CHITSAUKO 19

1 0 0
                                    

Makaita runyararo mumba, hapana akati kuteva izwi. Chainzwika chete kwaive kupfikura kwaMai Munyoro. Ngoni aizviziva kuti baba vake vakamuvenga asi aisafungidzira kuti vangasvika pachidano chakadai.

'Ndichikura taifambidzana asi pamwe kukura kunochinja vanhu, pakutanga ndaiti ropa ririkupesana asi hapana chiri kuchinja', Ngoni azunguza musoro zvishoma achifunga.

Aive asisazivi kuti chii chamurwadza zvakanyanya kukunda chimwe; kuti mukoma wake arara nemusikana wake here kana kuti kuhurira Rumbidzai kwaaita uye nekutadza kuzvivanza.

"Saka iwe unofunga kuti ukadziisirana gudza nemudzimai wemukoma wako, zvinokuita murume chaiye here kupfuura iye?"  VaMunyoro vakabvunza.

Ngoni asati apindura, Makina akamugama, "zvakwana Ngoni, zvandanzwa kwanhasi zvakwana", akadaro achigadzirisa magariro pachigaro chake.

Pfungwa dzaMakina dzaipishana zvikuru, aisaziva pekutangira kuzeya zvose zvaanga anzwa munguva diki diki.

"Saka Serina uri kundihurira?" Makina akabvunza akatarisa kwaive naSerina.

"Mudiwa inzwa..", Serina akatanga kutaura akabva ashaya pekutangira.

"Ndinofunga kuti mubvunzo wangu hauna kunaka, asi wakazviitirei nhai Serina?" Makina akaenderera mberi.

"Ndaiva benzi chairo, zvakangoitika kamwe chete. Ndinopika kuti hazvizoitika zve", Serina akadaro achiita searikuda kuchema.

"Hauna kupindura mubvunzo wangu", Makina akazunguza musoro.

"Makina ndinokudisisa, chokwadi ndinokuda", Serina akadaro.

"Asi?" Makina akabvunza akatarisira izwi iri.

"Wakaoma, haudiwo kufara. Nguva dzose unogara wakakwindimara", Serina akataura akasimudza huso.

Makina akaseka. "Tava nenguva yakareba sei tiri tose nhai Serina?"

"Makore maviri."

"Pamakore maviri ose aya, kangani ndichimanikidzira kuzvizvipira kusiya zvandinoda kuti ndikufadze?" Makumbe akabvunza.

"Ndipo pane dambudziko ipapo, handidi kuti 'umanikidzire'. Ndinoda kuti uve munhu asina kuoma, zvinhu zvingoitika pasina kumanikidzira", Serina akadaro.

"Mwanasikana; unozviziva kuti takasangana ndakadaro, zvandinoda unozviziva uye ndakuudza kuti handiite chinhu chinokurwadzisa kana uchigara uri munhu akavimbika kwandiri. Zvakaoma here izvozvo?"

"Ndine urombo", Serina akadaro achisvimha misodzi.

"Ndizvo zvaunotaura chete, 'ndine urombo? Chokwadi kwapera makore maviri wongoti, ndine urombo?"

Misodzi yaichururuka mumaziso aSerina, misodzimate. Makina akarwadziwa moyo, aida Serina kusvika pekupedzisira uye aive azvipa musenzekete wekubatanidza Serina nemhuri yake. Serina akatsonda moyo waMakina uye akawedzera kudira jecha paukama hwaMakina naNgoni avo vakadara vasinganyatsowirirani.

"Hazvichaitiki zve", Serina akadaro.

"Ndinozviziva", Makina akapindura, vanhu vose vakamutarisa. "Mhete iyi, chengeta zvako", akadaro Makina achibvisa mhete yenduma pachigunwe chake achiikandira kunaSerina, ndokusimuka kuenda.

"Makina kani, ndapota haungadaro kwandiri, kwatiri", Serina akachema.

"Serina usade kundiita murume wandisiri", Makina akadaro nezwi rakapfava.

"Tine mwana ari munzira", Serina akadaro.

Makina akatarisa neziso rakavhurwa achirangarira kazhinji apo Serina aimuka mangwanani achimumanikidza kuti vapanane nduma, mangwanani achimuka achirwara uye kukwindimara. Makina akabva anyemwerera.

