Mai Munyoro vakauya vakapukuta Keresi muromo netishu nemagirovhosi. Tishu iri raive netumadon'we tweropa.
"Wazviita shamwari yangu yepamoyo", Keresi akatenda Mai Munyoro zvinyoro-nyoro.
Keresi akaenderera mberi nekutaura naRumbidzai. "Paurosi murume akanaka kwazvo. Akakurera zvakanaka zvinopetwa zviuru nezviuru pane marerero andingadai ndakakuita ini. Mudzimai wake, Mai Banda ndivo chete amai vauri navo".
Achinzwa mashoko aya, Rumbidzai akarwadziwa zvikuru kupfuura zvaaida pose paaimataura iye.
"Ndakakubara, asi ndiri kure kuti ndinzi amai vako", Keresi akataura achinyemwerera.
"Ndine ropa renyu, ndimi amai vangu", Rumbidzai akachema.
"Kwete, handisi amai vako. Kukupa zita, kukubhapatidzisa, hapana musangano wekuchikoro kwako wandikambouyawo, kukuraira uchikura handina. Handina kubvira ndave amai vako Rumbidzai... hakuna amai vanoita izvozvo kumwana wavo", Keresi akadaro achiedza kudzinga nhunzi yamhara pamhino pake asi ruoko rwaitadza kuipumha.
Rumbidzai aive akangopfugama achidemba kuti dai Keresi achingomira kutaura. Panguva iyi, Rumbidzai akadzoserwa ndangariro dzake kumashure-shure paaigara achishuva kuti dai amai vangu varipo, panguva yaaidawo kuve nemunhu waanoti amai. Akachema zvinonzwisa tsitsi ndokunzwa ruoko rwamubata pabendekete rake.
"Nyarara kuchema mwanangu", Keresi akataura achiedza kuzviita munhu akasimba.
"Handidi kukuruzai amai iyezvino nekuti ndave nemi", Rumbidzai akataura achiedza kumbundira Keresi.
"Rumbidzai, hauna kubvira wava neni, hauna". Keresi akamuudza. "Ndakangoshingirira kuti ndikwanise kukuudza kuti dai ndaikwanisa kuita zvinhu neimwe nzira, ndaingokusarudzira vabereki vako ivavo kuti vakurere. Vanhu vane moyo yakanaka."
* * *
Mushure mekutaura kwavo, Mai Munyoro vakafara neupenyu hwaRumbidzai. Vakamuti averenge ndima yemubhaibheri yaanodisisa. Rumbidzai aive asiri munhu wechechi zvakanyanya asi aifarira ndima iri mubhuku raMapisarema 91 nekuti yaimupa kunzwa kuchengetedzwa usiku paaisara oga achiri mudiki.
Rumbidzai akavenga, Mapirsarema 91: 5 - 6 inoti, "[5]Haungatyi chinhu chinovhundusa usiku, Kana museve unofurwa masikati; [6]Kana hosha inofamba murima, Kana kuparadza kunouraya masikati".
Mai Munyoro vakati kunaRumbidzai, "ramba uchidzokorodza kuverenga ndima iyoyo kusvika wave kunzwa ruoko rwaKeresi rwatonhora".
"Tete mukoti, vavigirei rimwe gumbezi nekuti vave kunzwa kutonhora", Rumbidzai akashevedzera achicheuka kuna Mai Munyoro avo vaive vati nyakata chiso chose nemisodzi.
Mai Munyoro vakaramba vakamira panzvimbo imwe.
"Amai Munyoro", Rumbidzai akadzokorodza zve.
"Vaenda", Mai Munyoro vakadaro vachipfikura.
"Muri kurevei kuti vaenda?" Rumbidzai akabvunza avhiringika.
Mushure memaminitsi mashoma, mukoti vakapinda vakavheneka Keresi nemuchina vachimuongorora ndokumhanya kunodana chiremba. Chiremba vakauya pasina nguva, Rumbidzai naMai Munyoro vakanzi vambobuda panze.
Kwapera nguva, chitunha chaKeresi chakakungurutswa pakamubhedha kane mavhiri akavharwa nemucheka muchena makumbo zvose nemusoro.
* * *
Rumbidzai akachema nekurasikirwa naKeresi nekuti ainzwa mumoyo make kuti zvakafanira kuti apiwe umwe mukana wekugadzirisa zvose zvaakanganisa. Akarwadziwa kusvika pakadzika-dzika pemoyo.
Apo kofini raidzikiswa mugomba, Mufundisi vachiti, "takabva kuhuruva, richadzokera kuhuruva", Rumbidzai akabongomora mhere.
