CHITSAUKO 25

1 0 0
                                    

Kekutangawo usiku hwose kuti Rumbidzai abiwe nehope, dzainge dzava 6:00 AM mangwanani. Sekureva kwavakaita, vaMunyoro vakange vamuka vagadzirira kutyaira kuenda kuHarare.

"Mangwanani", vaMunyoro vakadaro vasina kutarisa Makina, ziso ravo raive rakati zete panaRumbidzai uyo aive akadzifodora hope murudekaro pachipfuva chaMakina mumba yekutandarira.

"Mangwanani baba".

"Mumutse, tave kufanira kuenda", vaMunyoro vakaita zvekuvhumbura.

"Akwanisa kubatwa nehope izvozvi, ko zvakaipei ndingazomumutsa zvangu mushure meawa imwe chete?" Makina akabvunza nezwi riri pakati pezevezeve nekutaura kuti asamudza Rumbidzai.

"Ndiri baba vako ini, ndinoziva zvakakunakira. Musiye arare asi achazokuvenga kweupenyu hwake hwose", vaMunyoro vakadaro vachienda kuimba yekubikira.

Makina akamutsa Rumbidzai zvinyoro-nyoro.

"Asi ndararisa?" Rumbidzai akabvunza achivhara muromo wake neruoko.

"Mweya wauri kufema wakanaka, usatya zvako. Kwete, hauna kunonoka".

Rumbidzai akatarisa Makina ndokunyemwerera, kekutanga pamazuva maviri. "Rega ndikupure, tinofanira kufamba nguva ichiripo", Rumbidzai akataura achisimuka.

Makina akamubata ruoko, nechikonzero chekuti aida kumuratidza kuti kunyangwe zvoita sei haazomusiye, asi aizvitongesa kuti zvaari kuita zvakanaka here.

"Chii?" Rumbidzai akabvunza Makina akashaya zvekupindura.

"Ndiri kuenda newe kuHarare", Makina akazopindura pava paya. Rumbidzai akanyemwerera ndokubva aenda.

"Um um", vaMunyoro vakadaro.

"Mwari wangu! Baba mandivhundutsa", Makina akadaro achitendeukira kwavari vachidzvuta svutugadzike yavo.

"Mugadzirisane nyaya dzenyu nemupatya wako", vaMunyoro vakadaro.

"Ndiyo nguva yekuzvitaura here iyi?" Makina akabvunza achizamura.

"Maive makabata zvikuru".

"Kukura kwazoitika", akadaro Makina achisimuka.

"Aiwa Makina, ndiwe mukuru. Gadzirisana nemunin'ina wako", vaMunyoro vakadaro.

"Zvinotaurwa nemunhu anoratidza vana vake waanoda kupinda mumwe here izvi?"

"Haufaniri kusaremekedza baba vako mwana iwe", vakadaro Mai Munyoro vachibuda mukamuri yavo yekurara.

Makina akasimudza maoko kuratidza kukanda mapfumo pasi. Baba naMai Munyoro kunyangwe vaive nezwi rimwe chete kunyangwe ivo pachavo vachimbopesana. Ichi ndicho chinhu Makina chaaiziva kuti chinodiwa pakumisa imba.

Makina akanyemwerera akasekerera amai vake ndokubva ati nyengu kupinda mukamuri yake.

"Jeso!" Akatura befu Makina akatarisa hutsvina hwaive mukamuri yekugezera iri mumba make.

"Ndine urombo, kurwara kwandiri kuita", Serina achipukuta muromo wake neruoko rwerokwe rekurarisa.

"Pane chauri kuda here?" Makina akabvunza zvakanaka achivhura mafafitera kuti mweya wemarutsi ubude.

"Girazi remvura chete", Serina akadaro achimhanyira muchimbuzi kunorutsa zvekare.

Makina akamhanya kuimba yekubikira ndokunotora mvura yekunwa yaiti dziyei zvishoma.

"Isa remoni imomo", Mai Munyoro vakadaro.

"Matii?" Makina akabvunza.

"Ehe, remoni rinoita kuti akurumbidze kunzwa zvakanaka".

Masvingo Where stories live. Discover now