CJITSAUKO 38

0 0 0
                                    

Vose vakaramba vachitsvaga Rumbidzai, painge patokwana maawa matatu vekwaMunyoro vasvika kumba kwavaBanda. Vakatsanangura zvizere zvavaive vafambira kuti vazoona. Yaive mhiribidi kukamhina kweane munzwa mugumbo, asi paive pasina zvekuita nekuti vaisada kuti Rumbidzai atambure mune ramangwana uye vaisada kuti awanane nemwanakomana wavo, Makina, chikonzero chiri chekuti aurwara nepfungwa.

"Saka muri kureva here kuti Makina aive asingadi Rumbidzai?" Mai Banda vakabvunza misodzi ichiyerera pamatama.

"Ndine urombo, asi ndizvo zviri kuitika", Mai Munyoro vakapindura.

VaBanda vakanzwa ropa kufashaira richipinda nemumusoro, vaikwanisa kuregerera munhu anovakanganisira asi havaiziva zvavachaita kumunhu anokanganisira Rumbidzai.

"Mandidaidza?" Tanaka akadaro achipinda mumba naNgoni achitevera kumashure kwake.

"Urikudei? Siyana mevanasikana vangu!" Mai Banda vakashamatata kunaNgoni.

"Uyu munhu kwaye Ngoni", Mai Munyoro vakadaro vachiratidza kunzwisisa.

"Iyeyu naMakina vose iropa rimwe chete, hapana mutsvene. Vakauya mumba medu tigavagamuchira asi vakakanganisa mwana wedu achiri mudiki kudai. Takavagamuchira!" Vakataura vachichema Mai Banda.

"Chinyararai mai mwana", vaBanda vakadaro vachibhabhadzura Amai Banda kumusana.

"Ndinofunga zvakanaka kuti timirire vamwe munhu wese avepo", vaMunyoro vakadaro. Uku kwaive kutaura kwavo kwekutanga kubva vasvika.

"Wafonera Rumbidzai kuti auye here?" VaBanda vakadaro vakatarisa Tanaka.

Tanaka akasimudza chiso akatarisa kuna baba vake ndokuti, "hongu, ati anosvika mushure memaminitsi makumi maviri".

Tanaka akashamisika nemabatiro aita mai vake Ngoni asi zvaisaita kuti avabvunze panguva iyoyo. Aive akagara pasofa rimwe chete naamai vake achinetseka kuti chii chiri kuitika asi akaremerwa kuti abvunze.

Mumba makaita runyararo runenge rwekumarinda, hapana aiziva zvekutaura kune mumwe.

Vachifunganya, amai vaRumbidzai vaitadza kunzwisisa kuti, 'sei munhu achiita utsinye hwakadaro. Sei umwe munhu achivavarira kurwadzisa mwanasikana wavo? Rumbidzai akakura zvakanaka, akazvichengeta semusikana uye akaedza nepose paanogona kuti agarisane nevanhu zvakanaka munyika murudo. Zvino amupa moyo wake, akataurira nyika yose achidada kuti uyu ndiye wangu mukomana'.

Amai Munyoro ndiye munhu ainyaya kurwadziwa pavanhu vose vaive mumba umu. Vakatakura Makina mudumbu mavo kwemwedzi mipfumbamwe, musi wavakamubata mumaoko vakanziwo amai. Vakamurera akayaruka kusvika apindawo munyika. Vaidada nekukura kwake asi hapana musi wavakamusarudza pane munin'ina wake, zvisinei upenyu irwizi hunotunga nepahwada.

Munhu wese akavhiringidzika kufunga pakasvika Serina; pamuviri pake painge pakura asi aive asiyana nemunhu wavaiziva kare. Aive awonda uye ganda rake rawumbuka, pamuviri pake paiita sekuti pari kumunetesa uye kumutambudza.

"Makadini mose?" Serina akamhoresa vanhu achiombera.

"Tiripo zvedu, wakadiniwo?" Vose vakapindura pamwe chete.

"Tanaka torera Serina chekudya", Amai Banda vakamutuma.

"Kwete, handisi kuda kudya. Mazviita henyu", Serina akapindura.

"Usadaro Serina, unofania kuita simba zve semunhu akazvitakura kudai", Mai Munyoro vakadaro vachisimuka.

"Gonhi rechipiri kurudyi rwenyu", Tanaka akadaro aona kuti Amai Munyoro vaida kuziva kune imba yekubikira.

Masvingo Where stories live. Discover now