CHITSAUKO 22

1 0 0
                                    

Panze painge pave kuita pachitonhora, asi zvakadaro Rumbidzai haana kuda kudzokera mumba. Akafunga kuridzira baba vake runhare. Nguva dzaiva 11:30PM, akaziva kuti baba vake vanenge vachiri vakamuka vari muimba yekuverengera vachiverenga Bhaibheri uye kugadzirira mharidzo.

Akabata nharembozha yake ndokufonera baba vake asi havana kudavira. 'Chirudziiko ichi?' Akataura ega mumoyo.

Rumbidzai akabva aridzira amai vake runhare asi havana kudavirawo zvekare. Akabva aridzira hanzvadzi yake Takunda uyo akabva adavira ipapo ipapo.

"Chidokohori", Rumbidzai akadaro achinzwa kusungunuka.

"Hesi Rumbidzai", Takunda akapindura nezwi rine hope.

"Asi ndakumutsa here?" Rumbidzai akabvunza achiremerwa.

"Hazvina kuipa. Babamuninini Gejo vandisiya kumba manje manje".

"Vakusiya kumba, nguva dzino?" Rumbidzai zvakamunetsa.

Takunda akambozeza asati apindura.

"Takunda-a, ndiri kutaura newe", Rumbidzai akadaro achiedza kuzvidzikamisa.

"Zvakanakai, ndanga ndiri kumba kwavo ndichida kurara ikoko asi ndabva ndatanga kurwara ndichibva ndafunga zvekudzoka kumba", akadaro Takunda.

"Takunda uri kunyepa".

"Rumbidzai, hwava husiku ndave kuda kurara", Takunda akadaro.

"Ndiri kuda kutaura nababa", Rumbidzai akadaro.

"Vafonere", Takunda akapindura.

"Ndamboedza asi havasi kubata runhare", Rumbidzai akapindura asi akazvinzwa kuti pane zvisina kumira zvakanaka.

"Ho-o, handiti unoziva kuti nguva dzino vazhinji vanenge varara? Vanokufonera mangwana Rumbidzai, usanetseka Zvako."

"Ndiri Rumbidzai, baba vanodavira runhare chero nguva dzandavafonera, saka iwe uri kuti kudii?" Rumbidzai akabvunza. "Chii chiri kunetsa nababa?"

"Chii chinoita kuti iwe ukoshe zvekudaro, he-e? Tose tiri vana vavo asi nguva dzose unoda kuzviita iwewe ndiwe chete wakakosha kupfuura vamwe vana", Takunda akadaro.

"Chii chiri kuitika nababa?" Rumbidzai akabvunza zve.

Nguva dzose Takunda paaitaura achidai naRumbidzai, panenge pari nechaitika. Hongu, Rumbidzai anodada nekuva mwana anodiwa nababa asi hapana mwana airwadziwa nazvo, zvichida inyaya yekuti ndiye ainzi akarenda pane vamwe vose.

"Takunda, ndabvunza mubvunzo mhani", akazhambatata Rumbidzai.

"Ndiri kutya Rumbidzai", Takunda akabva achema.

Rumbidzai akanzwa chigodo kumugara pahuro. 'Chii chingava chaitika kumba?' Pfungwa dzakamhanya asi akazvisimbisa kuti amirire mhinduro kubva kunaTakunda.

"Takunda, ndapota chinyarara, pora handitika".

Takunda akakwanisa kuzvidzora nekusimba zvishoma ndokutanga kutaura. "Baba vanga vachirwara, Rumbidzai", akataura achiedza nepaanogona kupora.

"Kurwara? Kutanga riini?" Rumbidzai akabvunza.

"Ndakanzi ndisakuudze asi handichakwanisi kuzvinyarara", Takunda akaenderera mberi.

"Uri kutaura nani?"

Rumbidzai akanzwa izwi raamai vake richibvunza Takunda. Pakamboita runyararo.

"Takunda, ndinoda kutaura naamai", Rumbidzai akaudza Takunda zvine chisimba, panguva iyoyo akanzwa nhare kunyarara.

Rumbidzai akanetseka achishaya kuti ndiani waangataura naye. Akatarisa munharembozha yake akadhumana nenhamba dzaBabamunini Gejo achibva adzifona pakarepo pasina kana kuzengurira vachibva vadavira pasina nguva.

"Rumbidzai, ndanga ndichida kutokuridzira nhare izvozvi", Babamunini Gejo vakadaro.

"Baba vangu varisei?" Rumbidzai akabvunza.

"Waudzwa kuti chii?" Babamunini Gejo vakabvunzawo.

"Ndiudzei kuti chii chaitika kunababa kana kuti ndave kutouyako izvozvi", Rumbidzai akavhundutsira.

"Rumbidzai, parizvino dai wambogara zvako kuChiredzi ikoko kwesvondo rose kusvika zvinhu zvagadzikana kuno".

"Handina hama kuno asi motarisira kuti ndigare svondo rose ndichiziva kuti baba vangu havasi kunzwa zvakanaka chirudzii? Uye imi mose hamuna kuita hanya kuti mundizivise", Rumbidzai akataura nezwi rizere hasha.

"Pakanaka, ndave kukuudza chinhu ichi nekuti handidi kuti uchekerese upenyu hwako nekutyaira motokari usiku huno uchiuya kuHarare", Babamunini Gejo vakadaro.

"Ndakateerera".

"Amai vako vauya", Babamunini Gejo vakataura vachidhonza mazwi.

Rumbidzai akafinyamisa huso, "munorevei kana muchiti amai vangu?"

"Keresi, auya. Arikuti anoda kukuona. Arikutsva mumoyo make nechishuvo ichocho", Babamunini Gejo vakatsanangurira Rumbidzai zviripo.

Rumbidzai akanzwa chibayo chichipfuura nepamoyo wake, pfungwa dzikapiringishana, 'Mukadzi uyu aita chivindi chekubudikira kwapera makore makumi maviri nemashanu iye zve arikutarisira kuti ndimumhanyire mumaoko ake saizvozvo?'

"Rumbidzai, uchiripo here?"

"Hongu Babamunini", Rumbidzai akadavira zvekuvhundukira.

Masvingo Where stories live. Discover now