"Makwikwi aya anga ari nemakatanwa akaoma, pfungwa nenjere dzakarodza kubva munyika dzose dzeAfrika dzatipa nguva yakaoma kuti watingati ndiye nyanzvi pane vamwe vanyanduri vose", mutungamiri vakadaro vazere nemufaro.
"Panguva ino ndichapa mubairo kunaMai Munyoro nekuve mubatsiri wedu mukuru kuti chiitiko chino chinudirire."
Mai Munyoro vakasimuka vachienda pachikuva. Rumbidzai aibhowekana zvikuru, chaaida chete ndechekuti nguva yemibairo ichipfuura kuti akurumbidze kuenda.
"Tazvinzwira kubva kumutungamiri kuti makwikwi aya anga akaoma sei. Dai zvaibvira tangoita munhu wese nyanzvi opiwa mubayiro", vakadaro mai Munyoro.
Vanhu vose vakaseka vachirova maoko.
"Hesi", Makina akadaro.
Rumbidzai akamutarisa ndokutenderedza maziso.
"Hunzenza ihwohwo kupindurudzira maziso ako kuvarume, hatikuroori isu", Makina akadaro.
"Aiwawo, zviri nani kufira munhanga pane kuroorwa newe", Rumbidzai akapindura.
"Nhamba yechitatu, ndiIkechukwu wekuNigeria nebhuku rake 'Ndakabhunyiwa Nemudzimai'l, mai Munyoro vakashevedzera.
Vanhu vakasimuka vachiombera Ikechukwu achienda kuchikuva kunotambira mubayiro wake. Akapiwa computer ye-Apple, nharembozha inodhura uye akanzi achatsikisirwa bhuku rake rimwe chete mahara.
"Nhamba yepiri ndiNatasha anobva kuEthiopia nebhuku rake 'Kutengesa Nyika Yangu'".
Vanhu vose vakasimuka vachiita mheremhere kufarira musikana ane makore makumi maviri uyo akapiwa computer, nharembozha inodhura, akanzi achatsikisirwawo bhuku rake rimwe chete mahara kusanganisira kunatsurudzwa kwaro nekugadzirirwa mupikicha webhuku rake.
"Nganonyorwa iyi yatibata-bata nenzira dzakawanda. Nyanduri uyu aburitsa pachena kwatiri nepasi rose kuti mafungiro atinoita pamusoro panamainini haasi iwo", Mai Munyoro vakadaro vanhu vose vakanyara kuti zi-i.
Rumbidzai akavhunduka achinzwa mai Munyoro vachidurura mashoko aya. Akaburitsa misodzi inopisa Mai Munyoro vasati vashevedzera zita rake.
"Rumbidzai Banda wekuZimbabwe nebhuku rake 'Kugadzira Gwara'", vakashevedzera pekupedzisira Mai Munyoro.
Vanhu vose vakasimuka vachimuwokera. Misodzi yakawedzera kuchururuka makumbo ake akatanga kudedera kunge tsanga iri murwizi.
"Mwari wangu! Handichina kana simba mumakumbo angu", Tanaka akadaro achifemera pamusoro.
Makina akazvinzwa ndokuti, "ndinokuperekedza kuenda pachikuva, usatye zvako".
Vakaenda kumberi pachikuva Makina naRumbidzai vakabatana maoko vachifamba zvinyoro-nyoro. Rumbidzai aifamba akatsikitsira musoro pasi.
Rumbidzai aitaura nechemumoyo achiti, 'izvi ndakazvishandira nesimba rangu rose kuti nditote mukombe uyu, ndini here nhasi uno ndaita chitopota chana yanduri vose'.
"U-u", Rumbidzai akatangisa kutaura. "Ndingangoda katawuro kekupukutisa misodzi".
Makina panguva iyoyo akabva aburitsa kachira kachena ndokutambidza Rumbidzai.
"Ndinotenda", Rumbidzai akadaro misodzi yopisira mukati achitambira kachira kaya.
"Izvi hazvisi zvangu, ndevzaamai vangu, nganonyorwa iyi inoburitsa zvose. Chandingataura ndechekuti ndinovonga zvose zvavakandiitira. Pamusoro pazvose, ndinovonga Jehovha nekundigadzirira gwara ini nababa vangu", Rumbidzai akaura nezwi raita serinodedera.
YOU ARE READING
Masvingo
General FictionRumbidzai is a young ambitious and principled girl. He fell in love with Ngoni, a hardworking 28 year old guy and very rich than most of his age. Later, Rumbidzai falls in love with Makina who happens to be Ngoni's twin brother. Meanwhile, Ngoni now...