Chishanu mangwanani, Rumbidzai akamuka kunze kuchakati tsva-a kusviba. Usiku uhwu haana kunyatsorara nekufunga zvose zvaive zvaitika masvondo mashoma apfuura.
'Ngoni ndaimudisisa zvekuperera paari. Ndainyatsonzwa kuti ndini ndichamupingudza ndotora zita reke remhuri, ndigofamba parupasa rutsvuku takabatana maoko pamuchato pamberi pechita chavanhu, mudzimai achamukudzira dzinza. Asi muupenyu hatiwani zvose zvatinoda. Ndiri kuona sekuti ziso remurume wangu, kwete ziso remukomana wandaifambidzana naye riri pane munin'ina wangu Tanaka. Ndizvozvo, ndiTanaka ka, hapana asingamudi' saka ndinozvigamuchira, pfungwa dzaRumbidzai dzaingopishana arere nemanhede mumachira.
Rumbidzai akagaya zano raangaita; kunyepedzera kuve musikana waNgoni pamberi pemhuri yake asi ozomurasisa asingafungiri.
Aifunga achitaura mupfungwa dzake kuti, 'Asi izvi hazvizonyanya kurwadza ini here? Ndinowanei pakumurwadzisa nekurwadziwa kwangu? Zvinondipei zvekudzosera zvitema zvaakandiitira?'
Rumbidzai akacheuka kutarisa munin'ina wake uyo aive ari kutsi kwehope, aive akatsvinda zvikuru. 'Hazvindishamise kana Ngoni akachiva Tanaka, asi ini ndichazvitora sei nekuziva kuti akwanisa kudzora Ngoni zvandikatadza ini? Vanhu havazonditi ndiri dofo here? Haiwawo, ndakazotanga kutevedzera vanhu riiniko?'
"Mangwanani akanaka tsvarakadenga. Hwanga hurisei husiku hwako? Hwangu hwanga hwakaisvonaka chose nekuva newe parutivi rwangu; pandapepuka ndichiona meso ako machena nechiso chako chinodakadza", akadaro Tanaka achimwerera achiimba rwiyo.
"Mangwanani akanaka", Rumbidzai akapindura achimutsvoda pahuma nechekure.
"Wanga wakamuka usiku hwese", Tanaka akadaro achimwerera zvikuru.
"Ndatadza kurara ini nhasi", Rumbidzai akadaro achishama n'ai. "Wambofungawo here kuti Ngoni anogona kukuda?"
"Kwete", Tanaka akapindura asina kuzengurira.
"Une chokwadi?"
"Rumbidzai unofunganya zvakanyanya, ziva kuti hatisi pachinzvimbo chekuchinja zviri mberi kwedu. Chero chinenge chaitika, hapana zvatinokwanisa kuita", Tanaka akadaro.
"Dzimwe nguva ndinonzwa sendirimwana mudiki."
"Hapana chakaipa pakuve fuza", Tanaka akadaro vose ndokuputika kuseka.
"Chimuka, tine rwendo rwurefu mberi kwedu nhasi", Rumbidzai akadaro achinzwa kurerukirwa.
"Chokwadi iwe ungafunga kuti ndingadanane nemukomana waukambodanana naye here?" Tanaka akabvunza.
"Zviuya zviri zvinongouyawo, tinesimba pamusoro pazvo here?" Rumbidzai akadaro achimushandisira mashoko ake aamboreva.
"Kuti mudiwa wangu haasi zvemberi, ikoko ndiko kusatenda. Vimba neni."
Tanaka akaenda kunogeza uyu Rumbidzai achitsvaira mumba. Mushure memaawa maviri vainge vapedza kugadzirira uye Ngoni ainge atovamirira.
"Svumbunuro dzemota yangu ndapota", Rumbidzai akashevedzera Tanaka uyo ainge avekukiya imba.
"Ngatishandisei motokari yangu", Ngoni akadaro achibvisa magirazi ake matema ezuva.
"Fadza musikana", Rumbidzai akadaro achisunga bvudzi rake.
Ngoni akaputika kuseka.
* * *
Rwendo rwekuenda kuChiredzi rwakavatorera maawa matanhatu nechidimbu nekuda kwemota yaNgoni.
"Dai tauya neyangu mota, apa taifamba maawa mana chete. Zvisinei, tinotenda tasvika", Rumbidzai akadaro achitarisa zvitoro zvemuChiredzi.
"Handidi zvekusosa ngozi ini, ndiregei ndifambe zvakanaka", Ngoni akadaro achinomisa mota pagaraji kuti atutsire peturu.
"Haiwawo, kufamba zvakanaka kudii ipapa iwe wanga uchitugujura mumakomba umu?" Rumbidzai akabvunza.
