Rumbidzai akagaririra Tanaka kuti adzoke kumba manheru kubva kunofamba kwake kwaanoita manheru oga oga. Aive abatwa-batwa pamusaka pekuti Tanaka akaenda nerweseri kwake akavimbisa Ngoni kuti vaizoenda vose kuChiredzi.
"Hesi kani", Tanaka akadaro achidhonza cheya yakatarisana naRumbidzai.
"Hesi", Rumbidzai akapindura asi asingadi.
"Ndadhinhihwa nekufamba kwatinoita manheru uku, hazvisi kana kundibatsira", akadaro Tanaka achitura befu.
"Tanaka, ndiri kuda kutaura newe".
"Ndakateerera."
"Tanaka!" Rumbidzai akataura nezwi riri pamusoro zvekuti kana naiye zvakatomushamisawo.
Tanaka akavhunduka nazvo.
"Iwe wakasimbisa Ngoni kuti ini ndichaenda naye kuChiredzi", akadaro Rumbidzai nezwi rakadzikama.
"Benzi riya, akanditapa", Tanaka akadaro.
"Wakatanga riini kutora divi rake?"
"Handizvo Rumbidzai, ndaive ndisingadi kuti zvinhu zvidaro", Tanaka akapindura.
"Ndiudze, waida kuti zvinhu zvibude sei?" Rumbidzai akabvunza.
"Akandifonera...", Tanaka akatadza kupedza kutaura abatwa muromo naRumbidzai.
"Mira! Sei akafonera iwewe pane kuti afonere ini? Makatanga riini kuwirirana?" Rumbidzai akamudambura asati apedza kutaura.
"Rumbidzai, anozviziva kuti iwe neni tinowirirana, ndiko kusaka akauya nekwandiri", Tanaka akaedza kutsanangura nezwi rakadzika.
"Kuuya nekwauri? Wakamuvenga mukomana uyu uye iye anozviziva. Aizokufonera sei?" Rumbidzai akabvunza akarebesa mutsipa.
"Nhaiwe Rumbidzai, uri kuedza kuti kudini apa?" Tanaka akabvunza achibwaira maziso nekukurumbidza.
"Hapana zvandiri kuedza kureva, asi zvandiri kutaura ndezvekuti iwe hauna kodzero kunyangwe nepadiki pose kundifungira zvandinoda nezvandisingadi. Tingawirirana zvedu ehe-e uye tiri mukoma nemunin'ina, asi ngatiremekedzanei nguva dzose. Pari kunzwikwa here?"
"Hongu, asi..."
"Hapana zvema asi, Tanaka. Nguva inotevera, tsvaka mamwe maitiro", Rumbidzai akadaro achimubata muromo asati kupedza kutaura.
"Ndine urombo", Tanaka akadaro.
"Ndine urombo rinongovewo shoko, unofanira kuzviratidza izvozvo", Rumbidzai akadaro achisimuka pachigaro chake achichisundira kumashure zvine ruzha.
Rumbidzai akapinda muimba yekubikira achinzwa moyo wake kureruka nekuudza munin'ina wake zvanga zvichipisa pamoyo wake. Akagadzira makomichi maviri e-hot chocolate akapa Tanaka imwe yacho.
"Mazviita", Tanaka akatenda nezwi riri pasi
"Saka mhemberero iyi iriko riini?"
"Iriko kupera kwevhiki in asi tinoenda mangwana", Tanaka akapindura.
"Nhai Mwari! Tanaka, asi hauna kundiudza nguva iripo wani?"
"Ndiregererewo Rumbidzai, ndakafunga kuti achakuudza", Tanaka akadaro achiita searikuda kuchema.
"Saka unofunga kuti ane moyo here?"
"Rumbidzai, anokurwadzisa asi anoramba ari munhu".
"Ndizvozvo, chero manyepo aakakuudza", Rumbidzai akadaro ndokuridza mukanwa.
"Pane chandinofanira kuziva here tisati taenda?" Rumbidzai akabvunza.
"Hapana kunze kwekuti unofanira kunyepedzera kuve musikana wake", Tanaka akataura achiita seachanyura mukomichi yaakabata.
"Pakanaka, handisi kuenda", Rumbidzai akadaro achigadzika komichi yake patafura.
Chiriporipotyo nharembozha yaTanaka yakabva yarira. Rumbidzai akatarira akaziva munhu aifona ndokuti kunaTanaka, "ita kuti itaurire pamusoro".
Tanaka akabva aita sekudaro.
"Taura", Rumbidzai akazevezera.
"Heyi", Tanaka akadaro.
"Unenge usiri kufara", Ngoni akabvunza.
"Ndiri. Zviri kudini?" Tanaka akataura nezwi rakachenjera semazuva ose.
