Rumbidzai aive akadekara mumba apedza kudya zvamasikati paakanzwa motokari ichiwunga ichipinda pageghi. Aive asingatarisiri munhu anouya masikati kunze kwemanheru chete. Akadongorera nepafifitera nemuketeni akaona mudzimai waanoziva achiburuka mumota iya, airatidza kuve neshungu zvikuru uye ari iye aigona kuzova vamwene vake chero nguva.
Rumbidzai akamhanya kumonera kachari pamusoro pekabudura kaive kakati mba mba mba nemagadziko ake kuti awonekere. Akapfeka sikipa pamusoro pekahembe kanenge kabhodhi kaaive akapfeka.
"Makadini amai?" Rumbidzai akakwazisa Mai Munyoro achiwombera abva kuvhura gonhi, ndokusuduruka pamusiwo kuti vapinde.
"Ndinofara zvangu mudikani, wakadini zvako?" Mai Munyoro vakapindura nekanyemwerero kadiki kasingasviki kuchiso chavo.
"Regai ndikugadzirirei chekudya", Rumbidzai akadaro achidzokera kuimba yekubikira.
"Aiwa, usanetseka zvako ndadya manje manje".
Pakamboita runyararo pakati pavo.
"E-e handisi kugara, ndiri kumhanyira kuchipatara", Mai Munyoro vakaudza Rumbidzai.
"Kuchipatara? Ndiani arikurwara?" Rumbidzai akarohwa nehana.
"Amai vako".
"Amai vangu havasi kurwara ini uye vari kumba kwete kuchipatara", Rumbidzai akapindura asiri kufarira kumushanyira kwavaita.
"Wakapedzisira riini kutaura navo? Dai wangovapa mukana wekutaura zvavanoda", Mai Munyoro vakadaro vakamutarisa kumeso.
Rumbidzai akanyarara achiziva kuti munhu ari kutaurwa nezvake ndiKeresi.
"Handisi pano kuti ndikuudzire kuti rarama sei upenyu hwako kana kuti ndiani waunofanira kuregerera kana kusaregerera. Ndakanzwa nyaya yeupenyu hwako kakawanda, handikupi mhosva nenzira yauri kutora", Mai Munyoro vakadaro.
"Saka sei muri pano?" Rumbidzai akabvunzira mudenga nekushamisika zvikuru.
"Havachina nguva yakareba kuti mweya wavo utize, ndapota chingovanzwa Rumbidzai", vakadaro Mai Munyoro vachinzvenga mubvunzo waRumbidzai.
"Vaivepi makore ose aya?" Rumbidzai akabvunza.
"Vaive kunze uko vachikanganisa asi iyezvino vave pano", vakaedza kupindura pachikuru Mai Munyoro.
"Pano? Nekuti vave kufa?" Akabvunza Rumbidzai asina hanya.
"Hongu, asi zvichiri nebasa rei?"
"Chavanoda kuyanana naMwari wavo chete, kwete ini kana baba vangu vaBanda", Rumbidzai akadaro akanongedza kudenga.
"Ndiani akuudza kuti havana kuita izvozvo? Amai vako vasara nemasvondo mashoma vari vapenyu uye vari kuchema nemarwadzo. Tsvaga nguva yekuvashanyira", Mai Munyoro vakadaro ndokubva vati dhugu kubuda, ndokuenda.
Rumbidzai akenda kuimba yekubikira ndokudzima chitofu, aiziva kuti pitsa yaaibika inogona kunge yatsva asi panguva iyoyo haana kuita basa nazvo. Aizvitongesa kuti oenda kunoona Keresi here kana kwete.
Rumbidzai akapfeka shangu akasvetukira mumotokari yake asina kufunga. Akazosvika kuchipatara kwapera awa nekuda kwekuti mumugwagwa mainetsa kufamba nemotokari dzakawandisa. Dai pasina Mai Munyoro vakamuona, angadai akadzokera kumba.
Akafamba akarumana nemotokari yaMai Munyoro kusvikira vati pfacha pachipatara.
Vakaenda kukamuri inoitirwa minyengetero, kwaive nevanhu vashoma. Mai Munyoro vakatungamira Rumbidzai kuenda kumberi ndokusvikopfugama.
"Ngatinamatei mwanagu", Mai Munyoro vakazevezera kunaRumbidzai. Rumbidzai aisavavimba naMai Mumbapanguva iyi asi Rumbidzai aingotevedzera zvavaiita.
Mai Munyoro vakaita muchinjikwa vachizvinonge-nongedza pahuma, mapendekete nepachipfuva, Rumbidzai akaona kuti Mai Munyoro vanenge Mukatorike. Rumbidzai akakotamisa huso ndokutsinzina achimirira kuti vatange kunamata.
