CHITSAUKO 29

1 0 0
                                    

Mwedzi waive watokwana kubva zvaburitswa vaBanda muchipatara. VaBanda havana kubvira vataura zvakanyanya nezvaidiwa naKeresi kumudzimai wavo. Mai Banda havana kuda kumanikidzirawo kuti vaBanda vataure nezvazvo.

Zuva nezuva, vaBanda vaitora zvinhu sezvazviri nekuti vaiziva kuti mazuva avo ekurarama pasi pezuva ave kuverengeka. Chinhu chaivafadza ndechekuti Rumbidzai ave kuziva nezvehurwere hwavo uye zvishoma nezvishoma aigamuchira kuti hapana chekuzviita.

Rumbidzai, aive aramba kutaura nezvaKeresi. Akati iye anoziva amai vamwe chete uye zvichagara zvakadaro kusvika musi waachaguma kufema. Kwemakore makumi maviri nemashanu, aishuvira kuona mudzimai ane ropa raimhanya nemutsinga dzake asi zvino aive asingachadi kunzwa nezvavo.

Kune rimwe divi, Rumbidzai aive asinganzwisisi zviri kuitika pakati pake naMakina nekuti havana kubuda pachena kunze kwekutaura maawa akawanda kwazvo panharembozha masikati neusiku.

Makina aive adzokera kuChiredzi nababa vake vaMunyoro asi chinhambwe chiri pakati pavo hachina kuvatadzisa kugara vakabatana panhare kana netsambambozha. Nguva nenguva, vaigara vachitaura naRumbidzai panhare angava masikati kana usiku, paisava nemusiyano.

"Hevo", akadaro Rumbidzai umwe musi achidavira runhare manheru.

"Hesi tsvarakadenga", Makina akapindura nezwi hobvu munzeve dzaRumbidzai, akanzwa mumoyo make sekuti nyika yose yakagadzirirwa ivo vari vaviri chete. Aida kunzwa izvi zuva nezuva.

"Urisei?" Rumbidzai akapindura atomerera kare.

"Musikana wandaidanana naye andifonera nhasi", Makina akadaro.

Nechikonzero, Rumbidzai akanzwa hasha dzichisimuka; pamasvondo mashoma ainge apfuura, Rumbidzai akaona kuti Makina ane tsiye nyoro kuvasikana vaakambodanana navo kare uye anovateerera zvikuru. Makina akati kungove munhuwo munyoro chete asi vasikana ava haana moyo navo, asi Rumbidzai akaona zvisina kukodzera kuti adaro nekuti ainzwisisa kuti kana murume ati kwete anoreva kuti kwete, pane hutsi pane moto.

"Aidei? Rumbidzai akabvunza.

"Akati andisuwa uye anoda kudzokerana neni", Makina akapindura.

"Zvikadii?"

"Zvakanakai", Makina akabva amira.

Rumbidzai haana kukwanisa kuzvidzora. "Makina une dambudziko gurusa, unonyaya kuvapa nzvimbo mukati meupenyu hwako. Makarambana nekuda kwechikonzero saka handioni chikonzero chinopa vasikana ava kugara vachikunyorera tsambambozha paFacebook nguva dzose", akapopota. "Munguva inotevera, pakaita anenge akufonera kana kunyora tsambambozha, muudze ataure neni".

Rumbidzai akademba paakaona kuti anyanya kuzvitengesa nekuratidza kurwadziwa kwaaita. Zvaisada hakata kuti dzitsanangure kuti Rumbidzai ainzwira Makina chii.

Akanyemwerera zvake Rumbidzai nekuti umwe moyo wakamusimbisisa kuti hazvirevi kuti Makina aisaziva nhunha dzaRumbidzai asi kuti Makina aonawo chido chinaRumbidzai, chisingaratidzwe nevamwe vanhu, kunyangwe mudiwa wake wekare Serina chaiye.

"Pakanaka, ndakunzwa", ndizvo chete Makina zvaakapindura.