"Unofanira kutaurawo shoko rekuperekedza Keresi", Tanaka akaudza Rumbidzai achidzosa ndangariro dzake kwadzanga dzave kure kure.
Rumbidzai aive akamira naMai Munyoro vakamubata kurudyi naMai Banda vakamubata kuruboshwe. Kwaunge kwaiswa Keresi kwakamutira kure, tsoka dzake dzairema, aifamba achiita dzekuzvuva.
Akavhura bepa raive mumaoko ake, raive ranyorovera nedikita nemusodzi.
"Keresi", Rumbidzai akamira kutaura anzwa chigodo kumugara pahuro. "Makore makumi maviri nemashanu apfuura wakandisiya ukaenda nechidimbu chemoyo wangu, ndikakuvenga zvikuru makore aitevera. Ndakava nemibvunzo nemaitiro ako; mibvunzo yakaita sokuti, ndiamai verudzii vanotiza rusvava vasina kufunga kaviri? Pandaisamhuka, ndaida kukuonai kuti ndikuudzei kuti ndiri kufara ndisinemi uye ndatove munhu akasiyana nemi pazviito nemafungiro nekure, kwete kuti ndizvo zvandinoreva aiwa, asi kuti zvaiita kuti ndinzwe zvakanaka." Rumbidzai avretenga mashoko mashoko aya, akambomira,
"Asi mazuva matatu apfuura, zvandisingadi ndakamira pamberi pako ndikaona kuti mari yesimbi ine mativi maviri uye munhu anofanira kumacherechedza zvakakwana mativi aya asati apa mutongo wezvaanofunga. Ndaisaziva zvakawanda nezvako Keresi asi hurukuro yatikaita usati waenda yakandionesa kuti inga waitove mudzimai akanaka wani. Munamato wangu ndewekuti, zorora murugare Keresi". Rumbidzai akadaro achibva apfugama kuti aise maruva aainge apiwa paguva raKeresi.
* * *
Hurongwa hwerufu hwakapera zvakanaka vachibva vaenda kumba kwaKeresi kwaaigara kuEastlea. Vakaenda vari iye Rumbidzai, Tanaka, Amai naBaba Banda, Baba naMai Munyoro nevana vavo, aive murume waKeresi negweta.
"Ndine urombo nekurasikirwa kwamaita, asi Muzvare Keresi vakanditi wiri yavo iverengwe mushure mekunge vachangochengetwa", gweta rake rakadaro. "Pano ndakabata chinyorwa chezvinhu zvake zvaasiya kuti zvinogovewa sei zvinosanganisira zvivakwa, midziyo nezvimwewo zvakawanda-wanda".
"Ruregerero vaGweta, Keresi haana kubvira akashanda uye haana chivakwa kana midziyo", aive murume waKeresi akadaro achivhundukira.
"Keresi aive mudzimai akachenjera", gweta rakapindura zvine chisimba.
Vose vaivepo vakangofungira kuti paive nezvakawanda kuseri kwewanano yavo.
"Hotera iri kuMarimba, ichapiwa muvakidzani, ndinomutenda neusiku yaaiuya kuzogeza maronda angu pose pandainge ndarohwa nemurume wangu. Dzimba mbiri dziri kuSunnigdale 2, dzichapiwa Mbare Children's Home, nherera dziwane pekugara. Purazi rinopiwa Mai Munyoro, ndiyo shamwari yangu yakandikaona yechokwadi. Mari yose yandikachengeta mubhanga inoenda kunaRumbidzai kuti avhure library yake uye imba ino, ndeyake zvakare. Wiri yaperera pano", gweta rakadaro.
Aiva murume waKeresi akaridza mukanwa asati asimuka. "Kwete pfambi chete, Keresi aiva mbavha zvekare", akapopota.
Vose vakamutarisa pasina kana mumwe akati bufu kutaura. Mapepa akasainiwa vachibva vaenda kumba kwavo.
Rumbidzai akasvika kumba kwevabereki vake akazvivharira mukamuri yaashandisa kare achagarapo. Kamuri iyi ndiyo yakanzwa kuchema kwake kwese kubva ari mudiki. Zvino, aida kuti kutura zvose izvozvo.
YOU ARE READING
Masvingo
General FictionRumbidzai is a young ambitious and principled girl. He fell in love with Ngoni, a hardworking 28 year old guy and very rich than most of his age. Later, Rumbidzai falls in love with Makina who happens to be Ngoni's twin brother. Meanwhile, Ngoni now...