CHITSAUKO 18

1 0 0
                                    

Ngoni akakanda ziso kuna Serina uyo aifamba achizvida, zvichida nekuti akwanisa kuparadza hupenyu hwake sekutamba. Ngoni akati dhu-u kufunga, 'dai ndakakwanisa kuzvibata, zvose izvi dai zvisina kuitika'.

Akafara pamubhedha achifunga zvaakaita kumashure zvekudhumanisa Rumbidzai uye kumuhurira. 'Zvechokwadi ndanga ndichida kugadzirisa zvinhu asi ndaizvigona sei ini ndave kuchiva Tanaka? Hameno, pamwe ndiri kuda kuvarwisanisa', Ngoni aipishanisa pfungwa.

Yeukai akashevedzera Ngoni kudya kwananheru. Ngoni akazvinzwa kuti izwi raYeukai handiro chairo, pane zvaitika chete. Ngoni akazvivimbisa kuti musi uyu aisazorwadzisa vabereki vake nenyaya dzisina maturo asi nemusi wepiri, zvinhu zvainge zvave mashandukuminya.

"Ko Rumbidzai aripi?" Baba Munyoro vakabvunza vachitarisa-tarisa mukamuri yose.

"Arikuuya manje manje", Ngoni akapindura asina kumbofunga.

Vanhu vose vakanyarara patafura, hapana akataura chinhu.

"Ndine urombo nekukumisai", Rumbidzai akadaro achinogara pedyo naNgoni.

"Tanga tava kuda kutorega kudya nekuda kwekuti wanga usipo", Baba Munyoro vakadaro.

Baba Munyoro munhu aifara kunyangwe nepamusingafungiri.

Amai Munyoro vakanamata, vose vakazvipakurira mumwe nemumwe chikafu chake pasina aitaura nemumwe.

"Pane chandapotsa kukanada mundiro mangu here?" Baba Munyoro vakabvunza vaona vamwe vachitambidzana twundiro twe-yoghurt.

"Kwete mudiwa wangu, ndinofunga kuti vana vaneta", Mai Munyoro vakapindura vachiedza kuvhara-vhara asi vaiziva zvirikuitika.

"Chokwadi mapotswa nezvizhinji", Yeukai akadaro vanhu vose ndokumutarisa kunze kwaRumbidzai uyo airatidza kusava nebasa nezvataurwa naYeukai.

"Yeukai, usadaro", Makina akadaro achiisa kandiro kake ke-yoghurt pasi.

"Ndisadii nhai Makina? Dambudziko repamba pano nderekuti munonovanza zvinhu zvikuru. Iye zvino ndazoona kuti sei Ngoni akasiya zvemusha uno", Yeukai akadaro achisimuka, ndokuenda.

"Yeukai dzoka pano", Mai Munyoro vakamuudza nezwi riripamusoro.

"Kunge izvozvo zvinoita kuti ndigare", Yeukai akadaro achitenderedza maziso ake.

"Yeukai uya pano!" Baba Munyoro vakamuvhumbura achibva adzoka ipapo ipapo ndokugara pachigaro chake. "Handiti uri kuzviona zvandaitaura kuti wakajaidza mwana uyu kuita kumusvavidza chaiko?" VaMunyoro vakadaro vachinongedza Amai Munyoro.

"Ngatichiregai kusvika ikoko", Mai Munyoro vakadaro.

"Manje ndavakusvika ikoko, mwana uyu ava kusvitsa makore makumi maviri asi anoita semwana ane makore gumi chaiwo. Tarisa mapfekero aanoita ndiripo, kusiya zvidya zvose panze kudai. Kana tsika dzedu dzechivanhu haatimbodzizivi zvachose", Baba Munyoro vakaenderera mberi.

Nemashoko aya, Mai Munyoro vakabvisa zambia ravo ndokutambidza Yeukai, akaritambira.

"Kunyangwe iyezvino akachizvivhara nenguwo, hunhu hwakawora kare", Baba Munyoro vakapopota.

Mumba makaita runyararo kunge kumakuva.

"Chii chakupa kuti uvhiringe kudya kwamanheru ano Yeukai?" VaMunyoro vakabvunza nezwi rakapfava asi Yeukai haana kupindura, akaramba achitamba nekagunwe kake. "Mwana iwe, handidzikorodzi zvandataura".

"Ndinofunga kuti Rumbidzai arikuhurira Ngoni", akapindura akatarisa pasi.

Ngoni akatarisa Rumbidzai uyo aive akavhura ziso asi pasina chaari kuona.

"Wati kudii?" VaMunyoro vakabvunza.

"Ndamuona achitaura naMakina zvisina kunaka kuti munhurume nemumhukadzi vasina kuroorana vakurukure bose", Yeukai akadaro.

