CHITSAUKO 32

1 0 0
                                    

Mai Munyoro vainge vabva kumba kwaKeresi vari munzira kudzokera kuChiredzi. Vaida kuzorora uye vainyatsoziva kuti Harare haisi nzvimbo yekuita izvozvo.

Makina aive asara kuHarare nekuda kwaRumbidzai. Rumbidzai aida kuve numunhu waanotaurawo naye achimuvaraidza panguva yakadai. Rufu chinhu chikuru, saka kuti Rumbidzai agamuchire kuti  munhu waanotenda kuti ndimai vake nyakutumbura vafa, zvaida nguva.

Mai Munyoro vakasvika kuChiredzi usiku, mvura inopisa yekugeza yakagadzirwa nemushandi wavo sezvo vaida kuzvitova vachitora nguva yavo. Vapedza kurongedza mabhegi mumba, vakamhanyira mukamuri yekugezera vakazviongorora pachioniso zvavave vakati mumoyo mavo, 'ndichiri ndakatsvinda kunyangwe makore angu afamba uye nekuzvara kwandikaita... kufa kwaKeresi kwandikabaya moyo zvandanga ndisingafungiri'.

Amai Munyoro vakatanga kuziva Keresi kare semunhu asina basa nezvakawanda aigara achida kuzvifarira nguva dzose. VanaMai Munyoro zvaitovanetsawo kuti Keresi ainetseka neupenyu sekunetsekawo kunoita vazhinji nehondo dzeupenyu hwavo chinyararire.

Mai Munyoro vakarara mutabhu vakasiya musoro chete kunze vachivaraidzwa nekunakidzwa kwekunhuwirira kwesipo yavo, vakanzwa kudekara chose, mvura yaipisa zvavanonyatsoda chaizvo.

Mai Munyoro vakashandisa nguva iyi kufunga nezveupenyu hwavo, vanakomana vavo kuti havanzwananani uye murume wavo anotora divi achitsigira nekuratidza rudo kumukomana mumwe chete uye havazvioni sechinhu chakaipa. Vakazviudza vakasimbisa mumoyo mavo kuti, 'ndichaita musangano wemhuri, ndaona shamwari yangu ichifa saka handidi kuona zvakadaro zvekare'.

* * *

Babamunini Tinos vakafunga zvekuchibuda munyika nekuti zvaive zvabva kuitika muZimbabwe zvakavapa shungu dzekuti vachidzokera asi chiremba wavo aive asingabvumirani navo.

"Tanaka anondida", Babamunini Tinos vakadaro.

"Imi muri vaviri neni tinozviziva kuti haakudi", chiremba wavo, Ruvimbo akamuudza. Ruvimbo aive murungu, mukadzi ari kuma makore maviri nemasere ikoko aipfeka mazigirazi mahombe pachiso chake. Aive nebvunzi raiyerera kusvika kumusana uye ganda rake rakanaka.

"Wakanditarisa here?" Ruvimbo akabvunza asina kusimudza meso kubva panharembozha yake.

"Chii chiripo chekuti ndingatarise pauri?" Babamunini Tinos vakabvunza.

Ruvimbo akanyemwerera achiziva kuti zvaari kuita zvakanaka. Aive ajaira kutukwa nevanhurume  nekuti ndiye aizvikonzeresa nekuda kwezvaanoita uye zvaitomunakidza. Hausiwo mugariro wake, haana kusarudza kuve chipangamazano.

Paaive achangokwanisa makore makumi maviri, Ruvimbo akaziva zvaaida kuita muupenyu hwake. Zvisinei, akabva awira murudo zvekuti pfungwa dzake dzakabva dzaruza. Aive aenda kunoshanyira nyika yeFrance ndokubva atumidza mukomana waaidanana naye zita rekuti 'Mambo wangu' nekuti aimuona sewaakapiwa nedenga. Mukomana uyu ainzi Martin, aive murefu, ane mhasuru uye akanaka zvikuru. Kubva musi waakaona murume uyu, haana kukwanisa kuzvidzora. Mukomana wake aiziva kuti Ruvimbo anomuitira chero chinhu chaada, ndipo paakaigochera pautsi.

Ruvimbo akasiira kosi yaaita panzira kuUnited States ndokubva aenda kunyika yake yechizvarwa, kuSpain. Amai vake havana kuzvifarira asi hakuna anokwanisa kudzora mwana ari murudo.

Akashandisa mari yake yose yaaive akachengeterwa achiedza kufadza Martin nemhuri yake kusvikira ave kudya nhoko dzezvironda. Ndipo paakazoziva mhando yemukomana akaita saMartin. Martin aive aina kuvimbika, akadhudhumhanisa Ruvimbo kasingavengeki uye akamubvisisa pamuviri kakawanda. Martin aimurwadzisawo zvikuru nekumuudza kuti haungaiti amai vemba vakanaka.

Zvaisazivikanwa naMartin, Ruvimbo akasangana nachipangamazano wechikadzi umwe musi aenda kunobviswa pamuviri. Chipangamazano uyu akati kunaRuvimbo auye kuchipatara nguva nenguva. Ndipo paakatanga kugadzikana nekuzvigamuchira uye kudzikama mundangariro dzake. Akabvuma kuti akakanganisa, izvi zvakamubatsira kuti akurumbidze kuita zvakanaka.

Mushure memavhiki mashoma, Ruvimbo akapiwa basa pachipatara apa rekushanda mazuva matatu pavhiki. Pavaida kumuendesa kuti ashandire  kuAmerika, akaramba.

Ruvimbo akabva kuSpain makore masere apfuura.

"Uri kufungeiko?" Babamunini Tinos vakabvunza Ruvimbo vaona mabatiro aakaita dumbu rake.

"Une nzara?", Ruvimbo akabvunza achimanikidzira kunyemwerera kuti asabatwe.

"Hongu".

Babamunini Tinos vainge vazviona kare asi kazhinji Ruvimbo ainzvengesa maziso kana kuchinja nyaya. Kubva paruzivo rwushoma rwavainge vawana, Babamunini Tinos vakazviona kuti zvakaitika kumashure kwake hazvikanganwiki zvachose.

Ruvimbo airarama achiremerwa nezvaakaita kare, saka Tinos akazviziva kuti vanhu vakadai havana kunaka. Ruvimbo akazviziva nekuti Gejo aive akambodaro kwemakore achiedza kutsiva kufa kwakaita sisi vake, asi nekudaro aitokanganisira vanhu vaaida.

"Rega ndikubatsire", Babamunini Tinos vakadaro vachibvisa Ruvimbo magirazi ake.

Ruvimbo aive akavarairwa asingazvifungiri asi haana kuramba.

"Apa. Une maziso akanaka, kunge ehanzvadzi yangu mushakabvu", Tinos akadaro.

"He-e, waive nehanzvadzi?" Ruvimbo akabvunza.

"Hongu, akashaya makore apfuura".

"Ndiudzewo nezvake", Ruvimbo akakumbira.

"Kana wabvuma kundiitira chinhu chimwe chete", Tinos akataura achinyemwerera.

"Taura tinzwe", Ruvimbo akabvunza.

"Unoenda neni tinodya pamwe chete", Babamunini Tinos vakadaro.

Masvingo Where stories live. Discover now