CHITSAUKO 7

5 2 0
                                    

Tanaka akafungisisa zvose zvanga zvichitaura navaBanda, kunyanya kuvanzirea kweurwere uhwu kuna Rumbidzai. 'Dambudziko nderekuti kana uri munhu wemafirimu hakuna munhu anokunzwisisa paunoda bendekete rekuchemera. Urwere hwababa hwandipedza mafuta. Ndingadai ndava nemadzibaba maviri  asi Mika ndiye murume akandirera uye handikwanisi kumutsiva nemumwe munhu. Zvisinei, vaBanda (Pauros) naMika ndibuda ndibudewo saka ndinofara nerudo rwavo rekundichengeta. Madzibaba angu maviri aya akandiitira zvikuru muupenyu hwangu asi urwere hwababa hwakurisa'.

VaBanda vakaita bundu pauropi. Vanachiremba varikuti hapana chavanokwanisa kuita kuti vavabatsire saka changosara kugadzirira kufa kwavo uye kuti vafadzwe nemazuva avo ekupedzisira panyika vari nemhuri yavo.

Tanaka akasvimha misodzi yainge yave nenguva yakadongorera. Akatyaira motokari ndokuenda kupurazi raBabamuninini vake Gejo riri kuMazowe achifunga kunaka uye runyararo renzvimbo iyi. Akasvika akananga kubindu remaruva.

'Baba vangu vanoda kuchengeta maruva zvikuru kunge nyuchi', akadaro oga.

"Hevo".

Tanaka akanzwa izwi shure kwake. Akacheuka ndokuti, "mhoroi babamunini".

"Hausi kutaridza kufara".

"Ndinofara ini, baba varipi here?" Akapindura Tanaka.

"Vamhanyira kumusangano kuBindura asi vanodzoka zuva radoka", Babamuni Tinos vakadaro.

"Ho-o pakanaka, regai ndiende", Tanaka akadaro achinzvengesa meso kuti asatarisana navo.

"Iwe", Babamunini Tinos vakamudana

"Hevoi babamunini".

"Nganga ndiri kugadzira chikafu chemasikati, uya tidye", Babamunini Tinos vakadaro.

"Kwete, mazuva mazhinji", Tanaka akakurumbidza kupindura.

"Baba vako havangafari kunzwa kuti warega kudya chikafu chaunofarira".

"Lasagne?" Tanaka akabvunza akamisa tsiye.

"Hongu", vakapindura vachimwerera.

Tanaka akatevera Babamuni Tinos mumba yapapurazi. Pamba apa paive nerunyararo rwakanyanya.

Babamuni Tinos vakapinda mukicheni ndokuvigira Tanaka chinwiwa che-lemonade.

"Mazviita", Tanaka akatambira.

"Uchitendeyi hako".

"Nzvimbo yakanyararisa ino", Tanaka akadaro achigara pasofa.

"Ho-o ehe, tavati vamboenda kuvhikendi saka ndini newe chete".

Tanaka akabva akachidzwa nechinwiwa chainwa akakosora.

"Uri mushe here?" Babamuni Tinos vakabvunza.

"Ndiri bhoo ", akataura achida kuvavhundutsa.

"Ndave kutopedza kubika. Saka ndiudze kuti uri kuita sei mazuvano", vakadaro Babamuni Tinos vachigara pasofa rakatarisana neraTanaka.

"Ya-a, zvandapedza chikoro, ndiri kutsvaga-tsvaga basa", akataura akatarisa pasi.

"Unofanira kuudza baba vako kuti vakubatsire, sezvaunoziva kuti vanozivana nevanhu vakawanda kana kuti ndikubatsire", vakadaro Babamuni Tinos vakatisa Tanaka mumaziso.

"Handina kuendera kuchikoro kuti ndirambe ndichida rubatsiro rwababa vangu, ndingadai ndatongogara zvangu kumba", Tanaka akapindura kunge asiri kuda kubatsirwa kuwana basa.

Pakaita runyararo Babamuni Tinos vakaramba vakamutarisa, iye Tanaka akatsikitsira pasi.

"Manga makanditarisa", Tanaka akadaro achinyemwerera.

Masvingo Where stories live. Discover now