"Ndaudza sisi vako kuti ndataura newe", Ngoni akadaro.
"Zvakanaka."
"Tanaka, une chokwadi kuti urikufara here?" Ngoni akabvunza.
"Inzwa ka, Ngoni, waidanana nasisi vangu. Handaifanira kutaura newe, waifanira kumukumbira wega asi yadeuka haichaworerwi", Tanaka akadaro.
"Uri kutaura kunge asina kuzvigamuchira", Ngoni akataura achigomerera.
"Ndinokumbirawo kuti uchitanga kumufonera worega kufona panhare yangu", Tanaka akadaro.
"Inzwa Tanaka, hapana chakaipa chatiri kuita. Chiripo ndechekuti tiri kutaura nechikonzero chasisi vako", Ngoni akadaro.
Rumbidzai akati nde-e kutarisa Tanaka achifunga; 'Ngoni arikutaura zvake chokwadi asi zvisinei ndiri kupokana nekuda kushamwaridzana naTanaka. Tanaka achiri mudiki uye ane dzungu kwazvo saka vanhurume vanenge Ngoni vanomupinza muna taisireva'.
"Asi ndakazvitarisa, ndine hanzvadzi yangu mudiki kwandiri anogona kupindirana nasisi vako chose; kusanzwisisa uye kakuzvikudza kacho, haiwa vanonyatsoita bhandi nebhurgwa chairo", Ngoni akadaro panhare.
"Une hanzvadzi?" Tanaka akashamisika.
"Ehe, hongu. Handifariri zvekutaura pamusoro pemhuri yandinobva kazhinji. Asi vaviri imi muri vezera rimwe chete uye mupatya wangu akaomawo musoro kunge sisi vako", Ngoni akadaro.
Rumbidzai akashevedzera kuti, "une mupatya!?"
Tanaka akabva adambura runhare pakarepo achiti, "dzikama Rumbidzai, hana ngaigare pasi". Tanaka akateterera.
"Ndidzikame? Ndakadanana naye gore rose asi hapana kana musi mumwe chete waakambotaura nezvemukoma wake, mupatya futi pamusoro pazvo. Nhasi uno ndipo paanokufoshonorera zvose izvi pachena", Rumbidzai akadaro misodzi ichichururuka.
Rumbidzai akaungudza ari nemubvunzo mukuru kuti Ngoni aimuda zvechokwadi here. 'Apa ndakandwa kumarara'.
"Rumbidzai, ndateterera kuti dzikamisa hana", Tanaka akadaro.
"Rongedza zvinhu zvako, Tanaka, mangwana tiri kumukira kuChiredzi. Ndinopika, Ngoni achademba nekudenha mangwiro kwaaita", Rumbidzai akadaro ndokubva ati nyengu kukamuri yake yokurara.
* * *
Ngoni akavhunduka nekuona kuresva kwaaita nekuudza Tanaka nezvemhuri yavo paakanzwa izwi raRumbidzai richivhundukira kuti, 'une mupatya?' Hana yaNgoni yakabika manhanga akatanga kuzvitongesa mundangariro dzake; 'asi zve ndanga ndisingadi kutaurira Tanaka nezvemhuri yangu, asi yadeuka haichaworerwi, zvava zvake izvo kunyangwe akatsamwa. Ehe handina kuudza Rumbidzai nezvemhuri yangu nekuti handinzwi mumoyo kuti ndiyo mhuri yangu, ndinozvitora semutorwa. Ndakabva kuChiredzi ndichiuya kuno kuHarare kuti ndifurwe nemhepo zvangu uye ndinozviziva kuti vanhu vanoda Makina kupfuura ini. Handimuvengi Makina asi ndinongidawo kuti vanhu vandionewo semunhu sezvavanomuita chete. Pakukura, aiva mwana kwaye ini ndiri hwai nhema. Huchena hwake nehutema hwangu zvaiburitsa ruvara rwebvumvuru-pfumvuru rwunodakadza kusvika ndazoona kuti hutema kushaikwa kwehuchena sezvinoitika kana kwadoka, chiedza chinenge chadzima. Ndaivepo kana iye asipo chete asi kana iye aripo ndaisava chinhu. Asi chii chandipa kupombonoka kusvika pakutaurira Tanaka zvose izvi? Handidi hangu kufarisa kusvika pakumuchiva, saka pachapera mhemberero iyi, handichatauri naye zvakare'.
YOU ARE READING
Masvingo
Aktuelle LiteraturRumbidzai is a young ambitious and principled girl. He fell in love with Ngoni, a hardworking 28 year old guy and very rich than most of his age. Later, Rumbidzai falls in love with Makina who happens to be Ngoni's twin brother. Meanwhile, Ngoni now...