CHITSAUKO 3

3 0 0
                                    

Mushure mekunge gonhi raroverwa pamberi pake, Rumbidzai akanzwa Makina achitowedzera ruzha rewairesi yake kuda kupfinhura. Makina aive asingadi kuenda kuSouth Africa asi akamanikidzwa naamai vake uye aiona muvakidzani wake Rumbidzai semunhu anonetsa.

Kwapera awa imwe chete, Makina akafonera Serina sezvo ainge asina kumboita hanya yekumutsvaka.

"Hesi mwanasikana", Makina akadaro panharembozha.

"Makina!" Akashamisika Serina.

"Hevo".

"Ko inhamba dzekupi idzi", Serina akabvunza.

"Ndiri kuSouth Africa naamai vangu", akapindura Makina.

"Chokwadi kuzondiudza manje?" Serina akabvunza atsamwa.

"Dai wanga wandifonera ndingadai ndakuudza asi zvino iwe haufoni kana kutaura neni", Makina akataura achiseka.

"Ha-a Makina? Ndiri munhukadzi ka ini, asi wakanganwa?"

"Ruregerero, ndanga ndichitamba zvangu", Makina akadaro.

Vakakurukura kwechinguva vasati vadambura runhare rwavo. Makina haana kunyatsofara paaitaura naSerina nekuti aive asinganakidzi kutaura naye, aive nekaukwindi.

Makina akaenda kunogeza sezvo musangano wavo wekutanga wainge wave pedyo kutanga. 'Amai vangu vachandiripa chete nekundiwunza kuno, ndajaira kugara ndiri kupurazi ndichitamba netsvina kwete zvemunin'ina wangu Ngoni anoda kugara mumagetsi nguva dzose. Apa ndave nevhiki rose ndisati ndataura naye, zvakaoma', aitaura ega Makina.

Pakukura kwavakaita, Makina aiwirirana nehanzvadzi yake Yeukai zvekuti dhu-u. Vabereki vake vakabereka Yeukai mushure memakore masere vaberekwa ivo mapatya aya, Makina naNgoni vakaona semusenzekete wavo kuitira Yeukai zvose zvaanoda.

Makina aingofunga zvemupatya wake, 'pataikura, Ngoni aisada zvekugara nekubatana nevamwe. Asi ndakamboedza kutaura naye, iye aibva atowedzera kuzviisa kure. Mugariro wazvo kuti mapatya haasiyani, asi zvedu zvakatosiyana, zvisinei ndinongotambawo irikurira. Ngoni haasi kuziva kuti ndiri kuda kuchata naSerina uye Serina haazivi kuti ndine mupatya. Ndicharatidza mhuri yangu Serina svondo rinouya pamhemberero yewanano yababa naamai yemakore makumi mana nemasere', Makina akazopengenuka aona kuti pfungwa dzaive dzaenda kure nguva ichifamba. Akapfeka mbatya nekuchimbidza ndokuenda paiitirwa musangano.

Makina akatarisa mativi ose asi hapana chaakaona chaivaraidza, chaakaona vanhu vabva kune dzimwe nyika vaitoradza kuvhiringika zvavo.

Meso aMakina akabatwa nemusikana aive ambogogodza pagonhi rake nezuro usiku achichema-chema neruzha rwewairesi yake. Musikana uyu aive murefu, munaku, mhino yakati twi-i uye ane chiuono chego nedumbu rakasvega. Airatidza kusava nebasa nezvakawanda. Aive akapoda zvishoma nemavara erudzi rwemashizha pamuromo wake asi Makina haana kunyatsomufarira.

Makina akaenda akanogara kumashure-shure kuti asagara pedo naamai vake kana kutarisana navo nekuti aisada kuti amai vake vamuratidze kuvanhu vazhinji.

"Rumbidzai Banda arikumirira Zimbabwe", mutungamiri wechirongwa akashevedzera ari mberi.

Rumbidzai akabva atora mapepa ake ndokusimuka  kuti aende kumberi, nharembozha yake ichibva yadonha. "Pfutseki", akadaro zvikashamisa munhu wose.

"Pamusoroi?" Mutungamiri vakabvunza.

Rumbidzai akasimudza musoro ndokuona meso emunhu wose akati jiriri kumutarisa. Akakurumbidza kunhonga zvipitsi zvenharembozha yake ndokunogara mberi.

'Vamwe vanhu ka...', Makina akadaro nechemumoyo achizunguza musoro zvishoma.

Rumbidzai akabairira flash disk pamushina wemabhaisikopo pachibva pabuda mufananidzo wemudzimai akazvitakura ane mwana nemurume mumaoko ake nemavara anoti, "Kugadzira Gwara naRopafadzo".

Makina akararisisa mufananidzo uya achifarira zvakarehwa nevabereki vake asi Serina aive amuratidza rumwe rutivi rwerudo.

"Muzvare Banda, sei nyaya yaita gwara?" Mutungamiri vakabvunza.

Rumbidzai akavhura muromo kuti ataure asi hapana chakabuda. Vamwe vanhu vaivemo vakatanga kumutuka nekumunyomba.

Rumbidzai akamira mberi ipapo, pfungwa dzaipishana kuti akarasika papi mumakwikwi egore rakapfuura, 'apa ndipo pandinoda kuti mhuri yangu ivepo ichindimbisa kuti pasi rose rinofanira kundiona'.

"Muzvare Banda takamirira".

Rumbidzai akavhunduka kunzwa izwi raanoziva richimudana, vaive Mai Munyoro, mudzimai akamumbundira vakamupa mukana wekuchema mushure mekunge atadza kubudirira pamakwikwi evanyori egore rakapfuura. Vakamuudza kuti 'andisati ndaona chipo nehuyanzvi kunge hwake', akashaya zvekupindura nemashoko aya.

"Ndiregerereiwo", akadaro Rumbidzai.

Panguva iyi, Rumbidzai aive asinganzwi mheremhere yaiitwa nevanhu. Munhu wose aiva akamutarisa.

"Nyaya yakaita gwara; kubva pamufananidzo, vazhinji vanoita pfungwa dzakawanda. Musoro wenyaya uyu ndakauburitsa kubva mumakuriro andikaita", akadaro Rumbidzai ndokubva anyemwerera.

"Ndakarerwa naamainini, munin'ina waamai vangu avo vakazorera zve mwana anaamai vakashaya pakumubara. Mweya wavo ngauwane zororo nekusingaperi", Rumbidzai akaenderera mberi. Akabva arangarira huso hwakanaka hwamainini vake Notiria.

"Pamusoroi, nyaya iyi inonzi naRopafadzo?" Mutungamiri vakadaro.

"Ndizvozvo, Ropafadzo ndiro zita randinoshandisa pazvinyorwa zvangu", akapindura Rumbidzai.

"Zvakanakai, enderera hako mberi".

"Urwu rwungano rwemukadzi akachengeta mwana wemumwe mukadzi, rungano rwemudzimai akazvipira kubatsira mwana kuti abudirire muupenyu hwake. 'Kugadzira Gwara' ibhuku rekutenda amai vangu vachipiri vakave amai vangu mushure mekunge amai vangu nyakutumbura vashaya. Inyaya yekutenda kuchengeterwa munin'ina wangu uye kubatwa kwakafanana nemwana wavo chaiye. Amai vangu vakaratidza kuti havasi vanaamainini vose vakashata. Nhasi ndikanzi ndisarudze amai, ndinosarudza ivava zvekare", akadaro Rumbidzai asati atora chigaro chake.

Masvingo Where stories live. Discover now