Rumbidzai akatora nharembozha yake akanyora kuti, 'Hakuna chinhu chinorwadza kukunda sekurasiswa nevanhu vaunoda, hakuna chinokunda bundu rinorwadza mumoyo sekurasikirwa nemunhu wawaivimba naye uchiti ishamwari'. Izvi aiwanzozviita kana arwadziwa kana kufara, anyora pasi pfungwa yake ochengeta.
"Hesi", Ngoni akadaro achimudhonza nekumashure.
"Izvi zvinofanira kuguna Ngoni", Rumbidzai akadaro asina kumutarisa kumeso.
"Zvichangotanga."
"Hapana chatanga apa", Rumbidzai akapindura akafinyama huso.
"Usandiudze kuti hauna kufarira zvakaitika nezuro usiku", Ngoni akadaro achiedza kuvhara kunyemwerera.
"Hapana chakaitika, uri kuzviziva kuti handina kubvumirana newe".
"Rimwe zuva uchazvida, ndinofunga kuti kana tazoroorana", Ngoni akadaro.
"Ngoni Munyoro, asi unopenga?" Rumbidzai akabvunza akamutarisa.
"Rumbidzai usandiudze kuti unoda kuti zvingopfuura zvakadaro, usandiudze kuti haunzwi manyuku-nyuku kana uri pedyo neni. Usandiudze kuti haudi kufarisawo neni kana kutyora mirairo ine gumi neni".
Rumbidzai akakumbira asati apedza kutaura ndokusveerera miromo yake akasuzumira.
"Tinofanira kuita izvi pasina vanotiona", Ngoni akadaro achisuduruka.
"Ndizvo chaizvo, hazvina kutombonaka zvachose kuti tizviite, saka ngatiparadzane", Rumbidzai akadaro achifamba kuenda. "Igaroziva kuti iZimbabwe ino, zvimwe zvinhu hazvitenderwi". Akadaro asina kucheuka.
"Zvakaita sechii?"
"Izvo izvi", Rumbidzai akapindura achirovers gonhi pamberi pake.
Nedivi reziso, Rumbidzai akazviona kuti Ngoni aive akamutarisa. Rumbidzai akatsiidza kuti hapachina kudzokera shure. Aive asingadi kukonzera bongozozo uye kuvhuringa mhemberero yaBaba naMai Munyoro.
* * *
Rumbidzai aive akagara pedyo neduhwino akaritarisa asi asingarioni nekuti pfungwa dzake dzaiva kure. Haana kuona kusvika kwakaita Makina akamira shure kwake.
"Kwawabvirira wakayeva duhwino kwareba".
"Hevo Makina", Rumbidzai akamhoresa Makina uyo aigara padivi pake pabhenji raaive. "Wave nenguva wakareba sei wakamira pano?"
"Nguva yakareba zvekuti ndakwanisa kuona kuti pfungwa dzako dzakaremerwa zvikuru", Makina akapindura.
Vakanyaridzana, Rumbidzai aisaziva kuti nyaya yezvakaitika zuro usiku anoitanga sei. Akambofunga kuinyarara asi runyararo rwacho rwaimuremera. Chaaida ndechekuti Makina azive kuti pakati pavo hapana chiripo.
"Wakamboverenga bhuku rinonzi 'Mufaro Wekuve Hure Rake' here?" Makina akabvunza.
Rumbidzai akaseka. Bhuku iri aive akariverenga asi akashaya kuti sei Makina abvunza nezvebhuku iri. "Hongu, ndakariverenga".
"Zvakanaka", Makina akadaro ndokubva vambonyararidzana kwechinguva chakati kuti.
"Ndiani waukafarira mubhuku imomo?"
"Ndakafarira murume wacho, ainyatsoziva zvaanoita". Rumbidzai akapindura achirangarira nganonyorwa yaakaverenga makore akapfuura zvikamupa kunzwa kuti kudanana nemurume anoisa moyo wake wose zvakanaka chero uchiziva gwara rako.
"Saka iwe ungati here ungadanana nemurume anokupa nguva yake?"
"Ndanga ndapererwa kuita izvozvo", Rumbidzai akapindura asingabwairi.
YOU ARE READING
Masvingo
General FictionRumbidzai is a young ambitious and principled girl. He fell in love with Ngoni, a hardworking 28 year old guy and very rich than most of his age. Later, Rumbidzai falls in love with Makina who happens to be Ngoni's twin brother. Meanwhile, Ngoni now...