"Ndokubva watoti iwe arikuhurira Ngoni naMakina?" VaMunyoro vakabvunza.

Yeukai haana kudavira.

"Ko kana ari Makina arikumhanyisa?"

Yeukai akaramba anyerere. "Handina kumbofunga zvose izvozvo", akapindura nezwi risina kusimba.

"Saka iwe watarira divi rimwe uchibva watobuda nenyaya yako?" Vakamboti nyararei. "E-e ndinodada nezvave Makina naSerina uye handidi kuona munhu kana chinhu chinoda kuvaparadzanisa. Yeukai mwanangu, nerimwe zuva uchazova nezvavainazvo nhasi saka harisi basa rako iwe rekuda kutonga hushamwari hwavo", vaMunyoro vakadaro.

"Asi baba.."

"Hapana ma-asi Yeukai, kumbira ruregerero kunaRumbidzai", vaMunyoro vakadaro vashatirwa.

Vose vakasimudza huso ndokuti jiriri kutarisa Yeukai.

"Ndinokumbirawo ruregerero", Yeukai akadaro achinzwisa tsitsi.

Rumbidzai akangogutsurira musoro, haana kutaura chinhu.

Iwe naTanaka chiendai munorara, ndinoda kumbotaura nevakuru vana ava. Yeukai naTanaka vakasimuka asi Ngoni zvakamubata kuona mabatirwo aitwa Yeukai nababa vake nekuti ainzwisisa kuti Rumbidzai anenge anochiva Makina. Chaaida kuziva kuti chii chaizvo Rumbidzai anga achitaura naMakina.

"Wapotsa warega kudya kwamanheru", vaMunyoro vakadaro vakatarisa Rumbidzai.

"Kwete baba, ndangononoka chete".

"Mwanasikana usandinyepera mumba mangu, ngatidzokorodze; wapotsa warega kudya chikafu chenanheru", vaMunyoro vaive vakararisa Rumbidzai neziso risingabwairi.

"Hongu baba", Rumbidzai akapindura achirega misodzi ichichururuka.

VaMunyoro vakatarisa Ngoni nehasha ndokuti, "chii chawamuita zvekare?"

"Nhai baba, saka zvose zvakaipa ndini here?" Ngoni akabvunza.

"Ndakazviziva kuti pane tsoro iripo chete, ndakazviziva kwose uku kunyepedzera kwawaiita!"

"Hapana zvandikaita ini baba."

"Saka arikuchemei? Zviri pachena kuti pane zvawaita. Wamurwadzisa chete. Ngoni uri muparanzonzo pavana vangi vose, wakatosiyana naMakina nekure", vaMunyora vakapopota.

"Ndapota musataure muchidaro, vana ava vanogona kunge vakasiyana zvavo asi pane chakanaka chiri mavari", amai Munyoro vakarandutsira.

"Iwe mukadzi iwe nyarara, unogara uchinetsera kumupa zvose zvaanoda, kumutendera kuti aende kuHarare. Inyaya ngani dzatanzwa nemaitiro ake? Kangani ndichimirira nyaya dzake kuti asavharirwe mutirongo? Kangani ndichitadza kurara ndichikunyararidza iwe wagodorwa moyo? Kugodorwa moyo nezimwanakomana rako risingatendi kunge muroyi?"  VaMunyoro vakadurura mashoko anopisa.

"Moyo wekubereka baba, kunyangwe mwana akaipa sei ndinongoramba ndichimuda, ndizvo zvinoita kuti ndinzi amai", Mai Munyoro vakataura vachiombera.

"Mwana uyu akapusiswa haikona, dai ndaimuranga achikura zvose izvi zvaisaitika", vaMunyoro vakabva varidza tsamwa.

"Saka baba munofunga kuti Makina ndiye mwana kwaye?" Ngoni akabvunza misodzi ichiti mokoto.

"Handifungi kudaro asi kuti, ndinozviziva. Nekuti zvazviratidza zvega kasingaverengeki", vaMunyoro vakadaro miromo yavo ichidedera nehasha.

"Kana muchifunga kuti mwanakomana wenyu ndiye akanaka kupinda ini, zvakanaka. Munozivei, mwana wenyu ari kuroora nzenza yemakoko, ari kuroora munhu anofunga kuti haasi murume chaiye. Munoda kuziva kuti ndakazviziva sei?" Ngoni akacheuka amai vake vainge vodana zita rake.

"Ngoni nyarara kani", Mai Munyoro vakateterera.

"Ehe, nekuti ndakarara naye Serina. Munozivei? Ndakafadzwa nazvo kunyanya pandikatoziva kuti akapanana nduma naMakina, nekuti ndamukundawo ipapo!" Ngoni akataura akakwidza izwi.

Masvingo Where stories live. Discover now