Mwedzi waive watokwana kubva Serina afonera Ngoni kuti vauraye Tanaka naRumbidzai. Akagara akadzikama nekuti aida kuti zano rake neurongwa hwake zvibude zvakanaka porega kuita anovafungira.
Serina aigara achitevera Tanaka kubasa, kwese kwanoenda kungava kuzvotoro. Dai vanhu vaimuona vaingoti Serina anofarira Tanaka asi Serina aida kumuswededza pedyo kuitira kuti asapotsa mukana waanowana kuti amupfuudze.
Serina aida kutanga naTanaka kuti anzwewo kurwadza kwaakaita. Rumbidzai ndiye waainge akarongera pakuru, aida kutanga amutambudza. Aida kumukuvadza panyama asati amugodora moyo.
Akafamba kupinda mukamuri yake, Serina, ndokumonera zambia akapfeka zisikipa zihombe. Nguva yose iyi Serina aivanza pamuviri pake kuna baba vake nekuti aitya kuti vangamupa chidzidzo cheupenyu.
Zvekare aive asingafariri kuchinja kwaiita muviri wake; mutsetse mutema waibuda pakati pedumbu rake, n'angahadzi dzaaibuda uye kuzvimba kwetsoka.
Serina aiziva zvaaita paakahurira Makina uyo aizofanira kuve murume wake. Makina aive mukomana akanaka wekuti mukadzi wese anomuurayira. Asi Serina aive asiri mudzimai, aive Serina; nzenza, asinganzwi ndizvo zvaimududzira asi Makina aive asiri mhando iyoyo.
"Sisi Serina muri kuendepi?" Munin'ina wake Sharai akabvuza.
"Ndinoda kunoona shamwari yangu", Serina akapindura asingadi kubvunzwa imwe mibvunzo.
"Mazuvano wachinja, naiwo mazihembe auri kupfeka mazuvano aya. Munhu anotofunga kuti pane zvauri kuvanza chete", Sharai akadaro.
"Ziva basa rako", Serina akapindura achinzwa hasha dzake dzichisimuka.
"Zvisinei, ndinofunga hapana chiripo nekuti baba vanokuramba chokwadi", Sharai akaenderera mberi.
Serina akamboda kumuwatsura nembama akazozviudza kuti acharamba achipfeka izvozvo. Akasimbisa mumoyo make kuti achabata Sharai omupfidzisa kana zvinhu zvanaka.
Akaenda kugedhi akafonera tekisi yake inosimutakura kuti iuye kuzomutora. Pasina mamimitsi akawanda, tekisi yakasvika ikamuperekedza kuEpworth. Serina ndiye aitaridza mafambiro uye migwagwa yepaaida kusvika.
"Nhai maiguru, mudzimai akaita semi anoziva sei nzvimbo dzakadai?" Mutyairi wetekisi akabvunza.
Serina akaseka ndokuti, "kana uri munhu wevanhu, unopedzisira waziva nzvimbo dzose. Harare kanzvimbo kadiki inga wani".
Kukura achiitirwa zvose uye misikanzwa ndiyo yakaita kuti Serina aizive nzvimbo iyi uye anodada nazvo.
Vasvika pavaienda, Serina akafona. "Bhoyidho, ndasvika ndiri pamugwagwa apa".
"Pakanaka, huya kumba", Bhoyidho akapindura.
Serina akaridza rurimi nekuti aisada kupinda mumba.
Bhoyidho aiita basa raanenge apiwa asi mumba make maive nehuchapa kunge mudanga menguruve, sokisi waigona kuriona riri pamusoro pemadomasi.
"Ndimirire pano ndiri kuuya manje manje", Serina akaudza mutyairi wetekisi.
"Maiguru, chenjererai. Munoziva zvamuri nekufamba uku", mutyairi wetekisi akadaro.
"Unorevei nekuti 'zvandiri'?"
"Tose tinozviziba kuti makazvitakura uye ndokusaka makadzoka kumba", mutyairi wetekisi akapindura akadekara.
"Saka uri kunditi ndiri mwana muparadzi here?" Akanyenama Serina.
"Aiwa maiguru".
Serina akarovera gonhi remotokari kumashure kwake ndokufamba achienda kumba kwaBhoyidho. Ari munzira kufamba akazvibvunza, 'vanhu varikuona sei pamuviri pangu ini ndichigara ndakapfeka ndandi dzekubhora nguva yose iyi. Hakusi kuti vabereki vangu varikuzviziva ipapa, vachimirira zvavo kuti ndizovaudza?'"
Akamboisa zvepfungwa dzake padivi ave kusvika pamba paBhoyidho. Mudzimai wake aiyanika hembe pawaya, uye aiva nepamuviri pakura zvikuru.
