CHITSAUKO 34

1 0 0
                                    

Wainge watova mwedzi Makina abudirana pachena naRumbidzai. Rumbidzai aifara zvikuru kuve nemukomana mutsva, akaziva kuti nguva yekutsvaga yapfuura.

Rumbidzai aifunga agere, 'Chii chakakosha pakati pekudanana nemurume akakunakira nekudana nemukoma nemunin'ina? Tose tiri vana kudai, zvakaringana uye hapana anopinda pakati pedu.'

Rumbidzai aigadzirira pikiniki yaive yakarongwa naTanaka. Tanaka aive awana basa pakambani yemakweta saka aida kushandisa mari yake pahushamwari hwechokwadi hwaanoziva. Kunyangwe Rumbidzai akambotsika-tsika kakawanda asingadi kuenda kupikiniki zvakadhaya basa nekuti Tanaka munhu aisatora 'kwete' semhunduro.

"Zvakanaka here izvi?" Rumbidzai akabvunza achinongedza njombo dzake dzechando.

"Asikana, ndiri kuenda newe kuhotera yepamusoro, usandinyadzise nemanjombo ako anenge aPinokio aya", Tanaka akabva abvaruka nekuseka.

Rumbidzai akadzokera mumba akatarisa sherufu yake yeshangu kuti atore dziri nani. Kwapera nguva achizvitongesa, akazonhonga twushangu twakareba, jinhi nhema nekajakiti keruvara rwedenga zvaakatengerwa nemukomana wake.

"Hauone manje, izvi zvakanaka akoma", Tanaka akasekerera achiona sisi vake vabaya mucheno.

"O-o, ndakanganwa nharembozha yangu", Rumbidzai akadaro achimhanyira kudzokera mumba.

"Aiwa, haina basa nharembozha. Usiku hwevanhukadzi", Tanaka akadanidzira.

"Aizve, ko Makina wangu akafona?"

"Ha-a iwe, anozopiwa tsananguro zvapfuura", Tanaka akadaro.

Izvi hazvina kuitira Rumbidzai zvakanaka asi aive asingadi kurasisa munin'ina wake. Tanaka ainge ave nemwedzi aronga nezvekudya uku, manje kwasvika saka hapana chaifanira kukanganisika pikiniki iyi.

Vakaenda nemotokari itsva yaTanaka yaaive atengerwa nababa vake sechipo chekupasa kwaakaita pazvidzidzo zvake zvepayunivhesiti.

Tanka akasvika akamisa motokari kumaAvenues panzvimbo yaive nechiedza chemwenje yemagetsi yaibaka mavara akasiyana-siyana. Motokari dzaive dzakamira ipapo dzaive hombe dzinodhura. Maruva aive panze achingoti n'ai n'ai kunge ane magetsi.

"Tanaka, unoikwanisa here mari yeapa?" Rumbidzai akabvunza achityira kure.

"Kwete handiikwanisi, vanotiti titsvaire, kukorobha nekusuka mandiro avo kana tapedza", Tanaka akapindura achiseka.

"Ruregerero".

"Ngatipindei akoma", Tanaka akadaro achirova ruoko rwaRumbidzai kambama.

Vakabuda mumotokari ndokutsvikidza vanasikana vachipinda kunge vane zviuno zvenyoka. Vanamahobho vepamusiwo vakati vanoda kuona zvitupa, Tanaka akavaratidza. Zvose izvi zvakashamisa Rumbidzai, aive asati amboenda kunzvimbo yakadaro. Kunyangwe zvazvo munin'ina wake aitambira mari yakanaka asi aisavimba kuti mari yepo anoikwanisa.

Nzvimbo iyi yaive yakanakisa mukati, maive nemakamuri mana. Rimwe divi raiva bhawa, rimwe kasino, kumwe kwaiva kwechikafu nekwechina kwaive kwaive kwekutandarira kana kuitira misangano kwaive kwakarongedzwa masofa emhandi yepamusoro-soro.

Musikana wechikaradhi aive akapfeka kunge hweta akauya akavaratidza tafura yavo yekugara kwaive nechekunze kwekupedzisa zvekuti vainyatsoona mativi ose ekamuri uye duhwino raionekawo panze nepafafitera.

Rumbidzai apiringishana pfungwa akatarisa nzvimbo iyi achiona kuti panobuda nganonyorwa huru sei nekungotarisa nzvimbo inoyevedza kudai Tanaka yaazvipira kuti achabhadhara mari dzose ari oga.

"Hesi", Ngoni akadaro achitsvoda miromo yaTanaka zvishoma.

"Ndanga ndisina kukuona", Tanaka akaudza Ngoni.

"Wepamoyo", Makina akadaro achikanganisa Rumbidzai kufunga.

Rumbidzai akatarisa Makina nenyemwerero inosvika kumaziso. Makina akaenda paiva naRumbidzai, ndokumira kumashure kwake akamubhendesa mutsipa ndokumutsvoda pamuromo zvekanzara-nzara.

"Bhukai kamuri!" Ngoni naTanaka vakadanidzira pamwe vachiseka vakatarisa Makina naRumbidzai vachitsvodana.