"Mwari wenyasha nerudo, tinozvininipisa pamberi penyu masikati ano nezita raJesu Kristu, tichibvuma kuti zvinoitika muupenyu hwedu hatina simba nazvo uye pasina imi hatisi chinhu. Ishe tauya kwamuri kuti mutisimbise uye tikunde hondo dziri mberi kwedu. Mambo wangu, ndinouya pachigaro chenyu chinoyera nekuziva kuti pano ndipo pachikomo panosimudzirwa munhu, paaritari ndipo pamunosimudza. Ishe dzikai zvino. Mwari tinoziva kuti pasi nderekuzvitundumadza asi aritari ndeyekuzvipira, tibatsirei tizvipire muupenyu hwedu. Mwari, tinobvuma kuti mwanakomana wenyu Jesu Kristu ndiye nzira yechokwadi. Jehovha, kuda kwenyu ngakuitwe. Amen!"
Vapedza kunamata, Mai Munyoro vakati kuna Rumbidzai vachisimuka. Rumbidzai haana kunzwisisa kuti chii chiri kuitika asi aitevera nekuita zvose zvaaudzwa namai Munyoro.
Pavakasvika kukamuri yevarwere echidzimai, Mai Munyoro vakamira pamusuwo ndokutura befu vasati vavhura gonhi kuti bherengende. Rumbidzai akapinda mumashure mavo akatambirwa nemweya wemishonga mukamuri maiva naKeresi.
'Ko, munonetsereiko chitunha?' Kazwi kadiki kabvunza Rumbidzai.
Mai Munyoro vakaswedera pedyo nemubhedha ndokubata chinhu chaiita kunge ruoko.
"Pane munhu wandakuvigira", Mai Munyoro vakadaro zvinonyoro-nyoro.
Keresi akatarisa Rumbidzai ndokumuti auye pedyo neruoko. Rumbidzai akaita sekudaro. Zvaakaona zvaiisirira zvekuti zvaichemedza kunyangwe munhu anonzi akasimba moyo.
Pakati pemubhedha paive nekamukadzi karere zvekuti ukasatarisisa kungati hapana munhu. Bvunzi mumusoro raive rakaunduka rose kusara zvinenge zvisasa chete. Ganda rakacheneruka kunge mukuyu wehove wakawanzwa munyu, tsinga dzakati tare tare kumeso nemaoko dzakaita mihomba. Musoro waKeresi waive wakaiswa chubhu yaienda kumuchina waive kumadziro. Imwe chibhu yaibva pakagubhu kaive kakaturikwa mudenga kachiuya pamusoro peruoko. Kozotiwo dzimwe chubhu dzaioneka ipapo dzaive neropa.
"Une maziso ababa vako?" Keresi akadaro achigomera uye akataura asingasimudzi tsaya.
Rumbidzai akatadza kumisa misodzi yake. Keresi airatidza kuti ainyemwerera mukati memarwadzo uye maziso aive akawira mugomba akachena kuti mbu-u kunge tsanga dzechando. Zvaiita sekuti hupenyu hwakasvetwa kubva mumuviri waKeresi.
Rumbidzai akapfugama padivi romubhedha ndokubata ruoko rwaKeresi, rwaipisa. Chiriporipotyo, Rumbidzai akasisimuka muviri, akatenda kuti pane chavabatanidza.
"Ndagadzirira kuenda kunoona Musikavanhu", Keresi akadaro akatarisa Rumbidzai.
"Musadaro", Rumbidzai akadaro izwi rake richiita seanochema.
"Ndakakukanganisira zvakanyanya mwanangu, zvikuru sei baba vako. Ndakapiwa murango wangu pasi pano nekutadza kwangu. Ndashingirira kusvika nhasi uno kuti ndikuudze kuti ndine urombo nekukusiya kwandikaita makore makumi maviri nemashanu apfuura", Keresi akadaro misodzi ichisunda zvishoma nezvishoma mumaziso ake.
Rumbidzai akatarisa Keresi neziso rekushamisika zvikuru, akatadza kutenda zvaaiona nekunzwa.
"Ndiri kuziva zvaunofunga Rumbidzai, kuti kunyangwe ndiri pamebhedha werufu kudai ndichiri munhu akaipa". Keresi akataura zvaive mupfungwa maRumbidzai chaizvo.
"Ndakararama upenyu hwangu ndichidemba chandikakusiira, asi pandikatanga kukuona mwedzi wapfuura, ndakabva ndaona chinhu chakanakisa chandikaitawo muupenyu hwangu. Ndaive nemoyo wakagomara pandikakuita, kutsamwa zvose nekusagadzikana; dai ndakaenda newe zvose izvo ungadai wakazvitapura", Keresei akataura achiita kachikosoro kekamutsvai.
YOU ARE READING
Masvingo
General FictionRumbidzai is a young ambitious and principled girl. He fell in love with Ngoni, a hardworking 28 year old guy and very rich than most of his age. Later, Rumbidzai falls in love with Makina who happens to be Ngoni's twin brother. Meanwhile, Ngoni now...