"Wamuitei?" Tanaka akabvunza Ngoni nezwi riri pamusoro achiyeredza misodzi.
Munhu wese akacheuka kutarisa kunaTanaka.
"Hapana zvandamuita", Ngoni akadaro achiona kuti munhu wese anga akamirira mhinduro yake.
"Uri kunyepa, waziva sei kuti ari kuduhwino?" Tanaka akabvunza.
"Tanaka, takambonetsana asi ndinzwisisewo, hapana chandinoita kukuvadza sisi vako".
"Wamukuvadza, wamusundira mudunhuwinho", Tanaka akataura achiratidza kurwadziwa pamoyo zvikuru.
"Siya izvozvo Tanaka", Ngoni akadaro achimubata ruoko.
"Ndisiye, ndiri kuzviziva. Saka imi vaviri mamukwezvera kuduhwino kuti mupfuudze hupenyu hwake?" Tanaka akadaro.
"Tanaka chimbomira, uri kuti kudini?" VaMunyoro vakabvunza.
"Ndakawanikidza Makina naRumbidzai vachitsvodana nezuro, vana venyu vanoda kushandisa sisi vangu. Uye zve, ndaive ndaita chituta chaicho kufunga kuti Ngoni anondida", Tanaka akapindura achigara pasi pedyo nasisi vake Rumbidzai uyo aive opisa muviri.
"Ichokwadi here chiri kutaurwa ichi?" VaMunyoro vakabvunza vakarisa Makina.
Amai Munyoro vakabva vamhanyira kupindura ivo, "ino haisi nguva yekudaro".
"Iwe Makina Munyoro, ndati ichokwadi here?" VaMunyoro vakabvunza nezwi riri pamusoro.
"Hongu baba", Makina akapindura akatarisa pasi.
VaMunyoro vakawira musofa ravo ndokuvhara musoro nemaoko avo.
'Ndakundikana sababa', vakadaro chinyararire vaMunyoro.
Pakaita runyararo, hapana akati bufu. Vanhu vose vakazotarisa kuna Rumbidzai paakakosora.
"Mudiwa", Ngoni akadaro achienda panaRumbidzai. Akamusimudzira chipfuva achimusunda kumusana kuti akosore zvekare.
'Wandivhundutsa', Ngoni akadaro chinyararire.
"Baba", Rumbidzai akazevezera.
"Chii?" Ngoni akabvunza kuti anzwisise.
Rumbidzai akatendeukira musoro wake kunaTanaka uyo aive achiri kuchema.
"Waiziva here nezvetsinga yababa?"
Tanaka haana kupindura, akabva atarisa pasi.
"Rumbidzai, ndinoda kuziva kuti wave mutano here chinhu chekutanga", Mai Munyoro vakadaro vachimutambidza komichi yesvutugadzike yaipfungaira.
"Wakatanga kuzviziva riini, Tanaka?" Rumbidzai akadaro asina hanya nezvataurwa naMai Munyoro.
"Ava makore maviri manje".
"Waiziva kuti baba vangu varikufa asi makore maviri akwana uchindivanzira, une chokwadi?" Rumbidzai akabvunza achisvimha misodzi. "Tanaka ungadaro here? Ndaikuda nezvese zvandiri nazvo asi ndizvo zvowoita kwandiri?" Rumbidzai akabvunza.
Mumba makaita runyararo, hapana akaziva chekutaura.
"Ungandiperekedzawo here kuHarare?" Rumbidzai akakumbira Ngoni.
"Rumbidzai, zvine njodzi kutyaira motokari usiku huno, ngatimirire kunze kuyedze", Ngoni akapindura nezwi nyoro.
"Baba vangu vari kufa. Kana usingakwanisi kundiperekedza, ndinotyaira ndoenda ndega izvozvi", Rumbidzai akadaro achiedza kusimuka asi makumbo ake aive asina simba.
"Ndichakuperekedza iyeni mbune mangwana mangwanani, nenguva dza 6:00AM tinenge tichisimuka", vaMunyoro vakadaro.
