Mwedzi yaitevera yaifadza zvikuru kunaMakina naRumbidzai, gadziriro dzesvitsa yavo dzainge dzave padano repamusoro. Rumbidzai, kwete sedzimwe mwenga, aibatsira pakugadzirira chiitiko ichi nepakawanda. Tanaka ndiye aive musikana aitungamira kuperekedza muchato. Hutano hwavaBanda hwainge huri nani kwenguva yakareba.
Rumbidzai haana kunge akagadzirira uye kuronga zvekuchata asi kusangana kwaakaita naMakina kwakamupa kuchinja maonero aanoita upenyu; akaona upenyu hwakafanana neparadhiso, rudo chiri chitendero uye mufaro huri ihwo ugaro zvekuti aisada kuti hupenyu hugume.
***
Rumbidzai aive akatarisa nharembozha yake apo paaifunga nezvaChaka uyo waainge asingadiviri nhare dzake. 'Ini zvangu handidi zvematakanana akadai... asi chii chaizvo naChaka? Anoda kudanana neni sei iye achiziva kuti ndinoda kuroorana naMakina? Dai Satani andiendera kure veduwee...'
Paainge ari pakati pekufunganya nezvekumanikidzwa kuita zverudo kwake naChaka mumugwagwa waSeke unobatanidza Harare neChitungwiza, Serina akabva afona pakarepo:
"Hevo Serina", Rumbidzai akapindura achinetseka mumoyo kuti Serina anodei kwaari.
Serina akabva ati, "hesi mudikani Rumbidzai, shamwari yangu yepamoyo".
"Serina, Serina! Kwakanaka kunditi shamwari yepamoyo?" Rumbidzai akanyenama.
Serina akaseka, ndokubvaati, "shh nyayara nditaure, ndini ndafona. Ko mazviita vanaMhandara Maria, nezuro makatambisa motokari yaChaka rhumba padivi pemugwagwa inga wani? Haunyare here Rumbidzai kuita chihure chakadaro? Zvisinei, ngazvipere. Iwe neni ngatibatane kana uchida kuti ndisakufumure kunaMakina uye kumhuri yekwaMunyoro kuti uri pfambi unorara nevarume pamugwagwa panopfuura neHarare yose."
"Ndapota Serina, wakazvizi_va sei? Aiwa usadaro Serina, ndapota", Rumbidzai akachema parunhare.
"Wave shamwari yangu here kana kuti kwete?" Serina akabvunza zvisina kuseka.
"Hongu Shamwari yangu", Rumbidzai akapindurira pamusoro.
Serina akabva adambura runhare setswa yomukurira. 'Zvaita, muvengi wangu mumwe chete ava shamwari yangu. Uyu ndapedza naye, rega ndione zvinotevera.' Serina akataura oga apo achiseka.
* * *
Rumbidzai akasvimha misodzi achiti, 'saka Chaka akaenda neni kunaSerina nezuro kuti andifumure nhai? Nhai Mwari, munozviziva kuti ndakanzi ndisarudze upenyu nekupa Chaka bonde. Ndoigoita sei? Chokwadi kundibhinya humhandara hwangu hwandachengeta nesimba rose rose, apa ndagurwa kunorira.'
Akapukuta misodzi ndokupinda mumba yemukati maive nemukomana wake Makina ndikusvikogara pasofa raivemo. Haana kutaura chinhu kune mudiwa wake pfungwa dzakadzamirwa.
"Seiko kunyarara kudai?" Makina akabvunza Rumbidzai achimutsvoda pahuma.
"Ndanga ndichifunga", Rumbidzai akapindura achiruma zvigunwe.
"Mudiwa wangu usadaro, unoziva zvinondisisimutsa muviri izvozvo zvekuruma nzara", Makina akadaro achimuregedza.
Rumbidzai akasimuka akanogara pamakumbo aMakina.
"Wepamoyo", Makina akadaro.
"Shi-i", akadaro Rumbidzai achiisa munwe wake pamuromo paMakina.
Rumbidzai akatsvoda nzeve dzaMakina zvinyoro-nyoro, akadzinanzva achiita madenderedzwa. Akadzika zasi meshaya dzake, achimunyerekedza netwumatsvodi. Nekufemerwa mweya unopisa naRumbidzai, Makina akagwinha ndokubva amusimudza akamuisa pasi. Makina akabva atsvoda Rumbidzai zvenhafu.
