Rumbidzai akatarisa mapepa zvishoma nezvishoma achida kunzwisisa zvakanaka, aimuvhiringa. Akamboda kubvuma zvaaiona asi zvakaramba. Panguva iyi kunyangwe misodzi yaisadzosa zvaaive atambisa, icho chinhu chimwe chete chaaive akazvisimbisa kuti achachengeta kusvikira musi wesvitsa tsvene asi akazochigova masikati machena mundiro yesirivha.
Rumbidzai akazvigadzirisa ndokugara achiita seakarara nemusana pasofa.
"Saka waindinyepera?" Rumbidzai akataura akatarisa kunaMakina.
"Uri kutaura nezvei?" Makina akabvunza kunge pasina nyaya.
"Haundidi, ndizvo here?" Rumbidzai akabvunza.
"Ndinokumbirawo kuona mapepa aukabata Rumbidzai", Makina akadaro.
"Une chokwadi? Zvine basa rei? Chandiri kuda kuziva chete ndechekuti ndezvechokwadi here izvi?" Rumbidzai akabvunza.
Makina akatarisa pasi, ndokuzotarisa vabereki vake.
VaMunyoro vakabva vamubvunza zvine simba, "unoti waitei ipapa?"
"Usvipire izvi pasi Makina", Mai Munyoro vakataura vachiita sevari kuda kuchema.
Makina akasimuka akaenda paive naRumbidzai akabvuta hemvuropu yaaive akabata.
"Saka manga muchibata-bata zvinhu zvangu?" Makina akabvunza akatarisa vabereki vake.
"Makina, zvinhu izvi ngazvipere", vaMunyoro vakadaro.
"Hamuna kodzero yekuvhura-vhura zvinhu zvangu", Makina akataura achibata-bata homwe dzake.
Rumbidzai akaburitsa kagaba kemapiritsi e-anxiety ndokuti, "uri kutsvaga mapiritsi ako here?"
"Ndipe kuno", Makina akadaro zvigunwe zvake zvichidedera.
Makina akaita mapiritsi ekubvuta akanwa anenge matanhatu kamwe chete. Mapiritsi aya aive adonha pavakambosasana vari mumotokari vasati vauya kumba kwavaBanda saka Rumbidzai aive aronga kuti anozomudzosera mushure mekuziva kuti aive eyi.
"Chokwadi ndizvo zvamandiita, mose muri vaviri", Makina akabvunza akatarisa vabereki vake.
"Takaita zvose kuti ukure zvakanaka mwana wangu", vaMunyoro vakadaro.
Makina akaseka zvakaratidza vanhu vose humwe hunhu hwake hwavaisaziva.
"Mwanakomana, takakutadzira papi chaizvo?" VaMunyoro vakabvunza.
"Ndanga ndakamirira mubvunzo uyu kweupenyu hwangu hwose", Makina akataura achidhonza chituro chemumba umu, akagara achinanzvira miromo ndokuisa maoko muhomwe. "Ndairwadziwa nekukura ndiri mwana anokuteererai; munoziva here kuti unonzwa sei kurarama nemitemo yenyu? Munoziva here kuti kangani ndichida kuve saNgoni? Munoziva here here kuti ndaishuva sei kusiya hupenyu hwemumba menyu ndorarama saiye?"
"Wati kudini?" Vabereki vake vakakatyamara nezvakanzwa.
"Chokwadi ndaida kuve nhinhi, ndaida kuzviraramira upenyu hwangu pasina imi munonditongera zvose zvandinofanira kuita sezvinoita Ngoni".
"Unorwara chete iwe", Rumbidzai akadaro asiri kubvumirana nemashoko ataurwa naMakina.
"Hongu Rumbidzai ndinorwara uye ndinozvida", Makina akapindura.
Rumbidzai akafungisisa pamusoro pezvose zvaanga averenga pamapepa; waive musumo wachiremba wemakore mashanu apfuura waiti Makina akabatwa chirwere chepfungwa. Chiremba vekutanga havana kunyatsomuongorora zvakakwana ndiko kusaka akadai Makina, pamusoro pazvo anga asina kugamuchira kuti anoda kurapwa.
Zvekare, muhemvuropu manga muri nemifananidzo yevasikana vose vaakarara navo, vazhinji vacho dzaive pfambi dzaainhonga mumumasendiraini nemumabhawa. Makina aiona kuti musikana kana pfambi yose yaarara nayo aipanicha, kana apedza otora chinhu chainodisisa kwairi.
Makina aitenda kuti vabereki vake ndivo honzeri kuti ave zvaari. Nekudaro, aive akapika kuti ndiye achaita kuti vabereki vake vasangane nemadzitateguru avo.
"Muri kuona here baba kuti makaita kuti ndive zvandiri izvi, nemi amai", akambonyara Makina akanongedza Amai Munyoro. "Mukavabvumidza, pane kuti mutienzanise makabva masarura mwana wamunoda pakati pedu".
