngoni now...