Rumbidzai aitutuma nehasha kunge achaputika. Akafonera Tanaka kuti awane wekutaura naye.
"Mudiwa", akadaro Tanaka adavira nharembozha.
"Nhaiwe Rumbidzai, uri kuziva kuti inguvai here?" Akadaro Tanaka nezwi rinehope.
"Tirikufanira kukurukura izvozvi", akadaro Rumbidzai asina kugadzikana.
"Chimbondipa nguva zvishoma", Tanaka akadaro, runhare richibva rwamboyarara.
Tanaka akazodzoka parunhare kwapera kwanguva ndokuti, "ndeipi".
"Hundururani hwake, anodenha zvekuti. Anozviita munhu anoziva zvose, chokwadi kuita zvivindi zvekundibvunza zvehupenyu hwangu?" Rumbidzai aipopota. "Ndakafunga zvaperera ipapo, akabvva auya zve kukamuri ndokunditi ndine moyo mukukutu", akataura asingafemi.
"Rumbidzai itawo uchifema, bhora pasi", Tanaka akadaro zvinyoro-nyoro achinzwika kuti anyatsomuka.
"Ndingagona kufema chirudzii? Chirudzii kuti murume mukuru anodandaura mumhanzi zvekuvharira hotera yose kunge yake oga? Murume mukuru rudzii asingakwanisi kusiyana neupenyu husiri hwake?" Rumbidzai akadaro zve.
"Rumbidzai!" Tanaka akadanidzira.
"Hevo", Rumbidzai akadavira nezwi rinonzwisisa.
"Ndiani mukomana iyeye?"
"Makina, hameno", Rumbidzai akapindura.
"Ndinyanduriwo here?"
"Handizivi asi inhubu yemunhu", Rumbidzai akapindura achifunga kusvota kwaiita zuva rake.
"Saka ndicho chikonzero sei wasvika 3am dzino wakasvinura?" Tanaka akabvunza.
"Ndatadza kurara, moyo urikufunga zvichabuda musarudzo".
"Usanetseka zvako, wakanyatsotsetsa nganongorwa yako, kunze kwaizvozvo, mhuri yako inokuda uye inokutsigira zvikuru", Tanaka akadaro.
"Ko, varisei babamunini Gejo?" Rumbidzai akabvunza.
"Vanofara chose. Takaenda kunoona guva ramainini Erica nezuro", Tanaka akadaro achinzwika kurwadziwa pamoyo.
"Pakanaka. Saka zvakafamba sei?"
"Ha-a, yakwana nguva yekuti ndichivaregerera, hapana kwandingasvike nechigumbu", akadaro.
"Ko Babamuninini Tinos", Rumbidzai akabvunza.
"Shamwari, murume uya anenge waini", Tanaka akapindura achiseka.
"Unozviziva kuti pakukura ndibaba vako handiti?" Rumbidzai akabvunza.
"Ehe, ndizvo zvandiri kureva. Ufunge vanonzwisisa zvikuru. Vakanaka uye vakagwinya nejimu, ndinofara kuve pedyo navo nguva dzose", Tanaka akataura achikurumbidza.
"Nhaiwe Tanaka, ishamwari yababa vako kani uye vakura", Rumbidzai akashamisika.
"Aizve, ko pane chakaipa here kuyemura chisikwa chakanaka?" Tanaka akabvunza.
"Munin'ina usandishungurudza zvakadaro, ndinovimba hauzoroorwi neharahwa", akadaro Rumbidzai ndokuseka.
"Ndakurira mumoyo Rumbidzai, hapana chakaipa ndikaroorwa naBabamuninini Tinos". Tanaka akadaro vachibva akabvaruka kuseka vose.
"Nditaurire zvemashura emurume uyu, akaita sei?" Rumbidzai aida kunzwisisa.
"Akanaka".
"Aiwa zve, 'akanaka' haisi mhinduro, ndinoda mumhanzi nenhetembo munzeve dzangu", Rumbidzai akadaro.
"Vananyanduri ndipo pamunonetsera, munobvisisa. Zvisinei, Babamunini Tinos murume anoshambidzika, anogara meno ake akati weke kunge mwedzi wejenaguru, nyama dzake amai kani, jaya rekwaani. Ungazvifungira here kuti vakabuda vasina hembe panze, unongonzwa iwe, chipfuva chakakwima zvekuti zvekuti ropa rangu rakamhanya", Tanaka akadaro achifunga zvakaitika.
YOU ARE READING
Masvingo
General FictionRumbidzai is a young ambitious and principled girl. He fell in love with Ngoni, a hardworking 28 year old guy and very rich than most of his age. Later, Rumbidzai falls in love with Makina who happens to be Ngoni's twin brother. Meanwhile, Ngoni now...