Kunyangwe Rumbidzai akamboita usiku yaaitadza kurara asi chemusi uyu chaive chakanyanya nekuti aisaziva zvekutarisira. Zvese zvaakaudzwa zvakawira pachigutsa, chaaida chete kuenda kuHarare oona baba vake. Hapana chaaikwanisa kuita kana pari nechaitika kuna baba vake uye aisaziva kuti achararama here kana paitika chimwe chinhu kwavari.
Makina akaona zvakakodzera kuti agare naye muimba yekutandarira. Mai Munyoro vainge vamuti aende kunozorora asi akabva akavhara meso ake ndokupfunya chisero pasofa, aisada kunzwa rimwe shoko kubva kwavari kana mumwe munhu.
Akatsinzina kudaro aitaura oga, 'baba vangu murume ane moyo munyoro zvikuru pavarume vose vandinoziva pasi pano, baba vanonzi baba kwavo vanodiwa nemwana wese. Vakaitira mhuri yedu zvakawanda'.
"Ndingashandisawo nharembozha yako here?" Rumbidzai akakumbira Makina uyo aive akakochekera zvigunwe zvake nezvaRumbidzai.
"Chokwadi", Makina akapindura achimutambidza.
Rumbidzai aive asingazivi kuti nharembozha yadonhera muduhwino here asi aida kufona. Nguva dzainge dzava 4:00AM, asi aive nechivimbo chokuti amai vake vachadavira.
"Amai", akadaro amai vake vadavira nhare.
"Rumbidzai", amai Banda vakapindura vachishamisika.
"Hovoi mhamha".
"Inhamba yaaniko iyi?" Amai Banda vakabvunza.
"Izvozvo hazvina basa amai. Baba varisei?"
"Tanga tisingadi kuti uzvizive sekudaro, ndinzwisise tanga tichiita zvinhu zvakakunakira iwe", Mai Banda vakaedza chose kujekesa.
"Amai, iyi haisi nguva yezvese izvo, ndiudzei kuti baba varisei, chete", Rumbidzai akavangarara.
"Vachiri pakoma, vanachiremba vati vachavavheneka nemichina kana kuti vachavabvisa pa-life support", Amai Banda vakadaro.
Rumbidzai akaramba anyerere akabata nharembozha zvakasimba panzeve.
"Naamai vako vanga varipano", Amai Banda vakataura vachitura befu.
"Ndimi chete amai vandinoziva", Rumbidzai akadaro achibva adambura runhare.
Kuvirima kwehasha kwaive munaRumbidzai kwaikunda ngoma kurira, kana simba rekuchema aive asisina. Rumbidzai aifunga kuti, 'Chokwadi mhuri yangu yakandivanzira hurwere hwababa vangu kwemakore anopfuura maviri uye mukadzi akandibara aita chivindi chekubudikira nhasi mushure mekundirasa zvakadaro".
"Uri kuda kutaura nezvavo here?" Makina akabvunza. Rumbidzai akangomutarisa akanyarara. Rumbidzai akaona kuti kusapindura kwake kwaitaura zviri nani.
* * *
Makore makumi maviri nemashanu apfuura, Keresi akatiza murume iye oga waaida, akamusiira karusvava kane zuva rumwe chete kazvarwa, kanove Rumbidzai Banda. Keresi akachiva hupenyu hwapamusoro kupfuura imba yake achiti ndizvo zvinomufadza.
Keresi aiva nzenza yemakoko. Pauros Banda akazviona asi nekuda kwekuti aida mudzimai wake, akaramba akashinga. Pauros aida Keresi zvakanyanya zvekuti zvaitoshamisa kuti sei murume akadzikama kudaro aida mukadzi akaita saKeresi.
Keresi akahurira vaBanda kasingaverengeki uye Keresi aive asina hanya nazvo. Paakabata pamuviri pavaBanda, Keresi aida kupabvisa asi akazongonzwa tsitsi kuti akanganisira murume uyu kakawanda zvikuru saka regai ndingomupawo chimwe chete chaanoti ichi ndechangu, mwana. Saka mushure mekusununguka mwana uyu, mangwana acho Keresi akatiza akafuratira zvachose.
Hupenyu hwaive hwakaoma asi Keresi akapika kuti achava neupenyu hunodakadza kupfuura hwaaive nahwo. Aisada zvekuva pasi pemumwe munhu uye aive asingadi zvekutanga apfugamira munhu kuti awane chikafu chekudya. Zvechokwadi, akasevenza paanokwanisa akabudirira muzvishuvo zvake.