Hurukuro dzakaendera mberi kusvika vose vave kushama n'ai kasingaperi kunge shumba yazvimbirwa. Pava pakati peusiku, vakabvumirara kuti vachizorora kunyangwe moyo yavo yaive ichiri kuda kuramba vachitaura nhau dzisina basa, vachiseka. Ndiko kwaive kwasvika kuwirirana kwavo. Mamwe mazuva vaimbobvunzana kuti zvavanonzwirana ndezvechokwadi here kana kuti vari kuzvinyepera vakazoerekana vamuka umwe musi vasingachataudzani, asi vose vari vaviri hapana aikwanisa kutaura nyaya iyi pachena.

"Handineti kutaura newe", Makina akadaro.

Rumbidzai akaseka ndokuti, "kana neniwo", achiswededza nharembozha pedyo nenzeve.

Pavakadambura nhare, Rumbidzai haana kukwanisa kuviga mufaro wake. Zuva nezuva aiwedzera kufarira Makina, nerimwe divi aimirira nguva kuti izoita minana yayo.

Mai Munyoro vainge vasara kuHarare nekuti Keresi aive orwara uye hapana aimuchengeta. Aive asina hama dzaaiwiririrana kana kutaura nadzo, ukuwo mwanasikana wake Rumbidzai aisada kunzwa nezvake. Saka Keresi aive azvigamuchira kuti achazvifira zvake ari oga nekuti paive pasina rimwe zano rokuuta. Ainge ave kuswera akarara pamubhedha wake muchipatara.

"Nhai ambhuya, shamwari yenyu irikuwedzera kupera simba uye kurwara zuva nezuva, mune chokwadi here kuti Keresi haana hama dzinoda kumubatsira kana kumuona pamazuva ake ekupedzisira?" Chiremba vakabvunza vachisiririsa vaona kuti utano hwaKeresi hurikuyenda kumawere zvekumhanya.

"Chiremba, ndaedza zvose zvandinogona kuti ataure chokwadi asi mashoko angu arikuwira munzeve dzematsi", Mai Munyoro vakataura nezwi rainzwisa tsitsi.

Mai Munyoro vainge vaneta uye kusuwa kumba kwavo nemurume wavo asi moyo wavo wakaramba kusiya shamwari yavo Keresi achitandaza oga. Vaida kuve murunyararo uye murufaro rwemba yavo. Vaida kumuka vachiona maziso emurume wavo chinhu chekutanga mwangwanani asi zviuya zvinoita kuti tisiye mufaro wedu.

"Sezvamdambotaura zviya, gomarara ririkumudya zvakanyanya kupfuura zvataifungidzira. Hapachina nguva yakareba Keresi ari mupenyu uye isu vanachiremba hapana zvatinokwanisa kuita", chiremba vakaendera mberi.

Musodzi wakapoya meso avo, Mai Munyoro vachitaura mundangariro dzavo kuti, "upenyu hauna tsitsi, hauna kumupa mukana wekuti ayanane nemhuri yake".

Keresi aive nehunhu hwechimbwamupengo, zvekuti hakuna munhu ari pedyo naye aikwanisa kumudzora uye shamwari dzake dzaitosvikawo pakukanda mapfumo pasi kunyangwe dzaiva nzenzawo dzisinganzwi saiye.

Mai Munyoro vakatenda chiremba vakavimbisa kuti vachaita zvavanokwanisa kubatsira Keresi. Vakasimuka kuti vaende, pakaita pfungwa yakauya mumusoro mavo.

"Pane chandingakubatsirai nacho here?" Chiremba vakavabvunza.

"Kwete parizvino", Mai Munyoro vakapindura vachimhanyira panze.

Mai Munyoro havana kuzvitenda kuti vanga vari fuza chairo nguva yose iyi, vakatadza kubatanidza zvinhu zviri pamberi pemeso avo. Vakamhanyira kunhandare inonomisirwa motokari nekukura kwavo ikoko. Vasina kuisa bhandi rekachigaro chemumotokari, vakaivhetemesa vachibuda pachipatara vaziva zvokuita.

Masvingo Where stories live. Discover now