Vanhu vakacheuka ndokuvatarisa.
"Mose makanganisa zvikuru, mose zvenyu", vaMunyoro vakadaro vachisimuka kuenda. "Murare naye, arikufungisisa zvakanyanya", vakadaro vakatarisa Mai Munyoro, ndokuzotarisa kunaRumbidzai.
Vakasimuka vose, Mai Munyoro vakaenda naRumbidza kukamuri yaNgoni. Tanaka airatidza kurwadziwa zvikuru asi Ngoni akashaya kuti omunyaradza sei.
"Saka iwe urikundiramba asi takafana?" Serina akabvunza akabvunza Makina.
"Nyarara", Makina naNgoni vakapindurirana panguva imwe chete.
"Saka baba vako varisei?" Ngoni akabvunza Tanaka.
"Hazvina kumira zvakanaka", Tanaka akapindura achizunguza musoro akavhura meso asi pasina chaari kuona.
"Sei usina kuudzawo Rumbidzai nezvazvo?" Ngoni akabvunza.
"Upenyu hwaRumbidzai hwakabatwa nehwababa, dai akazvinzwa angadai akaisa hwake patambo kuti avachengete. Saka baba vaisada izvozvo", Tanaka akatsanangura.
"Vakaramba kumupa kumupa mukana kuti ati 'mufambe zvakanaka'", Ngoni akadaro.
"Takavaudzawo kudaro asi havana kutenderana nesu, vakaoma musoro kunge Rumbidzai wavo", Tanaka akapindura akatarisa pasi vachibva vambonyararidzana.
"Zvakamboitika, baba vakarwara iye Rumbidzai ndokumira kuita zveupenyu hwake achibva atangawo kurwara. Baba vapora, iye akaita nguva yakareba kuti azoporawo, saka vanachiremba vakati baba vanofanira kugara vakasimba nepese pavanogona kana Rumbidzai ari pedyo", Tanaka akaenderera mberi.
"Inga zvakaoma", Yeukai akadaro.
"Rumbidzai nababa vakatizwa naamai vake ari nezuva rimwe chete rekuberekwa. Akabva awirirana naamai vangu zvikuru asi iye anoda baba zvakanyanya. Amai vangu, vaunzi Gamhidzai munin'ina waKeresi amai vaRumbidzai pavakafa, baba vakapa amai vatiri navo nhasi musenzekete wekuti vamuchengete nekuti panguva iyoyo zvaisanyatsoita kuti baba vamuchengete vari vega. Saka kwenguva yakareba, havasiyane asi apa vaBanda vari kuda kumuvanzira hurwere hwavo", Tanaka akatsanangura.
"Mira, ndakadanana naye kwemakore maviri asi handina kumbozviziva kuti hamusi vana vaamai nababa mumwe chete?" Ngoni akabvunza.
"Sha, mhuri yakakosha kupfuura ropa", Tanaka akapindura achisimuka. "Patiri kutaura kudai zvi, baba vari muchipatara uye amai vake Keresi vakadzoka vari kuda kufa saka vauya kuzoti 'usare zvakanaka' kumwanasikana wavo", Tanaka akavautaurira.
"Maiwee, zvaari mashandukuminya chaiwo", Yeukai akadaro achibata magotsi kunge afirwa.
"Sisi vangu vanokuda zvekuenda nekudzoka", Tanaka akataura akatarisa Ngoni.
"Handisi kuzomusiyawo", Ngoni akapindura zvekumhanya.
"Ndinofunga kuti zvakanaka titambire kure nakure kusvika zvinhu zvose izvi zvagadzikana".
"Handikwanisi kuita izvozvo", Ngoni akapindura.
"Unofanira uye uchatozviita, uchida usingade", Tanaka akataura nesimba.
YOU ARE READING
Masvingo
General FictionRumbidzai is a young ambitious and principled girl. He fell in love with Ngoni, a hardworking 28 year old guy and very rich than most of his age. Later, Rumbidzai falls in love with Makina who happens to be Ngoni's twin brother. Meanwhile, Ngoni now...