"Mudiwa, ngatisiye zvatiri kuita", Makina akadaro achivhunduka achivhara mabhatani ehembe yake aive avhurwa naRumbidzai.
"Ini ndizvo zvandiri kuda", Rumbidzai akapindura.
Makina akaona nemaziso aRumbidzai kuti akazvipira, zvaisava muurongwa asi aimuda semadiro aanomuitawo.
Makina akatora nguva yake achibvisa Rumbidzai hembe dzake pamwe nedzemukati, kuona kwaakaita ganda rake kwakamupa kuda nguva yakawada vachitamba kudaro.
Makina akabvisa miromo yake kubva pane yaRumbidzai ndokuiti dzva-a nechepahuro, Rumbidzai akashinyira. Makina akanakidzwa nekumushungurudza. Zvinyoro-nyoro, Makina akabvisa miromo yake pahuro akadzika achinanzva mugwagwa wepachuchu ndokuzomirira aisa nyatso imwe chete mukanwa, ruoko rwerudyi rwuchitamba neimwe yacho. Ipapo Rumbidzai akabva anyudza nzara dzake paganda remusana waMakina. Makina akanzwa kufara nekuziva kuti anokwanisa kuti Rumbidzai akanganwe kunyangwe nezita rake panguva yakadai.
Rumbidzai akateterera kuti Makina achimurega asi hazvina akanzwa nekuti Makina ndizvo zvaaida kuita kwaari. Nguva iyo akadzika zasi, ndokuvhura makumbo ake akamubata-bata nzeve asati aisa muromo wake. Makina akanzwa Rumbidzai achidedera makumbo uye kupera simba. Akasimudza Rumbidzai, asina kutaura chinhu Makina akabvisa jinhi Rumbidzai akamubata muchiuno.
"Yowee kani", Rumbidzai akachemerera akavhara kumeso nemaoko ziya rachiti nyakata. Aifunga kuti ko chii chamubata kuita chinhu ichi sezvo vaive vakaronga kuti sadza nemuriwo zvichapakurwa kana svitsa tsvene yaitwa.
"Hakuna", Makina akapindura.
Makina akagara pamubhedha akamonera tauro muchiuono, akatarisa Rumbidzai ndokuti, "ndiregerewo nezvandaita".
"Haisi mhosva yako", Rumbidzai akazevezera achibvisa maoko aive akavhara kumeso kwake.
"Ndaisaziva".
"Zvakanakai, ndaida kuti zvizoitika usiku uhwo tapedza kupemberera svitsa tsvene yedu", Rumbidzai akadaro.
"Ndinofunga kuti tafarisa", Makina akataura nehuso hwaioneka kudemba kwazvo.
"Kwete, ndinokuda uye uchange wave murume wangu wesvitsa. Ndinotemba nesu", Rumbidzai akadaro achimonera Makina muchiuno nemaoko ake.
"Ndapota, ngatichipfekai", Makina akadaro.
"Ko tikasimudzira patasiira zvakaipei?" Rumbidzai akabvunza achimonera Makina nemakumbo.
"Une chokwadi?"
Rumbidzai akagutsurira musoro maziso akavhurika. Makina aishaya kuti oita sei nekuti aive asina kuronga kuzviita asi akatadza kukunda muyedzo.
"Ndinokuda Makina nezvese zvangu".
Makina akamudhonzera pedyo naye. "Zvinorwadza zvishoma", akazevezera Rumbidzai achitsinzinira.
"Ndinokuda", Rumbidzai akazevezera apo marwadzo apera gotsi raoma kuti papata.
Makina akafara zvikuru nekuti paakaona ropa akazvirova chipfuva kuti asiya chindori pamuviri waRumbidzai chisingadzimiki kusvika atsamira churu. Haana kuziva kuti aive akabhunyiwa naChaka kuti Rumbidzai aite semusikana anonyepa kuti arambwe naMakina sezvaidiwa naSerina. Asi, zvakakona n'anga murapwa achida.
"Ndinokuda chibayamoyo changu", Rumbidzai akazevezera apo muviri waMakina uchidikira pamusoro pewake.
"Ndinokudisisa", Makina akadaro munzeve yaRumbidzai
YOU ARE READING
Masvingo
General FictionRumbidzai is a young ambitious and principled girl. He fell in love with Ngoni, a hardworking 28 year old guy and very rich than most of his age. Later, Rumbidzai falls in love with Makina who happens to be Ngoni's twin brother. Meanwhile, Ngoni now...