CHITSAUKO 36

0 0 0
                                    

Serina akapinda mumotokari kunge arikumhanyiswa. Aive akafuta nehasha uye chinhu chaive chasara ndechekuti agamuchire zvaivepo.

"Kurimbidza kurova mota, mhanya".

"Tirikunanga papi apa maiguru?" Mutyairi wetekisi akabvunza.

"Paramount Lodge paChikwanha", Serina akapindura achichururuka dikita.

Havana kuita nguva vainge vatosvika paChikwanha kuChitungwiza. Serina akabva afonera munhu waaida kusangana naye.

"Ndasvika", Serina akataura akatsamwa.

"Huya kukamuri DB07", munhu uya akapindura, aiva munhurume ainzi Chaka uyo aive shamwari yake kwemakore akawanda.

Serina akabhadhara mutyairi wetekisi mari yake.

"Ndinozouya kuzokutorai nguvai maiguru?" Mutyairi wetekisi akabvunza.

"Ndichakufonera", Serina akapindura nezwi raiita kunge pane chamugara pahuro achisiya avhara gonhi kuti bwa-a kunge anoda kuripwanya.

Serina akaenda kumakamuri kunogara vashanyi nevabhuki, aive apajaira sezvo akaita usiku mizhinji kwazvo ipapo nevadiwa vake vaksiya-siyana. Akasvika pakamuri DB07 ndokugogodza.

"Harina kukiyiwa", Chaka akadanidzira Serina ndokubva apinda.

"Ndapota, kiya gonhi. Ndichange ndiri newe kwenguva yakati kuti", Chaka akamuudza maziso ake asina kusimuka pareputopu.

Serina akavhura firiji ndokudira chinwiwa ndokugara akadekara pamubhedha.

"Nhaiwe chii chakaitika?" Chaka akabvunza akatarisa dumbu nehembe dzaaive dzakapfekwa naSerina.

Semunhu aive aswera zuva richimutsamwisa, Serina haana kubatikana nazvo nekuti panguva iyi hapana chaive chichamubhowa sezvo akabhowekana kare.

"Upenyu shamwari", Serina akapindura achimedza chinwiwa chekupedzisira mugirazi.

"Zvinowanika, usatye zvako", Chaka akadaro.

"Kunge ndine hanya naye mwana wacho asina baba uyu", akadaro Serina achisimuka kunotora bhodhoro redoro mufuriji.

Serina ave kuda kuvhura bhodhoro redoro riya, Chaka akavhura ziso ndokuti, "hiwe isa pasi doro iro", nezwi rakakora.

"Nekuda kwei?" Serina akabvunza achidhidhidza pasi negumbo kunge kamwana kanoyema.

"Nekuti ichi ndicho paisipoti kuupenyu hwako hwemaguta uye unofanira kuchengetedza mwana asina baba ari mudumbu uyu", Chaka akadaro achitsvoda dumbu raSerina.

Serina akakangwa mate mukanwa akatarisa Chaka.

"Unonditarisira mugirazi Serina, hatisi tose tinoda kuratidza madhimoni  ari matiri", Chaka akadaro achinyemwerera zvishoma.

Serina akagadzika bhodhoro riya pasi aona chokwadi pamashoko ataurwa naChaka. Akaona zvakakodzera kuti aite zvese zvaanogona kuti asakanganise mwana ari mudumbu make.

"Wakambonzwa here kuti, 'hakuna chinhu chakanaka kupfuura mudzimai ane pamuviri'?" Chaka akabvunza achinyemwerera.

Serina akatenderedza maziso ake kunaChaka. Chaka achibva arova Serina nembama pakarepo akadonhera pamubhedha.

"Chinzwa pfiti iwe, handisi pano kuda kutamba newe mahumbwe. Ndakubvunza mubvunzo, ndinoda mhinduro", Chaka akadaro achigarira Serina akamutarisa kumeso.

"Ndakambozvinzwa... hongu ndakambozvinzwa izvozvo", Serina akataura akabata padama pake paive pamharwa nembama yaChaka.

"Zvakanaka.  Saka wakatadza kuita musikana kwaye ukagara wakavhara makumbo ako, handiti?" Chaka akabvunza.

Masvingo Where stories live. Discover now