Mai Munyoro vakakwakuka ndokuenda pakagara Serina ndokumumbundira. "Muzukuru wangu wekutanga", vakadaro vachichema.

"Mwanangu, ndine urombo, asi unozviziva kuti handidi mwana anotangira muchato", vaMunyoro vakadaro vakatarisa Makina neziso dzvuku.

"Ndinozviziva baba, asi ndine urombo kukuzivisai kuti handisi ini".

"Aiwa ka, urikurevei?" Mai Munyoro vakabvunza.

"Ndakafambidzana naSerina kwemakore maviri asi handina kubvira ndarara naye. Asi wakanganwa here mudiwa?" Akadaro akatarisa Serina kumeso.

Makina akafamba kuti abude, paakasvika pamusiwo akatendeuka akavatarisa ndokuti, "ndinovimba kuti haasi mwana wemupatya wangu".



* * *

Serina akaungudza achiti, 'ndainyangira yaona, ndanyorasika papi chaizvo? Ndanga ndakaronga kuti ndicharara naMakina musi watinochata ndobva ndamupa nhumbu iyi, kazobvawo nekupi kabenzi aka kanonzi Yeukai kabharangidza zvinhu zvese manje. Zvakona n'anga murapwa achida'.

Makina achienda, Mai Munyoro vakaregedza Serina. Serina akabva aona kuti hapana zvekuita.

"Ndinenge ndiri mumba umu regai ndimborara, wazvionaka kuti mwana wako atozora madhaka zve?" VaMunyoro vakadaro vachizunguza musoro vachibuda.

"Mwana wedu tose vaMunyoro", Mai Munyoro vakapindura.

Vakasara vari Serina, Ngoni, Rumbidzai naNgoni.

* * *

'Mudzimai wese anoda kuona zvakanaka pavana vake zvekuti akavatarisa anoti, apa ndakagona kurera. Anoda kukwanisa kuvaratidza kunyika yose, kuti zvibereko zvebvunde rangu izvi. Asi ramangwana, zvisinei nekuti unovabata zvakanaka sei vana vacho havanei nekuti vanhu vanovati kudii nekukurasisa kwavanozokuita nekuti ndimai chete vanoziva mufaro wekubata mwana wavo mumaoko kekutanga. Kusunda uchigomera nemarwadzo kuti karusvava kave neupenyu...', Mai Munyoro vaifunganya apo vachinyakatirsa nguwo dzaSerina nemisodzi.

'Ndagara ndichimuda zvangu Ngoni, kwete nekuti murume wangu anomuona seasiri munhu asi nekuda kwekuti pane zvandikaona zvakanaka paari semwana. Akandirarisa kakawanda Ngoni zvekuti moyo waisadzoka zvekare asi zvakadaro ndaingomugamuchira pamba pano. Nhasi uno, ondinyadzisa nekundirwadza kechizana'.

"Ndakakutadzira chii chaizvo?" Mai Munyoro vakabvunza Ngoni misodzi ichiyerera.

"Amai ndakamboedza", Ngoni akapindura.

"Hauna kuedza chinhu apa mwanangu, musikana anoda kuroorwa nemukoma wako here chokwadi?"

"Amai ndangotaura mashoko iwayo kurwadzisa Makina naBaba chete", Ngoni akapindura.

"Kurwadzisa mhuri zvekudaro here?" Mai Munyoro vakabvunza vakamudzvokora kunge vachamumedza. "Saka chirwadzisawo ini ka! Kufunga kwako sei ndichitora divi rako ndichikutsigira zvisinei nekuti wakarwadza moyo kuukuya-kuya kuita mafufu?"

Ngoni haana kudavira.

Mai Munyoro vakaenderera mberi vachiti, "Zvakanakai, nekuti ndinokuda mwanangu uye ndaivimba kuti rudo rwangu rwuchawedzera ndobva ndakuita mwana ari nani. Asi unozivei? Ndaizvinyepera."

"Amai muri kuti kudii?" Ngoni akabvunza.

"Ndageza maoko, ndave kusiya zvose mumaoko ako Ngoni. Gadzirisa zvose zvawaparadza wega. Ndapedza." Mai Munyoro vakadaro ndokubva vaenda.

Masvingo Where stories live. Discover now