Rumbidzai akanyemwerera achinyara-nyara. "Ndakusuwa baba mwana", akadaro akatarisa Makina mumboni.

"Kana neni, ndakusuwa zvakanyanya chidokohori changu".

Makina akagara akatarisana naRumbidzai akamubata maoko. Rumbidzai haana kunzwisisa kuti Tanaka anga akaronga zvose izvi asina kumuudza, asi akafara nekuti mukomana wake aivepo.

Vapedza kunwa, Makina akasimuka akaenda naRumbidzai panze pedyo neduhwino vakakochekerana maoko. Makina akati kunaRumbidzai vagare vakaisa makumbo mumvura.

"A-a mudiwa, haisi kutonhora here mvura iyi?" Rumbidzai akabvunza achizeza kuisa makumbo ake mumvura yeduhwino.

"Iri kudziya", Makina akapindura achimwerera.

Makina akamubatsira kubvisa shangu akapeta jinhi raRumbidzai, ndokumusimudza achimugadzika pasi makumbo aRumbidzai achipinda muduhwino zvinoyoro-nyoro.

"Handiti unozviziva kuti ndinokuda?" Makina akamubvunza achimutsvoda kuseri kweruoko.

"Ndiudze iwewe".

"Ndinoda hunhu hwako, ndinoda nyanduri ari mauri, ndinoda kamudiro kaunoita mhuri yako chekutanga pazvinhu zvose. Pamusoro pezvose, ndinoda kuti mukati medehwe iri mune mudzimai wandinoda kuchembera naye", akambomira achimwerera Makina. "Iva madzimai wangu", akadaro achiburitsa mhete muhomwe make.

Hakuna musi kana waakambofungudzira kana kurota, Rumbidzai, kuti wanano ingauya kwaari nenzira iyi. Asi apa, mukomana waakapa moyo wake, waanovimba naye uye achimufadza, akagwadama mberi kwake nechiratidzo chekuti anoda kumuroora. Zvaisashamisira asi kuti Makina aireva nemoyo wake wose izwi roga roga raibuda pamuromo wake.

"Sei ini?" Rumbidzai akabvunza akamisa huso nemutsipa kuti twi-i kunge furiramudenga.

"Handisati ndambovimba nemunhukadzi pane zvandaita pauri, ndinoda kutambura uye kufara newe, ndinoda kutsiga kwaukaita, ndinodazve kundipengesa kwaunondiita", Makina akapfugama.

"Ndinoda kuti uve murume wangu", Rumbidzai akataura achichema achiisa ruoko rwake kuti Makina amupfekedze mhete pamunwe wake.

* * *

VaMunyoro vakaverenga mapepa avainge vapiwa nemuferefeti wavo asingazivikanwi. 'Hongu ndinokanganisawo semunhu muupenyu asi handinzwisisi kuti sei Makina adanana nemusikana aimbodanana nemupatya wake achisiya musikana waanga afambidzana kwemakore', vakazvinetsa mupfungwa vachingozunguza musoro kunge mombe yatorerwa mhuru yayo.

Vakatarisa zve mapepa aya, moyo wavo ukagwejenuka. 'Ndakundikana sababa, vana vangu vandirasisa uye ndaizviziva kuti ndini honzeri. Ndaigozviita sei kuti ndisingagumbure mudzimai wangu?' Vakabva vakanda mafaera emapepa pasi.

Mai Munyoro vakapinda mukamuri maiva navaMunyoro ndokuvatarisa kwemaminitsi vasati vaenda kunogara pamubhedha paiva navaMunyoro.

"Haisi mhosva yako kuti vana vaita zvavaita izvi, kana neniwo ndakokomzeresa kuti vadaro", Mai Munyoro vakaura zvinyoro-nyoro.

"Ndini ndakakonzera", vaMunyoro vakadaro.

"Mazviziva sei?"

"Ndazviziva", vaMunyoro vakadaro vachitambidza mudzimai wavo mapepa.

Mai Munyoro vakaverenga mapepa aya ndokumadzosera muhamvuropu vachitura befu.

"Wakazviziva riini?" VaMunyoro vakabvunza.

"Kare", Mai Munyoro vakapindura.

"Ukarega kutaura?"

"Ndaiziva kuti nekufamba kwenguva muchazviziva, ndaingovimba kuti muchaziva nguva iripo", Mai Munyoro vakapindura vakabatanidza maoko kunge varikuda kuombera.

"Ko Serina?"

"Arikuronga kurwadzisa Tanaka asi izvo hazvisi kuzoitika", vakapindura nekukurumbidza Mai Munyoro.

"Zvakanaka. Ngaaenderere neurongwa hwake, isu tinofanira kuona kuti hapana chinoitka kwaari", vaMunyoro vakadaro.

Mai Munyoro vakangogutsurira musoro ndokubva vabuda. VaMunyoro vaizviburitsa pachena kuti vaida Makina kupinda Ngoni asi Makina azovanyadzisa, akaratidza kuti akatosiyana nezvavaifunga.

Masvingo Where stories live. Discover now