"Asi vainyanya kuda iwewe inga wani, uri kuchema chii?" Ngoni akabvunza.
"Handina kumbobvira ndada kusarudzwa ini; ndaida kuve mhuka yemusango; ndichiita zvandinoda panguva yandada. Chitarisa uone zvavandiita", Makina akataura akarisa kunaNgoni uku akanongedza hemvuropu neruoko.
"Sei wakasarudza inini?" Rumbidzai akazobvunza mushure mekunyarara kwenguva yakareba.
"Ndakakuvenga kubva musi wanditanga kukuona uye hapana chakazochinja asi wakazoita poni (mwana wetsoro ye-chess) patsoro dzangu. Ziva kuti vanhu vanoshandiswa mazuva ose. Hausi wekutanga uye hausi kuzova wekupedzisira, chaungatoita izvozvi kutova moyo wako wandikabaya. Ngachive chidzidzo kwauri kuti usangode murume zviri nyore kudaro. Zvekudziisa machira angu zvakazongoitikawo asi zvaisava muurongwa hwangu, zvisinei handina basa nazvo. Zvose zvatikaita zvakaipira kuti uchagara upenyu hwese uchindirangarira semurume akakurwadzisa nevanga randikaisa pamuviri wako upenyu hwako hwose." Makina akataura achizunza maoko.
Rumbidzai akashamiswa kunzwa Makina achimuudza mashoko akadaro, asingaratidzi kuva neshungu. Akatadza kana nekuchema kwese.
"Chema kusvika warutsa, wanga uchida kundiita sei? Kuti ndisiyane nemukadzi wangu nenzira iyoyo? Wakafunga kuti ndinomusiya nekuti akarara nemupatya wangu, handiti? Serina ndiye akandipandutsa, aive nemusikanzwa uye ndizvo zvandaida kuti ndizive zvandiri. Iwe hapana zvauri, ungori fuza zvako", Makina akadaro akatarisa Rumbidzai.
"E-e iwe munin'ina wangu, mupatya wangu Ngoni, ndinokuda kusvika pekupedzisira. Ndakaita zvose kuti tibatane, tiumbe ushamwari hwakasimba asi wakazoita sei? Wakandibaya panyama nhete nebanga rinopisa", Makina akataura akatarisa Ngoni.
"Ndaisaziva kuti musikana wako", Ngoni akapindura asingabwairi.
"Wakambovimbikawo here kumusikana wako? Dai wakabimbika, zvose izvi zvingadai zvisina kuitika", Makina akabvunza.
"Usade kuzviita Musande. Saka unofunga kuti nekuita zvose izvi watove mutsvene kunge ngorozi kupfuura munhu wese ari pano?" Serina akabvunza achiyeredza misodzi.
"Uri hure iwe tibvirepo uye haufaniri kurarama, ndakakungonzwira tsitsi nekuda kwekamwana kasina baba kaukatakura mudumbu mako ako. Handidi ropa raDhiyabhurosi mumaoko mangu", Makina aitaura akanongedza nhumbu yaSerina.
"Chero ukanditi hure handifaniri kurarama, une moyo unenge dombo; unoshandisa vanhu, uri mhondi uye unopenga!" Serina akapindura achitaura nemaoko.
"Handipengi ini".
"Ehe unopenga, hunhu hwako hwazviratidza uye vanachiremba vakazvibata kare. Njere dzako dzakarasa kare kare, uri kuzvikuvadza kupfuura makuvadziro aunoita vamwe", Serina akapopota akabata dumbu rake.
"Handipengi ini", Makina akataura achichema.
"Unopenga iwe".
"Kwete".
"Ehe!" Serina akapaumba.
Rumbidzai akatarisa Serina naMakina vachipopotedzana ndokubva asimuka akaenda kukamuri yaairara kare. Ainzwa kuremerwa kunge akatsiga nyika apo makumbo achirema kunge asiri ake. Zvinyoro-nyoro, akavhura gonhi ndokupinda achisiya arirovera shure kwake ndiye pfe-e pakati pemachira akamirira kuti hope dzimubate.
Rumbidzai akazviudza kuti ashandiswa, apedzwa uye hapana chichachinja.
* * *
Kusarudza vana kana kuda mumwe mwana kupfuura vamwe kunouraya vana; anodiwa neasingadiwi wacho vose. Kuve mubereki akarema uye kuyenzanisa vana, zvinovakanganisa. Zvirwere zvenjere zviriko kupfuura zvatinofungidzira, nekuda kwekuti hatizvioni hazvirevi kuti hazviko.
YOU ARE READING
Masvingo
General FictionRumbidzai is a young ambitious and principled girl. He fell in love with Ngoni, a hardworking 28 year old guy and very rich than most of his age. Later, Rumbidzai falls in love with Makina who happens to be Ngoni's twin brother. Meanwhile, Ngoni now...