Kwapera makore mashomane, Keresi akabiwa moyo nemurume waakagutsikana naye kuti ndiye akamunakira, zita rake ainze Zari.
Vanasorojena vakareva vakati, 'natsa kwawabva, kwaunoenda irima'. Keresi naZari vakaroorana asi kwapera makore mana, akatanga kumuitira sezvaaitirawo Pauros. Banda. Zari akatanga kuchinjanisa madzimai pamberi paKeresi, aisambozvivanza.
Imba yaKeresi yakava mhiribidi kukamhina kweane munzwa mugumbo. Akatadza kubata pamuviri panguva yose yaakagara naZari. Zuva nezuva, Keresi aidiro uriri hwake nemisodzi achidemba nekutuka zuva raakatiza mwana waakazvara. Haana kufunga kutsvaga Pauros Banda kana Rumbidzai mwana wake.
Chiremba vaKeresi vakamubata gomarara repasikarudzi, hazvaida vamwe vanamazvikokota kuti vamuudze chakonzera nekuti aiziva kuti akariwana sei.
Keresi akakanda mapepa kumatare edzimhosva kuti varambane naZari zviri pamutemo. Mazuva mazana matatu, makumi matanhatu nemashanu ekupedzisira akamugozhera kwazvo. Keresi aiedza kuzviregerera pakukanganisa kwake.
Hazvina kumunetsa kuti awane mwana wake Rumbidzai, aive nyanduri saka dande mutande redandaro rakamubatsira kuwana zvose pamusoro paRumbidzai; zvakaita sekwaari kugara, zvaari kuita nezvimwewo. Nekuzongobvunzawo zvishoma kune vanomuziva, Keresi akabva awana kunaRumbidzai.
Keresi paakanoti vhu-u kusvika paruvanze rwavaBanda, akatambirwa nemujaya ari kumakore gumi nemashanu, akamuchingamidza kudhanduro kwaakagamuchirwa naMai Banda.
"Ndinonzi Keresi, ndiri shamwari yavaBanda yekare", Keresi akazvizivisa.
"Zvakanai, ini ndinonzi Mai Banda".
Mai Banda vaive vakasununguka zvikuru zvekuti Keresi akashaya kuti nyaya yake oitumbura nepapi. Zvisineiwo, vaBanda vasvika vari nevamwe varume vaviri.
VaBanda vakaita nguva vakatarisa Keresi. Mumaziso avo Keresi akaona kamutariso kaaisiwona kare kana achinge adzoka kunge mwanakomana anopambadza. Chaive chiso chiri kunzwa tsitsi asi musi uyu chaive chisina hanya uye paive pasina tarisiro yekuti pane chichagadzirisika.
"Une maminitsi mashanu chete ekutaura zvauri kuda", vaBanda vakadaro.
"Ndinoda kuona mwanasikana wangu", Keresi akapindura.
Munhu wese akatendeuka kutarisa kunaKeresi vachishamisika nekuziva kuti ndiani. Paive pasisina kumira zvakanaka asi panga pasisinawo zve kudzokera shure.
"Hauna mwanasikana mumba muni", vaBanda vakadaro.
Keresi, achidedera serutsanga rwemurwizi akaburitsa mapepa ekuchipatara akaratidza vaBanda achida kuti anzwirwe tsiye nyoro.
"Ndinofunga kuti tose tiri kufa manje manje".
Ndiwo akava mashoko avaBanda ekupedzisira vasati vadonha vachifenda.
Keresi akarohwa nehana. Akatarisa Mai Banda ndokuti nechemumoyo, 'Mai Banda mudzimai akanaka moyo akasununguka, haafaniri kusangana nematakanana andamuunzira mumba make aya. Asi ka, Rumbidzai anofanira kundiziva ndisati ndaenda kwamupfiganebwe'.
* * *
Keresi aive ari muimba yekunamatira pachipatara achinamatira kuti dai Mwari vamutsa Pauros Banda nekuti vanachiremba vari kuti akaramba ari pa-coma kudai, vanogona kumubvisa pa-life support nekuti hapana chiri kuchinja paari.
YOU ARE READING
Masvingo
General FictionRumbidzai is a young ambitious and principled girl. He fell in love with Ngoni, a hardworking 28 year old guy and very rich than most of his age. Later, Rumbidzai falls in love with Makina who happens to be Ngoni's twin brother. Meanwhile, Ngoni now...