Ngoni asati ataura chinhu, Tanaka akavhara nekubvunza kuti, "Saka kubva pano kusvika pamusha penyu pakareba zvakadini?"
"Hakusi kumusha Tanaka, papurazi", Ngoni akapindura achiburitsa mazino akachekererwa zvine unyanzvi.
"Kune zvimwe zvishamiso here kwatiri kuenda", Rumbidzai akabvunza achimedza mvura inotonhorera.
"Hongu, amai vangu mudzimai asingamharwi nenhunzi pamuromo", Ngoni akapindura achinongedza Tanaka.
"Aizve, saka sei urikundinongedza?" Tanaka akadaro achipindura maziso.
Rumbidzai akaputika nekuseka akatarisa Tanaka ndokuti, "hupenyu hunonakidza zvekuti. Patichange tava toga, tichawana zvekuseka".
Vakatyaira mota kuenda kupurazi uko kwakavatorera nguva inenge awa rimwe chete kubva mudhorobha reChiredzi. Ngoni aiwoneka chiso kubwinya nenyemwerero.
"Asikana, hona kunaka", Tanaka akadaro bachiburuka mumota.
"Saka wakatoshinga kuuya kuzogara kuHarare une chokwadi?" Rumbidzai akabvunza Ngoni achishamisika nekunaka kwakaita papurazi panaNgoni.
"Ngoni!" Musikana wezera raTanaka akashamatata paakavaona, zita rake ndiYeukai, hanzvadzi yaNgoni.
"Hesi Muzvare", Ngoni akadaro achimbundirana nemusikana uya.
"Ndanga ndakusuwa Changamire wangu", Yeukai akadaro.
"Ndakusuwa zvikuru Muzvare".
Ngoni akaratidza kuve mumwe munhu paaitaura naYeukai, airatidza kuve munhu munyoro.
Ngoni akaeredza misodzi.
"E-e chimbomirai zvekuchema, ndingambundirewo here Muzvare?" Tanaka akadaro vose ndokubva vaseka.
"Hongu, zvakanaka izvozvo", Ngoni akadaro.
"Hesi, ndinonzi Tanaka", akataura ahitambanudza ruoko.
"Yeukai", musikana uya akadaro.
"Une zita rakanaka".
"Rako riri nani pane rangu", Yeukai akadaro achisekerera.
"Ruregerero, ndisati ndakanganwa uyu mukoma wangu, Rumbidzai", Tanaka akadaro nemufaro mukuru.
"Wakatsvinda", Yeukai akaudza Rumbidzai.
"Newewo wakatsvinda Muzvare", Rumbidzai akadaro achimwerera.
* * *
"Asi kutaura chokwadi, ini handioni chaurikuvavarira kuti tigare muhotera, pamba pangu pano uye unogamuchirwa nguva dzose", akadaro Makina kuna Serina.
"Mudiwa, zvandiri kureva ndezvekuti handidi kuremedza mhuri yenyu chete", Serina akadaro.
"Kuremedza? Mudzimai iwe, unofanira kunge uchizivana nekubatana nehama dzangu kwete kuremedza", Makina akakatyamara ndokubvunza.
"Makina kani, ndapota", Serina akateterera.
"Tichazotaura nyaya iyi mbaimbai", Makina akadaro aona amai vake vachiuya kwavari.
"Ndafunga kuti uchabuda kunosangana nemunin'ina wako ka", Amai Munyoro vakadaro kunaMakina.
"Ndave kuenda amai".
"Ndave kuda kuenda", Serina akadaro asina kugadzikana.
"Tiri kuenda tose panze kunosangana nemunin'ina wangu. Siyana netwumweya twose twaurinatwo uteu nekuti ichava vhikendi yakareba", Makina akaudza Serina.
Serina akatarisa Makina mumaziso nemeso akati nyakata nemisodzi.
"Munozotaura nguva inotevera, ngatibudeyi tinochingamidza vaenzi vedu", baba Munyoro vakavadambura vari pakati pekukakavadzana.
Vakabuda vose vachienda panze, Makina akamboda kudzokera mumba asi akanyara vabereki vake.
"Rumbidzai!" Mai Munyoro vakafara.
Kwekanguva, vanhu vose vakambonyarara vavhiringika kuti chii chirikumboitika.
Makina akashamisika kuona Rumbidzai ndokuti mumoyo make, 'ko musikana uyu arikutsvageiko pano? Pamusoro pazvo ane nemupatya wangu?'
YOU ARE READING
Masvingo
General FictionRumbidzai is a young ambitious and principled girl. He fell in love with Ngoni, a hardworking 28 year old guy and very rich than most of his age. Later, Rumbidzai falls in love with Makina who happens to be Ngoni's twin brother. Meanwhile, Ngoni now...