"Unoda kuti ndikutsvagire mapiritsi ekuronga mhuri here nhai Mai Bhoyidho?" Serina akabvunza zvechisahwira zvakashamisa madzimai echikuru akavakidzana navo.
"Wakadii kushandisa mamwe acho iwewe?" Mudzimai waBhoyidho akapindura.
Serina akanzwa hasha zvekuti dai pasina Bhoyidho aifamba kuuya, aikwatura mukadzi uyu nembama saka Serina akabva adzikama.
"Mweya wetsvina rudzii waunza Mambokadzi Serina kurokesheni?" Bhoyidho akabvunza akabata mwana mumaoko.
"Ruregerero ndapota", Serina akadaro achimusundira kurutivi.
"Ndapota, Bhoyidho uudze muyenzi wako kuti abvise bhutsu asati apinda mumba mangu", mukadzi waBhoyidho akashevedzera.
Bhoyidho akamira pamberi paSerina zvekumuvharira nzira. Bhoyidho akachinjira Serina zvakamukanga mate mukanwa. Hapana musi mumwe Bhoyidho paaivhunduka mukadzi wake asi apa aiteerera mukadzi wake kunge ndumurwa iri kutya amai vayo.
"Uri kutamba handiti?" Serina akabvunza akatarisa kobhura tsvuku yaipenya zvikuru pavheranda.
Bhoyidho haana kupindura, akaramba akamutarisa neziso risina nguva yeje-e.
"Zvakanka", Serina akadaro achibvisa mapatapata ake pavheranda.
Mudzimai waBhoyidho akazhamba, "pasi, bhutsu ngadziende pasi".
Serina ainge ave kubhowekana nazvo ndokubva akavira mapatapata ake pasi pevheranda. Akapinda mumba kunge make. Sekuchinja kwaive kwaita mukadzi waBhoyidho ndiko kuchinja kwainge kwaita mumba umu. Maive makatsvairwa, makakorobhewa, muchinhuwirira uye maive nemidziyo mitsva yakaita semasofa, matafura nezvimwewo. Zvaita sekuti Bhoyidho akatangisa hupenyu hwake.
"Ndikupe chekudya here?" Bhoyidho akabvunza.
"Girazi re-whisky or chimwe chinhu chakada kudaro", Serina akapindura.
"Hausati wachinja, handiti?" Bhoyidho akabvunza.
"Sezvauri kuona", Serina akataura achiridza mukanwa ndokubva atenderedza maziso.
"Zvakanakai, e-e mudzimai wangu akazvitakura saka hatichengeti zvinodhaka mumba", Bhoyidho akamuudza.
"Joki rako Bhoyidho, wakamunhonga mushabhini uyu", Serina akafinyamisa kumeso.
"Kana ukasamira kusaremekedza mudzimai wangu,naMwari ndinokudzinga pamba pangu izvozvi", Bhoyidho akadaro achidedera tsinga dzemuromo.
"Handina kuuya kuzotamba newe Bhoyidho, ndakuvigira izvi". Serina akakanda patafura hemvuropu; mukati mayo yaiva nemifananidzo yaTanaka nezvese zvingada kuzvivikanwa naBhoyidho. Zvekare, maive nemari mazana mashanu emadhora ekuAmerica neimwe mari yekuwedzera kuti amubate chibharo.
Bhoyidho akatarisa zvose zvaiva muhamvuropu akasekerera, ndokubva ati, "uchiri wakaipa moyo, kunyangwe wakazvitakura hauzvitsvagi?
"Handina nguva yekutambisa", Serina akataura achisimuka. "Ndichamirira nhare yako". Akabva abuda kuti aende.
Serina paakanoti burike pamusiwo, akapotsa azviitira apo aona Mai Munyoro vachitamba nemwana waBhoyidho. Vairatidza kufara saambuya nemuzukuru.
"A-a a-a! Hesi kani Serina?" Mai Munyoro vakamumhoresa vakamutarisa.
Panguva iyoyo, Serina akashaya kuti ovamhoresa here kana kuti kwete nekuti akaona seatengeswa. Aizivana naBhoyidho kubva kare asi hapana musi waakamutengesa. Serina akangovasekerera ndokubva afamba kuenda.
"Serina!" Bhoyidho akamudana apo ave kutobuda pachivanze.
Serina akacheuka.
"Waita zvako nemari, mwana wako anga achiida kupfuura isusu asi ndinofunga kuti yakakuwandira", Bhoyidho akadaro kuna Serina uyo aive akapira gotsi achienda.
YOU ARE READING
Masvingo
General FictionRumbidzai is a young ambitious and principled girl. He fell in love with Ngoni, a hardworking 28 year old guy and very rich than most of his age. Later, Rumbidzai falls in love with Makina who happens to be Ngoni's twin brother. Meanwhile, Ngoni now...